John (10/21)  

1. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Usingapindi nomukova mudanga ramakwai, asi unokwira nokumwe, imbavha negororo.
2. Asi unopinda napamukova, ndiye mufudzi wamakwai.
3. Murindi womukova unomuzarurira iye, makwai anonzwa inzwi rake, unodana makwai ake namazita awo, nokuakokera kunze.
4. Kana abudisa makwai ake ose, unoatungamirira; makwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake.
5. Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi ravaeni.
6. Jesu akareva mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa, kuti zvaakavataurira ndezvei.
7. Zvino Jesu akati kwavari zve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ndini mukova wamakwai.
8. Vose vakanditangira kuvuya, imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
9. Ndini mukova; kana munhu apinda neni, uchaponeswa, uchapinda, uchabuda, uchawana mafuro.
10. Mbavha inongovuya, kuti ibe nokuvuraya nokuparadza. Ini ndakavuya, kuti ave novupenyu, vuye ave nobwakawanda.
11. Ndini mufudzi wakanaka; mufudzi wakanaka unorashira makwai ake vupenyu bwake.
12. Muranda, usati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, unovona bere richivuya, unosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabata, nokuaparadzira;
13. Muranda unotiza:zvaari muranda haanehanya namakwai.
14. Ndini mufudzi wakanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini,
15. Baba sezvavanondiziva, saizvozvo nenivo ndinoziva Baba; ndinorashira makwai angu vupenyu bwangu.
16. Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuvuya nawo vo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.
17. Saka Baba vanondida, nokuti ndinorasha vupenyu bwangu, ndigobwutora zve.
18. Hakuno munhu unganditorera ibwo; asi ndinobwurasha ndimene. Ndine simba rokubwurasha, vuye ndinesimba rokubwutora zve. Uyu murairo ndakaupiwa nababa vangu.
19. Ipapo kupesana kukamuka zve pakati pavaJudha pamusoro pamashoko iwayo.
20. Vazhinji vavo vakati: Unomweya wakaipa, unopenga; munomuterereiko?
21. Vamwe vakati: Mashoko awa haasati ari omunhu wakabatwa nomweya wakaipa; ko mweya wakaipa ungagona kusvinudza meso amapofu here?
22. Yaiva nguva yomutambo wokuvandudzwa kwetembere paJerusarema; chaiva chando.
23. Jesu akafamba mutembere pabiravira raSoromoni.
24. Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Uchativetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu iwe, tivudze pachena.
25. Jesu akavapindura akati: Ndakakuvudzai, mukasatenda. Mabasa andinoita nezita rababa, ndiwo anondipupurira ini.
26. Asi imi hamutendi, sezvandakareva nokuti hamuzi vamakwai angu.
27. Makwai angu anonzwa inzwi rangu; neni ndinoaziva, vuye anonditevera.
28. Ndinoapa vupenyu bwusingaperi; haangafi nokusingaperi, vuye hakunomunhu ungaabvuta muruvoko rwangu.
29. Baba vangu vakandipa iwo vakuru kunavose; hakuno munhu unogona kuabvuta muruvoko rwaBaba vangu.
30. Ini naBaba vangu tiri mumwe.
31. Zvino vaJudha vakanonga zve mabwe, kuti vamutake.
32. Jesu akavapindura, akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka akabva kunaBaba; munonditakira basa ripiko kuna iwayo?
33. VaJudha vakamupindura, vakati: Hatikutakiri basa rakanaka; asi nokuti wamhura Mwari; uye nokuti iwe munhu unozviita Mwari.
34. Jesu akavapindura, akati; Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ndakati: Muri vamwari?
35. Zvino kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, (Rugwaro harungaputswi);
36. imi moti seiko kunaiye wakaitwa mutsvene naBaba, nokutumwa panyika: unomhura Mwari, zvandakati: Ndiri Mwanakomana waMwari?
37. asi kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, regai kunditenda ini;
38. asi kana ndichiaita, kunyange musinganditendi ini, tendai mabasa, kuti mugoziva, kuti Baba vari mandiri, neni ndiri mavari.
39. Zvino vakatsvaka zve kumubata, asi iye wakapukunyuka pamavoko avo.
40. Zvino akaenda zve mhiri kwaJoridhani, paya paibhabhatidza Johane pakutanga; akagarapo,
41. Vazhinji vakavuya kwaari, vakati: Johane haana kuita chiratidzo, asi zvose zvakareva Johane pamusoro pomurume uyu ndezvazvokwadi.
42. Vazhinji vakatenda kwaari ipapo.

  John (10/21)