Job (7/42)  

1. Ko munhu haatambudziki here pabasa panyika? Mazuva ake haana kufanana namazuva omubatiri here?
2. Somuranda anoshuva mumvuri, Nomubatiri anotarira mubairo wake;
3. Saizvozvo ini ndakapiwa mwedzi isina maturo, Ndakatarirwa usiku hwenjodzi.
4. Kana ndovata, ndinoti, "Ndichamuka rinhiko?" Asi usiku hwakareba; Ndinoramba ndichishanduka-shanduka kusvikira kwoedza.
5. Nyama yangu yakafukidzwa nehonye namavhinga evhu., Ganda rangu rinofunuka, richiputika hurwa.
6. Mazuva angu anokunda chirukiso chomuruki pakukurumidza, Anopera ndisine tariro.
7. Rangarirai henyu kuti upenyu hwangu imhepo hayo; Ziso rangu harichazooni zvakanaka.
8. Ziso romunhu unondiona harichazonditaririzve; Meso ako achanditarira, asi handichazovepo.
9. Sokupera kwegore nokunyangarika kwaro, Saizvozvo munhu, anoburukira kuSheori, haangazokwirizve.
10. Haangazodzokeri kumba kwake, Nenzvimbo yake haingazomuzivi
11. Saka handinganyarari nomuromo wangu; Ndichataura pakutambudzika kwomweya wangu; Ndichanyunyuta neshungu dzangu dzomoyo.
12. Ndiri gungwa kanhi, kana zimhuka regungwa, Zvamunoisa vanondirindira?
13. Kana ndikati, "nhovo yangu ichandinyaradza, Mubhedha wangu uchazorodza kunyunyuta
14. Ipapo mondivhundusa nokurota hope, Mondityisa nezvandinoona;
15. Naizvozvo moyo wangu unotsaura kudzipwa,Nokufa kupfuura mapfupa angu awa.
16. Ndinosema upenyu hwangu; handidi kurarama nokusingaperi; Ndiregei; nokuti mazuva angu akafanana nokufema.
17. Munhu chinyiko, zvamunomukudza, Nokumuda nomoyo wenyu wose,
18. Zvamunomushanyira mangwanani ose Nokumuidza nguva dzose?
19. Mucharega rinhiko kundicherekedza, Nokundirega kusvikira ndamedza mate angu?
20. Kana ndichinge ndatadza, ndingakuiteiko imi, mucherekedzi wavanhu? Makandiitireiko chinhu chamunovavarira, Kuti lni ndizviremekedze.
21. Munoregereiko kukanganwira kudarika kwangu, nokubvisa kutadza kwangu? Nokuti zvino ndichavata pasi muguruva; Muchanditsvaka zvikuru, asi handichazovepo.

  Job (7/42)