| ← Job (39/42) → |
| 1. | "Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Kana iwe ungaona kana nondo dzichibereka here? |
| 2. | Iwe ungagona kuverenga mwedzi yokutora kwadzo mazamu here? Kana iwe unoziva nguva yadzinobereka nayo here? |
| 3. | Dzinokotama, ndokubereka vana vadzo, Dzinorasha ushungu hwadzo. |
| 4. | Vana vadzo vanosimba, vanokurira kusango; Vanoenda vakasadzokazve. |
| 5. | Ndianiko akaregedza mbizi isina kusungwa? Kana ndianiko akasunungura zvisungo zvembizi? |
| 6. | Ndakaita renje imba yayo, Nenyika yebare hugaro hwayo. |
| 7. | Inozvidza bope romuguta, Hainzwi kuchaira kwomuchairi. |
| 8. | Nyika yamakomo ndiwo mafuro ayo, Inotsvaka mashizha ose matema. |
| 9. | Ko nyati ingatenda kukubatira here? Kana ingavata pachidyiro chemombe dzako here |
| 10. | Ko iwe ungasunga nyati negashu rayo mumuhoronga, Kana ingaputsa mavhinga ichikutevera here? |
| 11. | Ungaitenda, zvaine simba guru here? Kana kuiregera basa rako here? |
| 12. | Ungavimba nayo kuti iise zviyo zvako kuguta, Nokuzviunganidzira paburiro rako here? |
| 13. | Mhou inofara namapapiro ayo; Ko mapapiro ayo neminhenga yayo zvino hunyoro here? |
| 14. | Nokuti inosiya mazai ayo pasi pavhu, Inoadziyisa muguruva, |
| 15. | Ichikanganwa kuti angapwanyiwa netsoka dzavanhu, Kana kuti angatsikwa nezvikara. |
| 16. | Inovangararira vana vayo savanenge vasati vari vayo; Kunyange yakatambudzikira pasina, haine hanya; |
| 17. | Nokuti Mwari wakaitorera huchenjeri, Haana kuipa njere. |
| 18. | Panguva yainosimuka kuti itize, Inoshora bhiza nomutasvi waro |
| 19. | Iwe wakapa bhiza simba raro here? Ndiwe wakashongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here? |
| 20. | Iwe wakarichirikisa semhashu here? Simba rokupfeza kwaro rinotyisa. |
| 21. | Rinoteta pasi mumupata, richifarira simba raro; Rinobuda kundoshongana navarume vakashonga nhumbi dzokurwa nadzo. |
| 22. | Rinoseka kutya, harivhunduswi; Haridzoki kana richiona munondo. |
| 23. | Goba rinorira pamusoro paro, Uye pfumo nebakatwa zvinopenya. |
| 24. | Rinopedza pasi nokutsamwa nehasha; Harimiri kana richinzwa. inzwi rehwamanda.' ' |
| 25. | Nguva ipi neipi kana hwamanda ichirira, rinoti, `Hekani!' Rinofembedza kurwa kana kuchiri kure, kutinhira kwamachinda, nebope. |
| 26. | Ko ruvangu runoengerera nohuchenjeri bwako here, Ruchitambanudzira mapapiro arwo kurutivi rwezasi here? |
| 27. | Ko gondo rinokwira nokuraira kwako, Richindovaka dendere raro pakakwirira here? |
| 28. | Rinogara padombo, richivatapo, Pashongwe yedombo napanhare. |
| 29. | Rinonan’anidza zvokudya zvaro riripo, Meso aro anozviona zviri kure. |
| 30. | Vana varowo vanosveta ropa; Pane chakaurawa ndipo pariri. |
| ← Job (39/42) → |