Job (5/42)  

1. Zvino chidana hako; panomumwe angakupindura here?
2. Nokuti kutsamwa kunouraya benzi, Uye shungu dzinoparadza asina zivo.
3. Ndakaona benzi richiita midzi; Asi pakarepo ndakatuka nzvimbo yaro.
4. Vana varo havatongoponeswi, Vanopwanyiwa musuo; Hapana anovarwira.
5. Zvaakacheka zvinodyiwa navane nzara, Vanozvitora kunyange napakati peminzwa; Vane nyota vanonwa fuma yavo.
6. Nokuti kutambudzika hakubudi paguruva. Uye nhamo haibvi pasi.
7. Asi munhu anoberekerwa nhamo, Sebaribari dzomoto dzinokwira kumusoro.
8. Asi kana ndirini, ndaitsvaka Mwari, Ndaiisa mhosva yangu kuna Mwari;
9. Iye anoita zvinhu zvikuru zvisinganzverwi; Zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengwi;
10. Iye anonisa mvura panyika, Anotuma mvura paminda;
11. Ndiye anokwiridza vakaderera; Vanochema vanokundiswa.
12. Anokanganisa mano avanyengeri, Maoko avo arege kuita zvavakanga vachida kuita.
13. Vakachenjera anovabata pamano avo, Nokurangana kwavasakarurama kunoputsirwa pasi.
14. Vanosangana nerima masikati. Vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.
15. Asi iye anorwira paminondo yemiromo yavo, Anorwira anoshaiwa pamaoko avane simba.
16. Saka murombo ane tariro, Kuipa kunozvifumbira murumo.
17. Tarirai, munhu, anorairwa naMwari, ano mufaro; Saka usazvidza kuranga kwowaMasimbaose.
18. Nokuti iye anokuvadza, ndokusungazve vanga, Unopwanya, maoko ake ndokupodzazve.
19. Iye achakurwira panjodzi nhanhatu; Kunyange panomwe hakuna chakaipa chingakubata.
20. Panzara achakudzikunura parufu; Napakurwa achakudzikunura pasimba romunondo.
21. Iwe uchavanziwa pakurohwa norurimi; Haungatyi kuparadza kana kuchisvika.
22. Uchaseka kuparadza nokushaiwa; Haungatyi zvikara zvenyika.
23. Nokuti iwe uchaita sungano namabwe esango; Zvikara zvesango zvichaita rugare newe.
24. Iwe uchaziva kuti tende rako rino rugare; Uchandotarira zvipfuwo zvako, ukasashaiwa chimwe chazvo.
25. Uchazivawo kuti vana vako vachawanda, Navazukuru vako vachaita souswa hwenyika.
26. Uchasvika pahwiro hwako wakwegura kwazvo, Sechisote chezviyo chinosvika panguva yacho.
27. Tarira izvozvi takazvinzvera, ndizvozvo; Chizvinzwa, uzvizive iwe umene.

  Job (5/42)