Job (36/42)  

1. Erihu akapfuurawo, akati,
2. "Nditenderei henyu zvishoma, ndikuratidzei; Nokuti ndichine zvimwe zvandinoda kutaura pamusoro paMwari.
3. Ndichatora zivo yangu kure, Ndicharatidza kuti Muiti wangu akarurama.
4. Nokuti zvirokwazvo, mashoko angu haane nhema; Mumwe akakwana pazivo unemi.
5. Tarirai, Mwari ane simba, asi haashori munhu; Imhare pasimba renjere.
6. Haachengeti upenyu hwavakaipa; Asi anoruramisira vanotambudzika.
7. Haaregi kutarira vakarurama nameso ake; Asi anovagarisa pachigaro choushe pamwechete namadzimambo, Anovagarisa nokusingaperi, vachikudzwa.
8. Asi kana vachinge vasungwa namaketani, Kana kubatwa namabote okutambudzika;
9. Ipapo unovazivisa mabasa avo, Nokudarika kwavo, kuti vakafamba vachizvikudza.
10. Unodziurawo nzeve dzavo vanzwe kuraira kwake, Unovaraira kuti vadzoke pazvakaipa zvavo.
11. Kana vakamunzwa nokumushumira, Vachapedzisa mazuva avo vachifara, Namakore avo vari pane zvinofadza.
12. Asi kana vakaramba kuteerera, vachapera nomunondo, Vachafa vasina zivo.
13. Asi vasingadi Mwari pamoyo vanozviunganidzira kutsamwa; Havaridzi mhere kuti vabatsirwe kana achivasunga.
14. Vanofa vachiri vaduku, Hupenyu hwavo hunopera sohwavasina kururama.
15. Anorwira anotambudzika pakutambudzika kwake, Unodziura nzeve dzavo pakumanikidzwa kwavo.
16. Zvirokwazvo, akanga achida kukubvisai panjodzi Kukusvitsai panzvimbo yakafara, pasina kumanikana; Kuti zvinoiswa patafura yenyu zvive zvizere namafuta.
17. Asi imi muzere nokutonga vakaipa; Kutonga nokururamisira zvinokubatai.
18. Nokuti chenjerai kuti kutsamwa kurege kukusvitsai pakudadira; ukuru hwedzikunuro hurege kukutsausai.
19. Ko fuma yenyu ingaringana, kuti murege kutambudzika here, Uye simba renyu rose-rose here?
20. Musashuva usiku apo ndudzi dzinobviswa panzvimbo yadzo.
21. Chenjerai, regai kurangarira zvakaipa; Nokuti ndizvo zvamakasanangura kupfuura kutambudzika.
22. Tarirai, Mwari anoita zvinhu zvikuru nesimba rake; Ndianiko mudzidzisi wakafanana naye?
23. Ndianiko akamuraira nzira yake? Kana ndianiko angati, `Makaita zvisina kururama here?'
24. Rangarirai, kuti murumbidze basa rake, Rakaimbwa navanhu.
25. Vanhu vose vakaritarira; Vanhu vanoriona vari kure.
26. Tarirai, Mwari mukuru; asi isu hatimuzivi; Kuwanda kwamakore ake hakunganzverwi.
27. Nokuti anokwevera kumusoro madonhedza emvura, Anoshanduka mvura inonaya ichibva pamwando wawo;
28. Inodururwa namakore Ichidonhera yawanda pamusoro pavanhu.
29. Ko kuno munhu anganzwisisa kudhadhanurwa kwamakore, Nokutinhira kwetende rake here?
30. Tarirai, unodhadhanura chiedza chake kunhivi dzake dzose; Unofukidza pasi pegungwa.
31. Nokuti naizvozvi anotonga ndudzi dzavanhu; Anovapa zvokudya zvizhinji.
32. Anofukidza maoko ake nemheni; Nokuiraira kuti irove payakaratidzwa.
33. Mubvumo wayo unomuzivisa, Nemombewo dzinonzwa kuti unouya.

  Job (36/42)