Job (41/42)  

1. "Ko ungagona kubata ngwena nechiredzo, Kana kutsikirira rurimi rwayo norwonzi here?
2. Ungagona kupinza rwauro pamhino dzayo, Kana kuurura rushaya rwayo nechikokovono?
3. Ko ingakunyengetera zvikuru here? Kana ingataura mashoko manyoro kwauri?
4. Ingaita sungano newe here, Kuti uiite muranda wako nokusingaperi?
5. Ungatamba nayo sezvaungaita neshiri here? Kana ungaisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo?
6. Mapoka avabati vehove angaitengesa here? Vangaigovera vatengi?
7. Ungagona kuzadza ganda rayo nemiseve yenzeve here, Kana musoro wayo namapfumo ehove?
8. Isa ruoko rwako pamusoro payo; Rangarira kurwa, haungapamhidzizve.
9. Tarira, tariro yake hapana; Munhu haangaori moyo nokuiona bedzi here?
10. Hakuna munhu anotyisa angatsunga kuivamba, Zvino ndianiko angagona kumira pamberi pangu here?
11. Ndianiko akatanga kundipa, kuti ndifanire kumuripirazve? Zvose zviri pasi pedenga rose ndezvangu.
12. Handinganyarari kurondedzera mitezo yayo, Kana simba rayo, kana muturu wayo wakanaka.
13. Ndianiko angagona kubvisa nguvo yayo yokunze? Ndianiko angapinda pakati pemisara miviri yameno ayo?
14. Ndianiko angagona kuzarura mikova yechiso chayo? Pameno payo panotyisa kwazvo.
15. Makwande ayo, ane simba, ndiko kuzvikudza kwayo; Akabatanidzwa nechisimbiso chakabata.
16. Ari pedo nepedo, Mhepo haigoni kupinda napakati pawo.
17. Akabatanidzwa; Anonamatirana, haangaparadzaniswi.
18. Kuhotsira kwayo kunopenya chiedza; Meso ayo akafanana namafungiro amangwanani.
19. Mumuromo mayo munobuda mazhenje anopfuta; Masasaradzi omoto anobarika achibvamo.
20. Utsi hunobuda pamhino dzayo, Sapahari inovira nenhokwe dzinopfuta.
21. Mweya wayo unobatidza masimbe, Uye murazvo womoto unobuda mumuromo mayo.
22. Simba rinogara mumutsipa wayo, Kutyisa kunotamba pamberi payo.
23. Nyama dzayo dzakabatanidzwa kumativi ose, Dzakasimba pairi, hadzingazununguswi.
24. moyo wayo wakasimba sebwe; Zvirokwazvo, wakasimba seguyo.
25. Kana ichisimuka, vane simba vanotya; Vanopenga nokuvhunduswa.
26. Kana munhu akaitema nomunondo, haune simba; Kunyange nepfumo, kana nomuseve, kana matare anopinza.
27. Iyo inoti matare mashanga, Uye ndarira danda rakaora.
28. Museve haungaitizisi; Mabwe anoposhwa nechifuramabwe inoti makoto.
29. Tsvimbo dzakaita samakoto; Inoseka kana ichinzwa kuunga kwebakatwa.
30. Pasi payo pakafanana nezvaenga zvinocheka; Inoita sokukwekweredza chireyi chine mbambo mumatope.
31. Inovirisa mvura yakadzika sehari; Inoita gungwa samafuta okuzora.
32. Inotara nzira inopenya shure kwayo; Zvimwe munhu ungati, mvura yakadzika yachena vhudzi.
33. Panyika hapana chakafanana nayo, Chakaitwa chisina kutya.
34. Inoona zvose zvakakwirira; Ndiyo mambo wezvikara zvose zvinozvikudza."

  Job (41/42)