John (1/21)  

1. Pakutanga Shoko rakanga riripo, Shoko rakanga riri kunaMwari, Shoko rakanga riri Mwari.
2. Ireri pakutanga rakanga riri kunaMwari.
3. Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa.
4. Vupenyu bwaiva maari: vupenyu bwaiva chiedza chavanhu.
5. Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kuchikunda.
6. Kwakanga kunomunhu wakatumwa naMwari, zita rake rainzi Johane.
7. Iye wakavuya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye.
8. Uyo wakanga asati ari icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupurire chiedza.
9. Ichi chaiva chiedza chazvokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe pakusvika kwacho panyika.
10. Wakanga ari panyika, asi nyika haina kumuziva.
11. Wakavuya kunezvake, asi vanhu vake havana kumugamuchira.
12. Asi vose vakamugamuchira, wakavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake;
13. avo vasina kuberekwa, neropa kana nokuda kwenyama. Kana nokuda kwomurume, asi naMwari.
14. Shoko rakazova nyama, rikagara pakati pedu, (tikavona kubwinya kwake, kubwinya soko wakaberekwa mumwe chete wababa,) azere nenyasha nezvokwadi.
15. Johane akamupupurira, akadanidzira, achiti: Uyu, ndiye wandaireva ndichiti;uyu unouya shure kwangu wakavapo mberi kwangu; nokuti wakanditangira.
16. Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamusoro penyasha.
17. Nokuti murairo wakapiwa naMosesi, asi nyasha nezvokwadi zvakavuya naJesu Kristu.
18. Hakunomunhu wakatongovona Mwari; chero nguva ipi; mwanakomana wakaberekwa mumwe woga, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa isu.
19. Uku ndiko kupupura kwaJohane, musi vaJudha vakatumira kwaari vaPirisita navaRevhi, vachibva Jerusarema, kundomubvunza, kuti: Iwe ndiwe aniko?
20. Akatenda pachena, haana kuramba, akatenda pachena, achiti: Handizi Kristu.
21. Vakamubvunza, vachiti: Asi kudiniko? Ndiwe Eria here? Akati: Handizi iye. Ko uri uya muporofita here? Akapindura, akati: Kwete,
22. Zvino vakati kwaari: Ndiwe aniko? Tigondopindura vakatituma. Unozviti aniko?
23. Akati: Ndini inzwi rounodana murenje, richiti: Ruramisai nzira yaShe; sezvakarebwa nomuporofita Isaya.
24. Ava vakanga vatumwa vaiva vavaFarise,
25. Vakamubvunza, vakati kwaari: Kana usiKristu, kana Eria, kana muporofita uya, unogobhabhatidzireiko?
26. Johane akapindura akati,: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi;
27. ndiye unovuya shure kwangu, asi uri mberi kwangu wandisina kufanira kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.
28. Izvozvi zvakaitwa paBetania, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johane.
29. Ava mangwana wakavona Jesu achivuya kwaari, akati: Tarirai, Gwaiana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika.
30. Uyu ndiye wandaireva, ndichiti: Shure kwangu kunovuya murume, wakavapo mberi kwangu, nokuti wakanditangira.
31. Neni ndakanga ndisingamuzivi, asi ndizvo zvandakavuyira, ndichibhabhatidza nemvura, kuti avoneswe kuvaIsraeri.
32. Johane akapupura, akati: Ndakavona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamsoro pake.
33. Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunovona Mweya achiburuka pamusoro pake, akagara pamusoro pake, ndiye unobhabhatidza noMweya Mutsvene.
34. Ini ndikavona, ndikapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.
35. Ava mangwana zve Johane wakanga amire navadzidzi vake vaviri;
36. akatarisisa Jesu achifamba, akati: Tarirai, Gwaiana raMwari!
37. Ivavo vadzidzi vaviri, vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu.
38. Jesu akatendevuka akavavona vachitevera, akati kwavari: munotswakeiko ivo Vakati kwaari Rabhi (ndokuti Mudzidzisi, kana zvichishandurwa, munogarepiko?
39. Akati kwavari: Vuyai, muvone. Vakaenda, vakandovona kwaaigara, vakagara naye zuva iro; yakanga iri nguva inenge yegumi.
40. Mumwe waivavo vaviri, vakanga vanzwa Johane, vakamutevera, vaiva Andreasi, munun’una waSimoni Petro.
41. Iye akatanga kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari: Tawana Mesiasi (ndokuti Kristu, kana zvichishandurwa, )
42. Akamuisa kunaJesu. Jesu akamutarira, akati: Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchanzi Kefasi (ndiko kuti dombo kana zvichishandurwa.)
43. Ava mangwana akada kuenda Garirea, akawana Firipo; Jesu akati kwaari: Nditevere.
44. Firipo wakanga ari weBetsaida, guta raAndreasi naPetro.
45. Firipo akawana Natanaeri, akati kwaari: Tamuwana iye, wakanyorwa zvake naMosesi pamurairo navaporofita, iye Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.
46. Natanaeri akati kwaari: Kune chinhu chakanaka chingabva Nazareta here? Firipo akati kwaari: Vuya uvone.
47. Jesu akavona Natanaeri achivuya kwaari, akamuti: Tarirai, muIsraeri wazvokwadi, usinokunyengera maari.
48. Natanaeri akati kwaari: Mandizivirepiko? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipo asati akudana, uri munyasi momuvonde, ndakakuvona.
49. Natanaeri akamupindura, akati: Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi Ishe waIsraeri.
50. Jesu akapindura, akati kwaari: Unotenda iwe, nokuti ndakati kwauri, ndakakuvona munyasi momuvonde here? Uchazovona zvikuru kunaizvozvi.
51. Akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva zvino Muchavona kudenga kwazarurwa, navatumwa vaMwari vachikwira, nokuburukira pamusoro poMwanakomana womunhu.

      John (1/21)