| ← Job (37/42) → | 
| 1. | Zvirokwazvo moyo wangu unobvunduswawo pamusoro paizvozvi, Uchibviswa panzvimbo yawo. | 
| 2. | Teererai kutinhira kwenzwi rake, Nokuwunga kunobva pamuromo wake. | 
| 3. | Anokutuma pasi pedenga rose, pamagumisiro enyika. | 
| 4. | Inoteverwa nenzwi rinodzvova, Anotinhira nenzwi roumambo hwake. Haazvidzivisi kana inzwi rake richinzwika. | 
| 5. | Mwari anotinhira nenzwi rake rinoshamisa; Anoita zvinhu zvikuru zvatisingagoni kunzwisisa. | 
| 6. | Nokuti anoti kuchando, "Chiwira panyika;" Saizvozvowo kumvura inopfunha-pfunha, Uyewo kumvura inoturuka nesimba. | 
| 7. | Anodzivisa ruoko rwomunhu mumwe nomumwe, Kuti vanhu vose vaakaita vamuzive. | 
| 8. | Panguva iyo zvikara zvinondovanda, Zvichirambira mumapako azvo. | 
| 9. | Dutu remhepo rinobuda pakamuri rezasi; Nechando kurutivi rwokumusoro. | 
| 10. | Mazaya echando anopiwa vanhu nomweya waMwa Uye mvura mhami inogwamba. | 
| 11. | Anozadza makore matema nomwando, Anodhadhanura gore rine mheni yake. | 
| 12. | Rinotendeudzwa nokufambisa kwake, Kuti zviite zvose zvaanozviraira Panyika inogarwa navanhu; | 
| 13. | Anoituma kuti zvimwe ive shamhu, zvimwe ifadze nyika yake, zvimwe iratidze tsitsi yake. | 
| 14. | Teererai shoko iri, nhasi Jobho; Chimbomirai murangarire mabasa anoshamisa aMwari. | 
| 15. | Ko munoziva marairirwo azvo naMwari here, Nokupenyiswa kwemheni yegore rake here? | 
| 16. | Munoziva maturikirwo amakore here, Namabasa anoshamisa aiye akakwana pazivo here? | 
| 17. | Munonzwisisa madziyiro enguvo dzenyu, Kana nyika yakagadzikana nemhepo inobva zasi here? | 
| 18. | Ko mungagona kudhadhanura denga pamwechete naye, Iro rakasimba sechioni-oni chakaumbwa here? | 
| 19. | Tidzidzisei zvatingareva kwaari; Nokuti hatigoni kunyatsoreva nemhaka yerima. | 
| 20. | Ko iye anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here? Kana ndianiko munhu anoda kumedzwa? | 
| 21. | Zvino vanhu havagoni kutarira chiedza chinopenya kudenga; Asi mhepo ichapfuura, ndokurinatsa. | 
| 22. | Kunaka sokwendarama kunobva kurutivi rwokumusoro; Mwari ano humambo hunotyisa kwazvo. | 
| 23. | Kana ari waMasimbaose, hatigoni kumunzwisisa; ane simba guru-guru; Haangatambudzi pakutonga nokururama kukuru. | 
| 24. | Saka vanhu vanomutya; Haane hanya navane moyo yakachenjera. | 
| ← Job (37/42) → |