Joel (3/3)    

1. "Nokuti tarirai, namazuva iwayo nenguva iyo, kana ndichidzosa kutapwa kwaJudha neJerusaremu,
2. ndichaunganidza marudzi ose avanhu, nokuaburusira kumupata waJehoshafati; ndichavatongapo pamusoro pavanhu vangu napamusoro penhaka yangu Isiraeri, vakaparadzirwa navo pakati pamarudzi avanhu; vakagovana nyika yangu,
3. vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu, vakatenga chifeve nomukomana, vakatengesa musikana vachipiwa waini, kuti vainwe.
4. Zvirokwazvo, imi Tire neSidhoni nenyika dzose dzaFirisitia, munoreveiko kwandiri? Munoda kunditsiva here? Kana mukanditsiva, ndichakudzoserai zvamakaita pamisoro yenyu pakarepo nokukasira.
5. Zvamakatora sirivha yangu nendarama yangu, mukandoisa mutemberi dzenyu zvinhu zvangu zvakanaka zvinodikanwa,
6. mukatengesa vana vaJudha navana veJerusaremu kuvanakomana vavaGiriki, kuti muvabvisire kure nenyika yavo;
7. tarirai, ndichavamutsa panzvimbo kwamakandovatengesa, ndidzosere pamisoro yenyu zvamakaita;
8. ndichatengesa vanakomana venyu navanasikana venyu mumaoko avana vaJudha, ivo vachandovatengesa kuvanhu veShebha, kurudzi ruri kure, nokuti Jehovha akataura izvozvo.
9. "Paridzirai izvozvi pakati pamarudzi; zvigadzirirei kurwa; kurudzirai varume vane simba; varwi vose ngavaswedere, vaende kundorwa.
10. Pfurai mapadza enyu ive minondo, namapanga enyu okuchekerera miti ave mapfumo; asine simba ngaati, `Ndine simba.'
11. Chimbidzikai, muuye, imi marudzi ose akapoteredza, muungane; imi Jehovha, mhare dzenyu ngadziburukireko.
12. Marudzi avanhu ngaamuke, aende kumupata waJehoshafati; nokuti ndipo pandichagara ndichitonga marudzi ose akapoteredza.
13. lsai jeko renyu mumunda, nokuti zviyo zvaibva; uyai musvine, nokuti chisviniro chewaini chazara, zvisviniro zvinopafuma; nokuti kushata kwavo kwakura.
14. Vazhinji-zhinji, vazhinji-zhinji varipo mumupata wokutonga! Nokuti zuva raJehovha rava pedo mumupata wokutonga.
15. Zuva nomwedzi zvasviba, nyeredzi dzinobvisa kupenya kwadzo.
16. Jehovha achaomba ari paZiyoni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; denga rose nenyika zvichadengenyeka; asi Jehovha uchava utiziro hwavanhu vake, nenhare yavana vaIsiraeri.
17. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu, agere paZiyoni, iro gomo rangu dzvene; ipapo Jerusaremu richava guta dzvene, hakuna vatorwa vanozopfuura napo.
18. Zvino nezuva iro makomo achadonha waini inotapira, zvikomo zvichayerera mukaka, uye hova dzose dzaJudha dzichayerera mvura zhinji; mumba maJehovha muchabuda tsime, richadiridza mupata weShitimi.
19. Ijipiti richava dongo, uye Edhomu richava renje rakaparadzwa, nemhaka yesimba rakaitirwa vana vaJudha, zvavakateura ropa risina mhosva panyika yavo.
20. Asi Judha vachavapo nokusingaperi, uye Jerusaremu kusvikira kumarudzi namarudzi.
21. Ndichapembedza ropa ravo randisina kumbopembedza; nokuti Jehovha anogara paZiyoni."

  Joel (3/3)