Job (6/42)  

1. Ipapo Jobho akapindura, akati,
2. "Haiwa, dai kutambudzika kwangu kwaiyerwa, Nenjodzi dzangu dzaivunganidzirwa pachiyero!
3. Nokuti zvino zvairema kupfuura jecha ramakungwa; Naizvozvo mashoko angu aiva okuvhurumuka.
4. Nokuti miseve yoWamasimba yakandibaya mukati mangu, Mweya wangu unonwa uturu hwayo; Zvinotyisa zvaMwari zvazvigadzirira kurwa neni.
5. Ko mbizi ingachema kana ine bumhudza here? Ko nzombe ingakuma pazvokudya zvayo here?
6. Ko chisinganaki chingadyiwa chisino munyu here? Ko zvichena zvezai zvinozipa here?
7. Mweya wangu unoramba kuzvibata; Kwandiri zvakafanana nezvokudya zvinosemesa.
8. Haiwa! Dai ndaipiwa zvandinokumbira; Dai Mwari aindipa zvandinoshuva.
9. Dai Mwari aitenda hake kundipwanya, Dai aitambanudza hake ruoko rwake, akandiparadza.
10. Ipapo ndainyaradzwa hangu; Zvirokwazvo ndaifara pakurwadziwa kusine tsitsi; Nokuti handina kuramba mashoko oMutsvene.
11. Simba rangu ndereiko, randingamirira naro rufu? Mugumo wangu ndoweiko, kuti nditsungirire?
12. Simba rangu rakafanana neramabwe here? Nyama yangu indarira kanhi?
13. Handizinoshaiwa rubatsiro mukati mangu here? Uchenjeri kwahwo hahuzadzingwa chose kwandiri here?
14. Munhu, anorwisa kuziya, anofara kuitirwa nyasha neshamwari dzake; Angazorega kutya waMasimbaose.
15. Hama dzangu dzakaita nokusatendeka sorukova, Sokuyerera kwehova dzinopfuura;
16. Dzakasviba nokuda kwamazaya echando, Uye panovanda chando;
17. Kana zuva ropisa, dzonyangarika; Kana kwopisa dzinopedzwa panzvimbo yadzo.
18. Vafambi vanofamba nenzira yadzo vanotsauka, Vanokwira kurenje ndokuparara
19. Vafambi veTema vakatarira, Mapoka eShebha akadzimirira.
20. Vanonyadziswa nokuti vakanga vane tariro; Vakasvikapo vakakanganiswa.
21. Nokuti zvino hamuzi chinhu; Munoona chinotyisa, ndokutya.
22. Ko ndakati, `Ndipei here?' Kana, `Ndivigirei chipo chinobva pafuma yenyu here?'
23. Kana, `Ndirwirei paruoko rwomudzivisi here?' Kana, `Ndidzikunurei paruoko rwavamanikidzi here?'
24. Ndidzidzisei, ndinyarare hangu; Mundidudzire pandatadza.
25. Mashoko akarurama ane simba sei! Asi kutuka kwenyu kunotukeiko?
26. Munofunga kutuka mashoko here? Nokuti mashoko omunhu, arasha moyo, anotorwa nemhepo.
27. Zvirokwazvo munoda kukanda mijenya pamusoro penherera isina baba, Munoda kutengesa shamwari yenyu.
28. Naizvozvo zvino chindonditarirai henyu; Nokuti zvirokwazvo handingarevi nhema pamberi penyu.
29. Dzokai henyu, ndizvo zvandinokumbira, kusarurama kurege kuvapo, Dzokai henyu, mhaka yangu yakarurama.
30. Parurimi rwangu panokusarurama here? Kuravira kwangu hakungasaruri zvinhu zvakashata here?"

  Job (6/42)