Job (39/42)  

1. "Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Kana iwe ungaona kana nondo dzichibereka here?
2. Iwe ungagona kuverenga mwedzi yokutora kwadzo mazamu here? Kana iwe unoziva nguva yadzinobereka nayo here?
3. Dzinokotama, ndokubereka vana vadzo, Dzinorasha ushungu hwadzo.
4. Vana vadzo vanosimba, vanokurira kusango; Vanoenda vakasadzokazve.
5. Ndianiko akaregedza mbizi isina kusungwa? Kana ndianiko akasunungura zvisungo zvembizi?
6. Ndakaita renje imba yayo, Nenyika yebare hugaro hwayo.
7. Inozvidza bope romuguta, Hainzwi kuchaira kwomuchairi.
8. Nyika yamakomo ndiwo mafuro ayo, Inotsvaka mashizha ose matema.
9. Ko nyati ingatenda kukubatira here? Kana ingavata pachidyiro chemombe dzako here
10. Ko iwe ungasunga nyati negashu rayo mumuhoronga, Kana ingaputsa mavhinga ichikutevera here?
11. Ungaitenda, zvaine simba guru here? Kana kuiregera basa rako here?
12. Ungavimba nayo kuti iise zviyo zvako kuguta, Nokuzviunganidzira paburiro rako here?
13. Mhou inofara namapapiro ayo; Ko mapapiro ayo neminhenga yayo zvino hunyoro here?
14. Nokuti inosiya mazai ayo pasi pavhu, Inoadziyisa muguruva,
15. Ichikanganwa kuti angapwanyiwa netsoka dzavanhu, Kana kuti angatsikwa nezvikara.
16. Inovangararira vana vayo savanenge vasati vari vayo; Kunyange yakatambudzikira pasina, haine hanya;
17. Nokuti Mwari wakaitorera huchenjeri, Haana kuipa njere.
18. Panguva yainosimuka kuti itize, Inoshora bhiza nomutasvi waro
19. Iwe wakapa bhiza simba raro here? Ndiwe wakashongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here?
20. Iwe wakarichirikisa semhashu here? Simba rokupfeza kwaro rinotyisa.
21. Rinoteta pasi mumupata, richifarira simba raro; Rinobuda kundoshongana navarume vakashonga nhumbi dzokurwa nadzo.
22. Rinoseka kutya, harivhunduswi; Haridzoki kana richiona munondo.
23. Goba rinorira pamusoro paro, Uye pfumo nebakatwa zvinopenya.
24. Rinopedza pasi nokutsamwa nehasha; Harimiri kana richinzwa. inzwi rehwamanda.' '
25. Nguva ipi neipi kana hwamanda ichirira, rinoti, `Hekani!' Rinofembedza kurwa kana kuchiri kure, kutinhira kwamachinda, nebope.
26. Ko ruvangu runoengerera nohuchenjeri bwako here, Ruchitambanudzira mapapiro arwo kurutivi rwezasi here?
27. Ko gondo rinokwira nokuraira kwako, Richindovaka dendere raro pakakwirira here?
28. Rinogara padombo, richivatapo, Pashongwe yedombo napanhare.
29. Rinonan’anidza zvokudya zvaro riripo, Meso aro anozviona zviri kure.
30. Vana varowo vanosveta ropa; Pane chakaurawa ndipo pariri.

  Job (39/42)