Joel (1/3)  

1. Shoko raJehovha, rakasvika kuna Joweri mwanakomana waPetuweri.
2. "Inzwai chinhu ichi, imi vatana, murereke nzeve dzenyu, imi mose mugere munyika ino. Ko zvakadai zvakamboitwa pamazuva enyu, kana pamazuva amadzibaba enyu here?
3. Udzai vana venyu izvozvo, vana venyu vaudzewo vana vavo, navana vavo vaudze rumwe rudzi runotevera.
4. Zvakasiyiwa nomuteteni, zvakadyiwa nemhashu; zvakasiyiwa nemhashu, zvakadyiwa negwatakwata; zvakasiyiwa negwatakwata, zvakadyiwa nomupedzachose.
5. Mukai, imi vakabatwa nedoro, mucheme; ungudzai, imi mose munonwa waini, nemhaka yewaini inonaka, nokuti yabviswa pamiromo yenyu.
6. Nokuti rumwe rudzi rwasvika panyika yangu, rwakasimba, rusingaverengwi; meno arwo meno eshumba, runa meno makuru eshumbakadzi.
7. Rwakaparadza muzambiringa wangu, nokuvhuna muonde wangu; rwakausvuura kwazvo, nokuuwisira pasi; matavi awo acheneswa.
8. Chemai semhandara yakazvisunga chiuno namasaga nokuda kwomurume woumhandara hwayo.
9. Chipiriso choupfu nechipiriso chinonwiwa zvabviswa paimba yaJehovha; vapirisiti, ivo vashumiri vaJehovha, vanochema.
10. Munda waparadzwa, nyika inochema; nokuti zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapwa, mafuta apera.
11. Nyarai imi varimi, ungudzai imi varimi vemizambiringa, nokuda kwezviyo nebhari; nokuti zvakaberekwa neminda zvaparadzwa.
12. Muzambiringa wasvava, muonde unoshaiwa simba, mutamba nomuchindwewo, nomuapuri, nemiti yose yomunda yaoma; mufaro wavanakomana vavanhu wapera.
13. Zvisungei zviuno namasaga, mucheme imi vapirisiti; ungudzai imi vashumiri veatari; uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga, imi vashumiri vaMwari wangu; nokuti chipiriso choupfu nechipiriso chinonwiwa zvadziviswa paimba yaMwari wenyu.
14. Tsaurai zuva rokuzvinyima zvokudya, danai vanhu kuungano yakatarwa, kokerai vakuru navose vagere panyika kuimba yaJehovha Mwari wenyu, mudane kuna Jehovha.
15. Aiwa, zuva iro here! Nokuti zuva raJehovha rava pedo, richasvika richiparadza richibva kuna waMasimbaose.
16. Ko zvokudya hazvina kubviswa pamberi pedu, nomufaro nokufarisisa paimba yaMwari wedu here !
17. Mbeu dzinoorera pasi pamavhinga adzo; matura aparadzwa, tsapi dzaputswa; nokuti zviyo zvafa.
18. Zvipfuwo zvinogomera sei! Mapoka emombe akanganiswa, nokuti hazvichina mafuro; zvirokwazvo, mapoka amakwai aparadzwa.
19. Aiwa, Jehovha, ndinodana kwamuri, nokuti moto wapedza mafuro erenje, murazvo wapisa miti yose yokusango.
20. Zvirokwazvo, mhuka dzokusango dzinochemera kwamuri, nokuti hova dzemvura dzapwa, uye moto wapedza mafuro erenje.

      Joel (1/3)