← Joel (3/3) |
1. | "Nokuti tarirai, namazuva iwayo nenguva iyo, kana ndichidzosa kutapwa kwaJudha neJerusaremu, |
2. | ndichaunganidza marudzi ose avanhu, nokuaburusira kumupata waJehoshafati; ndichavatongapo pamusoro pavanhu vangu napamusoro penhaka yangu Isiraeri, vakaparadzirwa navo pakati pamarudzi avanhu; vakagovana nyika yangu, |
3. | vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu, vakatenga chifeve nomukomana, vakatengesa musikana vachipiwa waini, kuti vainwe. |
4. | Zvirokwazvo, imi Tire neSidhoni nenyika dzose dzaFirisitia, munoreveiko kwandiri? Munoda kunditsiva here? Kana mukanditsiva, ndichakudzoserai zvamakaita pamisoro yenyu pakarepo nokukasira. |
5. | Zvamakatora sirivha yangu nendarama yangu, mukandoisa mutemberi dzenyu zvinhu zvangu zvakanaka zvinodikanwa, |
6. | mukatengesa vana vaJudha navana veJerusaremu kuvanakomana vavaGiriki, kuti muvabvisire kure nenyika yavo; |
7. | tarirai, ndichavamutsa panzvimbo kwamakandovatengesa, ndidzosere pamisoro yenyu zvamakaita; |
8. | ndichatengesa vanakomana venyu navanasikana venyu mumaoko avana vaJudha, ivo vachandovatengesa kuvanhu veShebha, kurudzi ruri kure, nokuti Jehovha akataura izvozvo. |
9. | "Paridzirai izvozvi pakati pamarudzi; zvigadzirirei kurwa; kurudzirai varume vane simba; varwi vose ngavaswedere, vaende kundorwa. |
10. | Pfurai mapadza enyu ive minondo, namapanga enyu okuchekerera miti ave mapfumo; asine simba ngaati, `Ndine simba.' |
11. | Chimbidzikai, muuye, imi marudzi ose akapoteredza, muungane; imi Jehovha, mhare dzenyu ngadziburukireko. |
12. | Marudzi avanhu ngaamuke, aende kumupata waJehoshafati; nokuti ndipo pandichagara ndichitonga marudzi ose akapoteredza. |
13. | lsai jeko renyu mumunda, nokuti zviyo zvaibva; uyai musvine, nokuti chisviniro chewaini chazara, zvisviniro zvinopafuma; nokuti kushata kwavo kwakura. |
14. | Vazhinji-zhinji, vazhinji-zhinji varipo mumupata wokutonga! Nokuti zuva raJehovha rava pedo mumupata wokutonga. |
15. | Zuva nomwedzi zvasviba, nyeredzi dzinobvisa kupenya kwadzo. |
16. | Jehovha achaomba ari paZiyoni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; denga rose nenyika zvichadengenyeka; asi Jehovha uchava utiziro hwavanhu vake, nenhare yavana vaIsiraeri. |
17. | Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu, agere paZiyoni, iro gomo rangu dzvene; ipapo Jerusaremu richava guta dzvene, hakuna vatorwa vanozopfuura napo. |
18. | Zvino nezuva iro makomo achadonha waini inotapira, zvikomo zvichayerera mukaka, uye hova dzose dzaJudha dzichayerera mvura zhinji; mumba maJehovha muchabuda tsime, richadiridza mupata weShitimi. |
19. | Ijipiti richava dongo, uye Edhomu richava renje rakaparadzwa, nemhaka yesimba rakaitirwa vana vaJudha, zvavakateura ropa risina mhosva panyika yavo. |
20. | Asi Judha vachavapo nokusingaperi, uye Jerusaremu kusvikira kumarudzi namarudzi. |
21. | Ndichapembedza ropa ravo randisina kumbopembedza; nokuti Jehovha anogara paZiyoni." |
← Joel (3/3) |