| ← Job (5/42) → |
| 1. | Zvino chidana hako; panomumwe angakupindura here? |
| 2. | Nokuti kutsamwa kunouraya benzi, Uye shungu dzinoparadza asina zivo. |
| 3. | Ndakaona benzi richiita midzi; Asi pakarepo ndakatuka nzvimbo yaro. |
| 4. | Vana varo havatongoponeswi, Vanopwanyiwa musuo; Hapana anovarwira. |
| 5. | Zvaakacheka zvinodyiwa navane nzara, Vanozvitora kunyange napakati peminzwa; Vane nyota vanonwa fuma yavo. |
| 6. | Nokuti kutambudzika hakubudi paguruva. Uye nhamo haibvi pasi. |
| 7. | Asi munhu anoberekerwa nhamo, Sebaribari dzomoto dzinokwira kumusoro. |
| 8. | Asi kana ndirini, ndaitsvaka Mwari, Ndaiisa mhosva yangu kuna Mwari; |
| 9. | Iye anoita zvinhu zvikuru zvisinganzverwi; Zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengwi; |
| 10. | Iye anonisa mvura panyika, Anotuma mvura paminda; |
| 11. | Ndiye anokwiridza vakaderera; Vanochema vanokundiswa. |
| 12. | Anokanganisa mano avanyengeri, Maoko avo arege kuita zvavakanga vachida kuita. |
| 13. | Vakachenjera anovabata pamano avo, Nokurangana kwavasakarurama kunoputsirwa pasi. |
| 14. | Vanosangana nerima masikati. Vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku. |
| 15. | Asi iye anorwira paminondo yemiromo yavo, Anorwira anoshaiwa pamaoko avane simba. |
| 16. | Saka murombo ane tariro, Kuipa kunozvifumbira murumo. |
| 17. | Tarirai, munhu, anorairwa naMwari, ano mufaro; Saka usazvidza kuranga kwowaMasimbaose. |
| 18. | Nokuti iye anokuvadza, ndokusungazve vanga, Unopwanya, maoko ake ndokupodzazve. |
| 19. | Iye achakurwira panjodzi nhanhatu; Kunyange panomwe hakuna chakaipa chingakubata. |
| 20. | Panzara achakudzikunura parufu; Napakurwa achakudzikunura pasimba romunondo. |
| 21. | Iwe uchavanziwa pakurohwa norurimi; Haungatyi kuparadza kana kuchisvika. |
| 22. | Uchaseka kuparadza nokushaiwa; Haungatyi zvikara zvenyika. |
| 23. | Nokuti iwe uchaita sungano namabwe esango; Zvikara zvesango zvichaita rugare newe. |
| 24. | Iwe uchaziva kuti tende rako rino rugare; Uchandotarira zvipfuwo zvako, ukasashaiwa chimwe chazvo. |
| 25. | Uchazivawo kuti vana vako vachawanda, Navazukuru vako vachaita souswa hwenyika. |
| 26. | Uchasvika pahwiro hwako wakwegura kwazvo, Sechisote chezviyo chinosvika panguva yacho. |
| 27. | Tarira izvozvi takazvinzvera, ndizvozvo; Chizvinzwa, uzvizive iwe umene. |
| ← Job (5/42) → |