| ← John (10/21) → | 
| 1. | Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Usingapindi nomukova mudanga ramakwai, asi unokwira nokumwe, imbavha negororo. | 
| 2. | Asi unopinda napamukova, ndiye mufudzi wamakwai. | 
| 3. | Murindi womukova unomuzarurira iye, makwai anonzwa inzwi rake, unodana makwai ake namazita awo, nokuakokera kunze. | 
| 4. | Kana abudisa makwai ake ose, unoatungamirira; makwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake. | 
| 5. | Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi ravaeni. | 
| 6. | Jesu akareva mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa, kuti zvaakavataurira ndezvei. | 
| 7. | Zvino Jesu akati kwavari zve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ndini mukova wamakwai. | 
| 8. | Vose vakanditangira kuvuya, imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa. | 
| 9. | Ndini mukova; kana munhu apinda neni, uchaponeswa, uchapinda, uchabuda, uchawana mafuro. | 
| 10. | Mbavha inongovuya, kuti ibe nokuvuraya nokuparadza. Ini ndakavuya, kuti ave novupenyu, vuye ave nobwakawanda. | 
| 11. | Ndini mufudzi wakanaka; mufudzi wakanaka unorashira makwai ake vupenyu bwake. | 
| 12. | Muranda, usati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, unovona bere richivuya, unosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabata, nokuaparadzira; | 
| 13. | Muranda unotiza:zvaari muranda haanehanya namakwai. | 
| 14. | Ndini mufudzi wakanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini, | 
| 15. | Baba sezvavanondiziva, saizvozvo nenivo ndinoziva Baba; ndinorashira makwai angu vupenyu bwangu. | 
| 16. | Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuvuya nawo vo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe. | 
| 17. | Saka Baba vanondida, nokuti ndinorasha vupenyu bwangu, ndigobwutora zve. | 
| 18. | Hakuno munhu unganditorera ibwo; asi ndinobwurasha ndimene. Ndine simba rokubwurasha, vuye ndinesimba rokubwutora zve. Uyu murairo ndakaupiwa nababa vangu. | 
| 19. | Ipapo kupesana kukamuka zve pakati pavaJudha pamusoro pamashoko iwayo. | 
| 20. | Vazhinji vavo vakati: Unomweya wakaipa, unopenga; munomuterereiko? | 
| 21. | Vamwe vakati: Mashoko awa haasati ari omunhu wakabatwa nomweya wakaipa; ko mweya wakaipa ungagona kusvinudza meso amapofu here? | 
| 22. | Yaiva nguva yomutambo wokuvandudzwa kwetembere paJerusarema; chaiva chando. | 
| 23. | Jesu akafamba mutembere pabiravira raSoromoni. | 
| 24. | Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Uchativetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu iwe, tivudze pachena. | 
| 25. | Jesu akavapindura akati: Ndakakuvudzai, mukasatenda. Mabasa andinoita nezita rababa, ndiwo anondipupurira ini. | 
| 26. | Asi imi hamutendi, sezvandakareva nokuti hamuzi vamakwai angu. | 
| 27. | Makwai angu anonzwa inzwi rangu; neni ndinoaziva, vuye anonditevera. | 
| 28. | Ndinoapa vupenyu bwusingaperi; haangafi nokusingaperi, vuye hakunomunhu ungaabvuta muruvoko rwangu. | 
| 29. | Baba vangu vakandipa iwo vakuru kunavose; hakuno munhu unogona kuabvuta muruvoko rwaBaba vangu. | 
| 30. | Ini naBaba vangu tiri mumwe. | 
| 31. | Zvino vaJudha vakanonga zve mabwe, kuti vamutake. | 
| 32. | Jesu akavapindura, akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka akabva kunaBaba; munonditakira basa ripiko kuna iwayo? | 
| 33. | VaJudha vakamupindura, vakati: Hatikutakiri basa rakanaka; asi nokuti wamhura Mwari; uye nokuti iwe munhu unozviita Mwari. | 
| 34. | Jesu akavapindura, akati; Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ndakati: Muri vamwari? | 
| 35. | Zvino kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, (Rugwaro harungaputswi); | 
| 36. | imi moti seiko kunaiye wakaitwa mutsvene naBaba, nokutumwa panyika: unomhura Mwari, zvandakati: Ndiri Mwanakomana waMwari? | 
| 37. | asi kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, regai kunditenda ini; | 
| 38. | asi kana ndichiaita, kunyange musinganditendi ini, tendai mabasa, kuti mugoziva, kuti Baba vari mandiri, neni ndiri mavari. | 
| 39. | Zvino vakatsvaka zve kumubata, asi iye wakapukunyuka pamavoko avo. | 
| 40. | Zvino akaenda zve mhiri kwaJoridhani, paya paibhabhatidza Johane pakutanga; akagarapo, | 
| 41. | Vazhinji vakavuya kwaari, vakati: Johane haana kuita chiratidzo, asi zvose zvakareva Johane pamusoro pomurume uyu ndezvazvokwadi. | 
| 42. | Vazhinji vakatenda kwaari ipapo. | 
| ← John (10/21) → |