| ← John (11/21) → |
| 1. | Mumwe munhu wakanga achirwara, wainzi Razaro weBetania, musha waMaria nomukoma wake Marta. |
| 2. | Ndiye Maria uya wakazodza Ishe namafuta, akapisika tsoka dzake nevhudzi rake; hanzvadzi yake Razaro, wakanga achirwara. |
| 3. | Zvino hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kwaari, dzichiti: Ishe, tarirai uyo unodikanwa nemi unorwara. |
| 4. | Jesu wakati azvinzwa, akati: Kurwara uku hakuzi kwokufa, asi kuti Mwari akudzwe, noMwanakomana waMwari akudzwe vo nazvo. |
| 5. | Jesu wakanga achida Marta, nomunun’una wake, naRazaro. |
| 6. | Zvino wakati anzwa kuti unorwara, akambogara mazuva maviri paakanga ari. |
| 7. | Shure kwaizvozvo akati kuvadzidzi vake: Hendei zve Judhea, |
| 8. | Vadzidzi vakati kwaari: Rabhi, vaJudha vakanga vachikutsvakai ikozvino, kuti vakutakei namabwe; zvino moenda zve ikoko here? |
| 9. | Jesu akapindura, akati: Nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti unovona chiedza chenyika ino. |
| 10. | Asi kana munhu achifamba vusiku, unogumburwa, nokuti hakunechiedza maari. |
| 11. | Ndizvozvo zvaakareva akazoti kwavari; Razaro, hama yedu, wavata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope. |
| 12. | Zvino vadzidzi vakati kwaari: Ishe, kana achivata, uchanaya. |
| 13. | Jesu wakanga areva kufa kwake, asi ivo vakanga vachiti,unoreva kuvata hope. |
| 14. | Ipapo Jesu akavavudza pachena: Razaro wafa. |
| 15. | Ndinofara nokuda kwenyu, kuti ndakanga ndisipo, kuti mugotenda; asi zvino hendei kwaari. |
| 16. | Ipapo Tomasi, wainzi Dhidhimo, akati kuna vamwe vadzidzi: Hendei nesu vo, kuti tindofa naye. |
| 17. | Zvino Jesu wakati achisvika, akamuwana atovamubwiro mazuva mana. |
| 18. | Betania rakanga riri pedo neJerusarema, mastadia anenge gumi namashanu*; |
| 19. | vazhinji vavaJudha vakanga vavuya kunaMarta naMaria, kuti vavabate ruvoko pamusoro pehanzvadzi yavo. |
| 20. | Zvino Marta wakati achinzwa kuti Jesu wovuya, akaenda kundomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba. |
| 21. | Marta akati kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. |
| 22. | Kunyange zvino ndinoziva, kuti zvose zvamunokumbira kunaMwari, Mwari uchakupai. |
| 23. | Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamuka zve. |
| 24. | Marta akati kwaari: Ndinoziva kuti uchamuka zve pakumuka kwavakafa nezuva rokupedzisira. |
| 25. | Jesu akati kwaari: Ndini kumuka novupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama. |
| 26. | Mumwe nomumwe uri mupenyu; unotenda kwandiri, haangatongofi. Unotenda izvozvo here? |
| 27. | Akati kwaari: Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo wainzi unovuya panyika. |
| 28. | Wakati areva izvozvo, akandodana Maria, munun’una wake, akati kwaari vari voga: Mudzidzisi wasvika, unokudana. |
| 29. | Iye wakati achizvinzwa, akakurumidza kusimuka, akaenda kwaari. |
| 30. | (Zvino Jesu wakanga asati asvika pamusha, asi wakanga achiri paya paakachingamidzwa naMarta.) |
| 31. | Zvino vaJudha, vakanga vari mumba naye vachimubata ruvoko, vakati vachivona Maria achikurumidza kusimuka achibuda, vakamutevera, vachiti, unoenda kubwiro kundochema’ko. |
| 32. | Zvino Maria wakati achisvika kunaJesu, achimuvona, akawira pasi patsoka dzake akati kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. |
| 33. | Zvino Jesu wakati achimuvona achichema, navaJudha vakanga vavuya naye, vachichema vo, akafa neshungu mumweya, akatambudzika. |
| 34. | akati: Mamuisepiko? Vakati kwaari: Ishe, vuyai, muvone. |
| 35. | Jesu akachema misodzi. |
| 36. | Ipapo vaJudha vakati: Tarirai, waimuda sei! |
| 37. | Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haazaigona kudzivisa kuti uyu munhu arege kufa here. |
| 38. | Ipapo Jesu akafa zve neshungu mukati make, akasvika pabwiro. Iro raiva bako, nebwe rakanga riri pamusoro paro. |
| 39. | Jesu akati: Bvisai ibwe! Marta, hanzvadzi yowakafa, akati kwaari: Ishe, wotonhuwa zvino, nokuti wava namazuva mana okufa kwake. |
| 40. | Jesu akati: kwaari Handina kukuvudza here, kuti kana ukatenda, uchavona kubwinya kwaMwari? |
| 41. | Ipapo vakabvisa ibwe. Kubva panzvimbo paakanga aiswa akafa. Zvino Jesu akatarira kudenga, akati: Baba, ndinokuvongai, nokuti mandinzwa. |
| 42. | Asi ndakanga ndichiziva kuti munosindinzwa nguva dzose; asi ndakazvireva nokuda kwavazhinji vakandikomba, kuti vatende kuti makandituma. |
| 43. | Wakati areva izvozvo, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda! |
| 44. | Wakanga afa akabuda, akapombwa makumbo namavoko nemicheka yobwiro, nechiso chake chakapombwa nomucheka, Jesu akati kwavari: Mumusunungurei, aende. |
| 45. | Naizvozvo vazhinji vavaJudha, vakanga vavuya kunaMaria, vakati vavona zvaitwa naJesu, vakatenda kwaari. |
| 46. | Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarise, vakandovavudza zvakanga zvaitwa naJesu. |
| 47. | Naizvozvo vaPirisita vakuru navaFarise vakavunganidza makurukota, vakati: Todiniko? Nokuti uyu unoita zviratidzo zvizhinji. |
| 48. | Kana tikamurega achidaro, vanhu vose vachatenda kwaari; navaRoma vachavuya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu. |
| 49. | Zvino mumwe wavo, Kayafasi, wakanga ari muPirisita mukuru gore iro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu, imi, |
| 50. | vuye hamurangariri kuti zvirinani kwamuri, kuti munhu mumwe afire vanhu, rudzi rwose rurege kufa. |
| 51. | Haana kureva izvozvo pachake, asi zvaakanga ari muPirisita mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waifanira kufira rudzi; |
| 52. | rusati ruri rudzi rwoga, asi kuti avunganidze pamwe chete vana vaMwari vakapararira. |
| 53. | Zvino kubva pazuva iro vakarangana, kuti vamuvuraye. |
| 54. | Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha, asi wakabvapo. Akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efraimi; akagara’ko navadzidzi vake. |
| 55. | Zvino paseka yavaJudha yakanga yava pedo, vanhu vazhinji venyika iyo vakakwira Jerusarema, paseka isati yasvika, kuti vazvinatse. |
| 56. | Zvino vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, vachiti: Munoti kudiniko? Munoti hangavuyi kumutambo here? |
| 57. | Zvino vaPirisita vakuru navaFarise vakanga varaira, kuti, aninani kana achiziva kwaari, avazivise, kuti vandomubata. |
| ← John (11/21) → |