| ← Job (41/42) → |
| 1. | "Ko ungagona kubata ngwena nechiredzo, Kana kutsikirira rurimi rwayo norwonzi here? |
| 2. | Ungagona kupinza rwauro pamhino dzayo, Kana kuurura rushaya rwayo nechikokovono? |
| 3. | Ko ingakunyengetera zvikuru here? Kana ingataura mashoko manyoro kwauri? |
| 4. | Ingaita sungano newe here, Kuti uiite muranda wako nokusingaperi? |
| 5. | Ungatamba nayo sezvaungaita neshiri here? Kana ungaisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo? |
| 6. | Mapoka avabati vehove angaitengesa here? Vangaigovera vatengi? |
| 7. | Ungagona kuzadza ganda rayo nemiseve yenzeve here, Kana musoro wayo namapfumo ehove? |
| 8. | Isa ruoko rwako pamusoro payo; Rangarira kurwa, haungapamhidzizve. |
| 9. | Tarira, tariro yake hapana; Munhu haangaori moyo nokuiona bedzi here? |
| 10. | Hakuna munhu anotyisa angatsunga kuivamba, Zvino ndianiko angagona kumira pamberi pangu here? |
| 11. | Ndianiko akatanga kundipa, kuti ndifanire kumuripirazve? Zvose zviri pasi pedenga rose ndezvangu. |
| 12. | Handinganyarari kurondedzera mitezo yayo, Kana simba rayo, kana muturu wayo wakanaka. |
| 13. | Ndianiko angagona kubvisa nguvo yayo yokunze? Ndianiko angapinda pakati pemisara miviri yameno ayo? |
| 14. | Ndianiko angagona kuzarura mikova yechiso chayo? Pameno payo panotyisa kwazvo. |
| 15. | Makwande ayo, ane simba, ndiko kuzvikudza kwayo; Akabatanidzwa nechisimbiso chakabata. |
| 16. | Ari pedo nepedo, Mhepo haigoni kupinda napakati pawo. |
| 17. | Akabatanidzwa; Anonamatirana, haangaparadzaniswi. |
| 18. | Kuhotsira kwayo kunopenya chiedza; Meso ayo akafanana namafungiro amangwanani. |
| 19. | Mumuromo mayo munobuda mazhenje anopfuta; Masasaradzi omoto anobarika achibvamo. |
| 20. | Utsi hunobuda pamhino dzayo, Sapahari inovira nenhokwe dzinopfuta. |
| 21. | Mweya wayo unobatidza masimbe, Uye murazvo womoto unobuda mumuromo mayo. |
| 22. | Simba rinogara mumutsipa wayo, Kutyisa kunotamba pamberi payo. |
| 23. | Nyama dzayo dzakabatanidzwa kumativi ose, Dzakasimba pairi, hadzingazununguswi. |
| 24. | moyo wayo wakasimba sebwe; Zvirokwazvo, wakasimba seguyo. |
| 25. | Kana ichisimuka, vane simba vanotya; Vanopenga nokuvhunduswa. |
| 26. | Kana munhu akaitema nomunondo, haune simba; Kunyange nepfumo, kana nomuseve, kana matare anopinza. |
| 27. | Iyo inoti matare mashanga, Uye ndarira danda rakaora. |
| 28. | Museve haungaitizisi; Mabwe anoposhwa nechifuramabwe inoti makoto. |
| 29. | Tsvimbo dzakaita samakoto; Inoseka kana ichinzwa kuunga kwebakatwa. |
| 30. | Pasi payo pakafanana nezvaenga zvinocheka; Inoita sokukwekweredza chireyi chine mbambo mumatope. |
| 31. | Inovirisa mvura yakadzika sehari; Inoita gungwa samafuta okuzora. |
| 32. | Inotara nzira inopenya shure kwayo; Zvimwe munhu ungati, mvura yakadzika yachena vhudzi. |
| 33. | Panyika hapana chakafanana nayo, Chakaitwa chisina kutya. |
| 34. | Inoona zvose zvakakwirira; Ndiyo mambo wezvikara zvose zvinozvikudza." |
| ← Job (41/42) → |