| ← Job (8/42) → |
| 1. | Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati, |
| 2. | "Ucharamba uchitaura mashoko awa kusvikira rinhiko? |
| 3. | Ko Mwari angakanganisa pakutonga here WaMasimbaose angakanganisa zvakarurama here?" |
| 4. | Kana vana vako vakanga vamutadzira iye, Akavaisa pakudarika kwavo; |
| 5. | Kana iwe ukashingaira kutsvaka Mwari, Ukakumbira kuna waMasimbaose; |
| 6. | Kana ukava akanaka, akaruruma; Iye angadai aimuka zvino nokuda kwako, Akafambisa zvakanaka imba yako yakarurama. |
| 7. | Kunyange kutanga kwako kwaiva kuduku, Asi kuguma kwako kwaiva kukuru kwazvo. |
| 8. | Nokuti chidobvunza hako rudzi rwakare, Ucherekedze zvakanzverwa namadzibaba avo. |
| 9. | (Nokuti isu tiri vazuro hedu, hatizivi chinhu; Nokuti mazuva edu panyika akafanana nomumvuri;) |
| 10. | Ivo havangakudzidzisi here, nokukuudza, Nokureva mashoko anobva pamoyo yavo here? |
| 11. | Ko nhokwe ingamera pasine nhope here? Ko rutsanga rungamera pasine mvura here? |
| 12. | Ruchiri runyoro, rusati rwatemwa, Runosvava mimwe miriwo ichigere. |
| 13. | Ndizvo zvakaita nzira dzavose vanokanganwa Mwari; Uye tariro yomunhu asingadi Mwari ichapera; |
| 14. | Chaakatarira chichaputsanyiwa, Chaakatenda chakafanana namambure edandemutande |
| 15. | Uchasendamira paimba yake, asi haingamiri; Uchaibata, asi haingagari. |
| 16. | Iye muti mutema pamushana, Matavi ake anotandavarira pamunda wake. |
| 17. | Midzi yake yakapombera patsime, Unoona nzvimbo yorukangarabwe. |
| 18. | Kana akaparadzwa panzvimbo yake, Ichamuramba, ichiti, "Handina kukuona," |
| 19. | Tarira, ndiwo mufaro wenzira yake; Paguruva panobuda vamwe. |
| 20. | Tarira, Mwari haangarashi munhu wakarurama, Haangabatsiri vanoita zvakaipa. |
| 21. | Achazozadza hake muromo wako nokuseka, Nemiromo yako nokupururudza. |
| 22. | Vanokuvenga vachafukidza nokunyara; Uye tende ravakaipa haringazovipo. |
| ← Job (8/42) → |