Job (38/42)  

1. Ipapo Jehovha akapindura Jobho, ari pachamupupuri, akati,
2. "Ndianiko uya anodzima zano rangu achiriita rima Namashoko asine zivo here?
3. Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; Nokuti ndichakubvunzisisa, iwe undidudzire.
4. Iwe wakanga uripiko panguva yandakateya nheyo dzenyika? Chidudzira, kana une zivo iwe.
5. Ndianiko akatara kukura kwayo, kana uchizviziva? Kana ndianiko akaiyera norwonzi?
6. Ko nheyo dzayo dzakateyiwa pamusoro pei? Kana ndianiko akateya ibwe rayo rekona?
7. Panguva yakaimba nyeredzi dzamambakwedza pamawa, Uye vanakomana vose vaMwari vachipururudza nomufaro?
8. Kana ndianiko wakadzivira gungwa nemikova, Panguva yokudzutuka kwaro, richibuda pachizvaro;
9. Panguva yandakaita gore nenguva yaro, Uye rima guru uve mucheka wokuriputira nawo;
10. Panguva.yandakaritarira muganho waro, Ndikariisira mazariro nemikova,
11. Ndikati, `Ungasvikira pano, asi haungapfuvuri; Mafungu ako, anozvikudza, achadzivirirwa pano?'
12. Iwe wakatongoraira mangwanani kubva pakutanga kwamazuva ako here, Ukaratidza mambakwedza nzvimbo yawo here?
13. Kuti abate migumo yenyika, Vakaipa vazuzwe vabve pairi here?
14. Zvinoshanduka sevhu kana richitsikwa nechisimbiso, Zvinhu zvose zvichionekwa sapanguvo.
15. Vakaipa vanodzitirirwa chiedza chavo, Ruoko, runozvikudza, runovhuniwa.
16. Iwe wakatongopinda pamatsime egungwa here? Kana wakatongofamba pakadzikadzika pasi here?
17. Masuo orufu akatongokuzarurirwa here? Kana wakatongoona masuo omumvuri worufu here?
18. Wakatongonzwisisa upamhi hwenyika here? Dudzira, kana uchizviziva zvose.
19. Nzira iripiko inoenda kunogara chiedza, Kana riri rima, nzvimbo yaro iripiko?
20. Kuti undozviisa kumiganho yazvo, Uye kuti uzive nzira dzinoenda kumusha wazvo here?
21. Unenge unoziva hako, nokuti wakanga wakazvarwa panguva iyo! Mazuva ako anenge akawanda kwazvo!
22. Wakatongopinda panovigwa fuma yamazaya echando here, Kana wakatongoona panovigwa fuma yechimvuramabwe here?
23. Izvo zvandakachengetera nguva yenhamo, Nezuva rokurwa nehondo here?
24. Chiedza chinoparadzaniswa nomutoo upiko, Uye mhepo inobva mabvazuva inopararira seiko panyika?
25. Ndianiko akacherera boporodzi remvura mugero, Kana kuratidzira mheni yomutinhiro nzira yayo;
26. Kuti mvura iniswe panyika isina vanhu, Parenje pasina vanhu;
27. Kuti ivhu rakasiyiwa nerakaparadzwa rigutswe; Uye bumhudza rimereswe here?
28. Ko mvura inonaya inababa here? Kana ndianiko wakazvara madonhedza edova?
29. Mazaya echando akabuda muchizvaro chaaniko? Uye chando chokudenga ndianiko akachibereka?
30. Mvura inogwamba sebwe, Gungwa rakadzika rinogwamba pamusoro paro.
31. Ko iwe ungasunga sumbu reChinyamutanhatu, Kana kusunungura zvisungo zveOrionhi here?
32. Iwe ungabudisa Mazaroti panguva yawo here? Kana ungagona kufambisa Arikituro navanakomana vayo here?
33. Iwe unoziva mitemo yokudenga here? Iwe ungagona kuraira ushe hwazvo panyika here?
34. Ko iwe ungasvitsa inzwi kumakore, Kuti ufukidzwe nemvura yakawanda here?
35. Iwe ungagona kutuma mheni, kuti dzifambe, Dzichiti kwauri, `Tiri pano,' here?
36. Ndianiko akaisa uchenjeri mukati mamakore matema? Kana ndianiko akapa nyeredzi njere?
37. Ndianiko angagona kuverenga makore nohuchenjeri hwake here? Kana ndianiko angagona kudurura hombodo dzemvura dzokudenga?
38. Kana guruva richiungana pamwechete, Namavhinga achinamatirana here?
39. Ko iwe ungavhimira shumbakadzi, Kana kugutsa vana veshumba here?
40. Kana idzo dzichitsivama panzvimbo dzadzo, Nokurambira pakavanda dzichivandira here?
41. Ndianiko anogadzirira gunguvo zvokudya zvaro,

  Job (38/42)