Joel (2/3)  

1. "Ridzai hwamanda paZiyoni, dzemhere pagomo rangu dzvene; vose vagere panyika ngavadedere nokuti zuva raJehovha rinouya, nokuti rava pedo;
2. richava zuva rerima nokusviba, zuva ramakore nerima guru, samambakwedza akawarirwa pamakomo; richauya ruri rudzi rukuru rune simba; rwakadaro haruna kumbovapo, uye harungazovipo shure kwavo, kusvikira pamakore amarudzi mazhinji avanhu.
3. Moto unoparadza pamberi pavo, murazvo unopfuta shure kwavo; nyika yakaita somunda weEdheni pamberi pavo, uye serenje rakaparadzwa shure kwavo; zvirokwazvo, hakuna wakapukunyuka kwavari.
4. Pakuonekwa kwavo vakafanana namabhiza; savatasvi vamabhiza, ndiko kumhanya kwavo.
5. Kuuruka kwavo pamusoro pamakomo kunoita somubvumo wengoro, somubvumo womurazvo womoto unoparadza mashanga, savanhu vane simba vakagadzirirwa kurwa.
6. Kana vachisvika, vanhu vose vanotya kwazvo, zviso zvose zvinocheneruka.
7. Vanomhanya savanhu vane simba, vanokwira rusvingo savarwi, vanotamba mumwe nomumwe nenzira yake, havatongotsauki pamisara yavo.
8. "Havasundidzirani, mumwe nomumwe unofamba negwara rake; vanopwanya napakati penhumbi dzokurwa, vasingatsauki.
9. Vanowira guta, vanomhanyira pamusoro porusvingo, vanokwira vachipinda mudzimba, vanopinda napamahwindo sembavha.
10. Nyika inodedera pamberi pavo, denga rose rinobvunda, zuva nomwedzi zvinosviba, nyeredzi dzinodzora kupenya kwadzo.
11. Jehovha anobudisa izwi rake pamberi pehondo yake, nokuti hondo yake ihuru kwazvo; nokuti muiti wezvaakataura une simba; nokuti zuva raJehovha iguru, rinotyisa kwazvo, ndianiko angatsunga naro?
12. Kunyange zvakadaro ndizvo zvinotaura Jehovha nazvino tendeukirai kwandiri nomwoyo yenyu yose, muchizvinyima zvokudya, muchichema nokuungudza;
13. bvarurai mwoyo yenyu, murege kubvarura nguo dzenyu, mutendeukire kuna Jehovha Mwari wenyu; nokuti ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa, ane tsitsi zhinji, uye anozvidemba pakuitira vanhu zvakaipa.
14. Ndiani angaziva , zvimwe angadzoka akazvidemba, akasiya mukomborero kana achibva, zvimwe chipiriso choupfu kana chipiriso chinonwiwa zvamungavigira Jehovha Mwari wenyu?
15. "Ridzai, hwamanda paZiyoni, tsaurai zuva rokuzvinyima zvokudya, danai vanhu kuungano yakatarwa;
16. kokerai vanhu, natsai ungano, kokerai vakuru, unganidzai vana, navanomwa pamazamu; chikomba ngachibude paimba yacho nomwenga paimba yake yokuvata.
17. Vapirisiti, ivo vashumiri vaJehovha, ngavacheme pakati pebiravira neatari, vati, `Aiwa, Jehovha, regai vanhu venyu, musaisa nhaka yenyu pakushoorwa, kuti marudzi avanhu avaseke;' vangareveiko pakati pamarudzi avanhu, vachiti, `Mwari wavo aripiko?' "
18. Ipapo Jehovha akava negodo pamusoro penyika yake, akanzwira vanhu vake tsitsi.
19. Jehovha akapindura, akati kuvanhu vake, "Tarirai, ndichakutumirai zviyo, newaini itsva, namafuta, mugoguta nazvo; handichakuitiyi chinhu chinoshoorwa pakati pamarudzi;
20. asi ndichabvisa kure nemi hondo inobva kurutivi rwokumusoro, ndichiidzingira kunyika yakaoma yakaparadzwa, rutivi rwayo pamberi rwakatarira kugungwa rokumabvazuva, norutivi rwayo rweshure kugungwa rokumavirazuva; kunhuwa kwayo kuchakwira, norwema rwayo rwakaipa ruchakwira, nokuti yakaita zvinhu zvikuru.
21. Rega hako kutya, iwe nyika, fara ufarisise; nokuti Jehovha akaita zvinhu zvikuru.
22. Regai kutya, imi mhuka dzesango; nokuti mafuro erenje anobukira, nokuti miti inobereka zvibereko zvayo, mionde nemizambiringa zvinovigira vanhu simba razvo.
23. Naizvozvo farai, imi vana veZiyoni, mufarisise muna Jehovha Mwari wenyu; nokuti anokupai mudzidzisi wokururama, uye anokunisirai mvura, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, nomwedzi wokutanga.
24. Mapuriro achazara nezviyo, uye zvisviniro zvichapafuma waini namafuta.
25. Ndichakudzoseraizve makore amakadyirwa nemhashu, negwatakwata, nomupedzachose, nomuteteni, iyo hondo yangu huru yandakatuma pakati penyu.
26. Muchadya zvakawanda, mukarumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, wakakuitirai zvinoshamisa; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi.
27. Ipapo muchaziva kuti ndiri pakati paIsiraeri, kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uye kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi.
28. "Zvino shure kwaizvozvo ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vatana venyu vacharota hope, namajaya enyu achaona zviratidzo;
29. ndichadururawo Mweya wangu pamusoro pavaranda napamusoro pavashandiri namazuva iwayo.
30. Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, zvinoti: Ropa nomoto neshongwe dzoutsi.
31. Zuva richashanduka rima, mwedzi uchashanduka ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.
32. Zvino ani naani anodana zita raJehovha acharwirwa; nokuti pagomo reZiyoni napaJerusaremu ndipo pachava navakapukunyuka, sezvakataura Jehovha, napakati pavakasara ndipo pachava vakadanwa naJehovha.

  Joel (2/3)