Job (4/42)  

1. Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati,
2. "Kana munhu akaidza kutaurirana newe, iwe uchava neshungu here? Asi ndiani angazvidzora, akasataura hake?
3. Tarira, iwe wakadzidzisa vazhinji, Iwe wakasimbisa maoko akashaiwa simba.
4. Mashoko ako akatsigira akanga achivavarira kuwa, Iwe wakasimbisa mabvi akanga achigweda-gweda.
5. Asi zvino zvasvika kwauri, iwe woshaiwa simba, Zvakubata, zvino wotambudzika.
6. Ko kutya kwako Mwari harizi simba rako here? Kururama kwenzira dzako haizi tariro yako here?
7. Rangarira hako, ndianiko asine mhaka akatongoparara? Kana vakarurama vakatongoparadzwa papi?
8. Sezvandakaona ini, vanhu, vanorimira zvakaipa Navanodzvara zvakashata, ndivo vanokohwawo izvozvo.
9. Vanoparadzwa nomweya waMwari, Vanopedzwa nokufema kwokutsamwa kwake.
10. Kunduruma kweshumba nenzwi reshumba inehasha, Nameno evana veshumba anoparadzwa.
11. Shumba, yakwegura, inofa nokushaiwa zvingabata; Navana veshumbakadzi vanoparadzirwa.
12. Zvino ndakaziviswa shoko rakavanda; Nzeve yangu yakanzwa zeve-zeve raro.
13. Pandangariro dzinobva pane zvinoonekwa usiku, Kana vanhu vabatwa nehope huru;
14. Kutya nokubvunda kwakandiwira, Kwakabvundisa mapfupa angu ose.
15. Ipapo mweya wakapfuura pamberi pechiso changu; Mvere dzenyama yangu dzikasimuka.
16. Wakamira, asi ndakanga ndisingagoni kuona kuti akadini; Mufananidzo wangu wakanga uri pamberi pameso angu; Kunyarara kukavapo, ndikanzwa inzwi richiti,
17. ‘Ko munhu, anofa, angakunda Mwari pakururama here? Ko munhu angakunda Muiti wake pakunaka here?
18. Tarirai, haatendi varanda vake; Vatumwa vake anovapa mhaka achiti mapenzi;
19. Ndoda vanogara mudzimba dzevhu, Nheyo dzadzo dzakateyiwa paguruva, Dzinopwanyiwa sezvivhundudzi.
20. Vanoparadzwa pakati pamagwanani namadekwana; Vanoparara nokusingaperi, pasina munhu ane hanya nazvo.
21. Ko bote retende ravo harina kuvhomorwa pamwechete navo here? Vanofa vasina uchenjeri.' "

  Job (4/42)