Job (9/42)  

1. Ipapo Jobho akapindura, akati,
2. "Zvirokwazvo ndinoziva kuti ndizvo, Nokuti munhu angava akarurama pamberi paMwari seiko?"
3. Kana iye akada kuita nharo naye, Haangagoni kumupindura shoko rimwe pamashoko ane zviuru.
4. Iye anomoyo wakangwara, une simba guru; Ndianiko akamuomesera moyo wake, akazofara?
5. Iye anobvisa makomo, iwo asingazvizivi, Kana achiashandura pakutsamwa kwake.
6. Iye anozunungusa nyika ikabva panzvimbo yayo, Mbiru dzayo dzinodengenyeka.
7. Iye anoraira zuva, rikarega kubuda; Iye anodzitira nyeredzi.
8. Iye oga anotatamura denga, Anotsika pamusoro pamafungu
9. Iye anoita nyeredzi dzeAkituro, nedzeOrinoni, nedzeChimutanhatu, Namakamuri enyasi.
10. Iye anoita zvinhu zvikuru zvisinganzverwi, Izvo zvinhu zvinoshamisa, zvisingagoni kuverengwa.
11. Tarira, anopfuura pedo neni, ndisingamuoni; Anopfuurawo hake, asi handimuoni.
12. Tarira, anotora hake, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, "Unoiteiko?"
13. Mwari haangadzori kutsamwa kwake; Vabatsiri vaRahabhi vakakotamira pasi pake.
14. Ko zvino ini ndichamupindura seiko, Nditsaure mashoko angu ndiite nharo naye?
15. Kunyange ndaiva akarurama handizaimupindura; Ndaikumbira nyasha kumutongi wangu.
16. Kana ndichinge ndadana, akandipindura, Kunyange zvakadaro handizaitenda kuti akanzwa inzwi rangu.
17. Nokuti anondiputsa nedutu remhepo, Anowanza mavanga angu ndisine mhosva hangu.
18. Handitenderi kutema mweya wangu, Asi anondizadza nezvinovava.
19. Kana riri simba guru, tarira, iye anaro! Kana iri mhosva inotongwa, ndiani achanditarira nguva?
20. Kunyange ndaiva akarurama hangu, muromo wangu umene uchandipa mhaka; Kunyange ndaiva akakwana, iye aiti handina kururama.
21. Ndakakwana hangu, handizvirangariri; Ndinozvidza upenyu hwangu.
22. Zvose zvakafanana hazvo; saka ndinoti, "Iye anoparadza vakarurama navakaipa vose."
23. Kana nyatwa ichinge yauraya nokukurumidza, Iye achaseka njodzi yavasina mhosva.
24. Nyika yakaiswa mumaoko avakaipa; Iye anofukidza meso avatongi vayo; Kana asiri iye, zvino ndianiko?
25. Zvino mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; Anotiza asina kuona zvakanaka.
26. Apfuura sezvikepe zvinomhanyisa; Segondo rinokurumidzira chiurawa.
27. Kana ndikati, "Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, Ndicharega chiso changu chinopunyaira, ndifare hangu."
28. Ndinotya njodzi dzangu dzose, Ndinoziva kuti hamungati handine mhosva.
29. Ndichapiwa mhosva; Zvino ndinotamburireiko zvisina maturo?
30. Kana ndikangura nemvura yechando, Ndikachenesa maoko angu kwazvo;
31. Kunyange zvakadaro imi mungandinyudza mumatope, Nenguvo dzangu dzichandisema.
32. Nokuti iye haazi munhu akafanana neni, kuti ndimupindure, Kuti tikwirirane pakutonga.
33. Hakuna mununuri pakati pedu, Ungatibata tose noruoko rwake.
34. Ngaabvise shamhu yake kwandiri, hasha dzake dzirege kundityisa;
35. Ipapo ndaitaura, ndisingamutyi; Nokuti handizakadaro hangu.

  Job (9/42)