John (11/21)  

1. Mumwe munhu wakanga achirwara, wainzi Razaro weBetania, musha waMaria nomukoma wake Marta.
2. Ndiye Maria uya wakazodza Ishe namafuta, akapisika tsoka dzake nevhudzi rake; hanzvadzi yake Razaro, wakanga achirwara.
3. Zvino hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kwaari, dzichiti: Ishe, tarirai uyo unodikanwa nemi unorwara.
4. Jesu wakati azvinzwa, akati: Kurwara uku hakuzi kwokufa, asi kuti Mwari akudzwe, noMwanakomana waMwari akudzwe vo nazvo.
5. Jesu wakanga achida Marta, nomunun’una wake, naRazaro.
6. Zvino wakati anzwa kuti unorwara, akambogara mazuva maviri paakanga ari.
7. Shure kwaizvozvo akati kuvadzidzi vake: Hendei zve Judhea,
8. Vadzidzi vakati kwaari: Rabhi, vaJudha vakanga vachikutsvakai ikozvino, kuti vakutakei namabwe; zvino moenda zve ikoko here?
9. Jesu akapindura, akati: Nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti unovona chiedza chenyika ino.
10. Asi kana munhu achifamba vusiku, unogumburwa, nokuti hakunechiedza maari.
11. Ndizvozvo zvaakareva akazoti kwavari; Razaro, hama yedu, wavata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope.
12. Zvino vadzidzi vakati kwaari: Ishe, kana achivata, uchanaya.
13. Jesu wakanga areva kufa kwake, asi ivo vakanga vachiti,unoreva kuvata hope.
14. Ipapo Jesu akavavudza pachena: Razaro wafa.
15. Ndinofara nokuda kwenyu, kuti ndakanga ndisipo, kuti mugotenda; asi zvino hendei kwaari.
16. Ipapo Tomasi, wainzi Dhidhimo, akati kuna vamwe vadzidzi: Hendei nesu vo, kuti tindofa naye.
17. Zvino Jesu wakati achisvika, akamuwana atovamubwiro mazuva mana.
18. Betania rakanga riri pedo neJerusarema, mastadia anenge gumi namashanu*;
19. vazhinji vavaJudha vakanga vavuya kunaMarta naMaria, kuti vavabate ruvoko pamusoro pehanzvadzi yavo.
20. Zvino Marta wakati achinzwa kuti Jesu wovuya, akaenda kundomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba.
21. Marta akati kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
22. Kunyange zvino ndinoziva, kuti zvose zvamunokumbira kunaMwari, Mwari uchakupai.
23. Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamuka zve.
24. Marta akati kwaari: Ndinoziva kuti uchamuka zve pakumuka kwavakafa nezuva rokupedzisira.
25. Jesu akati kwaari: Ndini kumuka novupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama.
26. Mumwe nomumwe uri mupenyu; unotenda kwandiri, haangatongofi. Unotenda izvozvo here?
27. Akati kwaari: Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo wainzi unovuya panyika.
28. Wakati areva izvozvo, akandodana Maria, munun’una wake, akati kwaari vari voga: Mudzidzisi wasvika, unokudana.
29. Iye wakati achizvinzwa, akakurumidza kusimuka, akaenda kwaari.
30. (Zvino Jesu wakanga asati asvika pamusha, asi wakanga achiri paya paakachingamidzwa naMarta.)
31. Zvino vaJudha, vakanga vari mumba naye vachimubata ruvoko, vakati vachivona Maria achikurumidza kusimuka achibuda, vakamutevera, vachiti, unoenda kubwiro kundochema’ko.
32. Zvino Maria wakati achisvika kunaJesu, achimuvona, akawira pasi patsoka dzake akati kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
33. Zvino Jesu wakati achimuvona achichema, navaJudha vakanga vavuya naye, vachichema vo, akafa neshungu mumweya, akatambudzika.
34. akati: Mamuisepiko? Vakati kwaari: Ishe, vuyai, muvone.
35. Jesu akachema misodzi.
36. Ipapo vaJudha vakati: Tarirai, waimuda sei!
37. Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haazaigona kudzivisa kuti uyu munhu arege kufa here.
38. Ipapo Jesu akafa zve neshungu mukati make, akasvika pabwiro. Iro raiva bako, nebwe rakanga riri pamusoro paro.
39. Jesu akati: Bvisai ibwe! Marta, hanzvadzi yowakafa, akati kwaari: Ishe, wotonhuwa zvino, nokuti wava namazuva mana okufa kwake.
40. Jesu akati: kwaari Handina kukuvudza here, kuti kana ukatenda, uchavona kubwinya kwaMwari?
41. Ipapo vakabvisa ibwe. Kubva panzvimbo paakanga aiswa akafa. Zvino Jesu akatarira kudenga, akati: Baba, ndinokuvongai, nokuti mandinzwa.
42. Asi ndakanga ndichiziva kuti munosindinzwa nguva dzose; asi ndakazvireva nokuda kwavazhinji vakandikomba, kuti vatende kuti makandituma.
43. Wakati areva izvozvo, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda!
44. Wakanga afa akabuda, akapombwa makumbo namavoko nemicheka yobwiro, nechiso chake chakapombwa nomucheka, Jesu akati kwavari: Mumusunungurei, aende.
45. Naizvozvo vazhinji vavaJudha, vakanga vavuya kunaMaria, vakati vavona zvaitwa naJesu, vakatenda kwaari.
46. Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarise, vakandovavudza zvakanga zvaitwa naJesu.
47. Naizvozvo vaPirisita vakuru navaFarise vakavunganidza makurukota, vakati: Todiniko? Nokuti uyu unoita zviratidzo zvizhinji.
48. Kana tikamurega achidaro, vanhu vose vachatenda kwaari; navaRoma vachavuya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu.
49. Zvino mumwe wavo, Kayafasi, wakanga ari muPirisita mukuru gore iro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu, imi,
50. vuye hamurangariri kuti zvirinani kwamuri, kuti munhu mumwe afire vanhu, rudzi rwose rurege kufa.
51. Haana kureva izvozvo pachake, asi zvaakanga ari muPirisita mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waifanira kufira rudzi;
52. rusati ruri rudzi rwoga, asi kuti avunganidze pamwe chete vana vaMwari vakapararira.
53. Zvino kubva pazuva iro vakarangana, kuti vamuvuraye.
54. Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha, asi wakabvapo. Akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efraimi; akagara’ko navadzidzi vake.
55. Zvino paseka yavaJudha yakanga yava pedo, vanhu vazhinji venyika iyo vakakwira Jerusarema, paseka isati yasvika, kuti vazvinatse.
56. Zvino vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, vachiti: Munoti kudiniko? Munoti hangavuyi kumutambo here?
57. Zvino vaPirisita vakuru navaFarise vakanga varaira, kuti, aninani kana achiziva kwaari, avazivise, kuti vandomubata.

  John (11/21)