Job (40/42)  

1. Zvino Jehovha akapfuura kupindura Jobho, akati,
2. "Ko munhu, anokakavara, angaita nharo nowaMasimbaose here? Anoita nharo naMwari ngaapindure."
3. Ipapo Jobho akapindura Jehovha, akati
4. "Tarirai, ini ndiri muduku hangu; ndingakupindurai here? Ndinofumbira muromo wangu.
5. Ndakataura kamwe, asi handingapindurizve; Zvirokwazvo kaviri, asi handingapamhidzizve."
6. Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari muchamupupuri, akati,
7. " Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; Ndichakubvunzisisa, iwe undipindure.
8. Ko iwe unoda kukanganisa kutonga kwangu, Unoda kundipa mhosva, kuti iwe ururamiswe here?
9. Iwe unoruoko rwakafanana norwaMwari here? Iwe ungatinhira nenzwi rakafanana nerake here?
10. Chizvishongedza zvino noukuru nokukudzwa; Ufukidze nokurumbidzwa noumambo.
11. Durura hasha dzako dzinopfachuka; Utarire mumwe nomumwe anozvikudza, umuninipise.
12. Tarira mumwe nomumwe anozvikudza, umuderedze. Tsika pasi vakaipa ipapo pavamire.
13. Uvavige pamwechete paguruva; Sunga zviso zvavo pakavanda.
14. Ipapo ndichakurumbidzawo, Ndichiti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.
15. Tarira zvino mvuu, yandakaita pamwechete newe; Inodya uswa senzombe.
16. Tarira zvino simba rayo riri muchiuno chayo; Kusimba kwayo kuri pamakakava edumbu rayo.
17. Inotsvikidza muswe wayo somusidhari; Marunda ezvitumbi zvayo akarukwa-rukwa.
18. Mapfupa ayo akafanana nendarira ine mhango; Mbabvu dzayo dzakafanana namazariro amatare.
19. Ndiyo huru pamabasa aMwari; Iye, akaiita, akaipa munondo wayo.
20. Zvirokwazvo, makomo anoivigira zvokudya zvayo; Ipapo panotamba mhuka dzose dzesango.
21. Inovata pasi pemiti yemirotusi, Pamumvuri wetsanga napamurove.
22. Miti yemirotusi inoifukidza nomumvuri wayo; Mikondachando yomurukova inoipoteredza.
23. Tarira, kana rwizi rukafema nokunze, haidederi; Haityi, kunyange Jorodhani rukazara kusvikira pamuromo wayo.
24. Ko munhu ungaibata kana yakarindira here, Kana kuurura mhino dzayo norwauro here?

  Job (40/42)