Job (34/42)  

1. Ipapo Erihu akapindura, akati,
2. "Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera; Rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imi mune zivo.
3. Nokuti nzeve ndiyo inoidza mashoko, Sezvinoravira mukanwa zvokudya.
4. Ngatizvitsanangurire zvakarurama; Ngatizive tose kuti zvakanaka ndezvipi.
5. Nokuti Jobho akati, `Ndakarurama, Asi Mwari akanditorera kururama kwangu;
6. Kunyange ndakarurama hangu, ndinonzi ndine nhema; Pandakakuvadzwa hapangapori, kunyange ndisina kudarika.'
7. Ndianiko akafanana naJobho, Anonwa kushorwa semvura?
8. Anofambidzana navanoita zvakaipa, Anofamba navanhu vakashata.
9. Nokuti iye akati, `Munhu haatongobatsirwi, Kana achifarira Mwari.'
10. Saka chindinzwai, imi varume venjere, Mwari haangatongoiti zvisakarurama; waMasimbaose haangatongoiti zvakaipa.
11. Nokuti acharipira munhu sezvaakabata, Achapa mumwe nomumwe sezvaakafanirwa.
12. Zvirokwazvo, Mwari haangaiti zvakaipa, waMasimbaose haangakanganisi pakutonga.
13. Ndianiko akamuita murairi wenyika? Ndianiko akamupa nyika yose?
14. Kana akadzosera moyo wake kwaari, Kana akadzosera kwaari mweya wake nokufema kwake;
15. papo vanhu vose vachaparara pamwechete, Munhu akadzokerazve kuguruva.
16. Zvino kana mukagona kunzwisisa, inzwai shoko iri, Teererai inzwi ramashoko angu.
17. Ko munhu, anovenga zvakarurama, angabata ushe here? Mungapa mhosva munhu akarurama, ane simba here?
18. Ko zvakanaka kuti kuna mambo, `Makashata?' Kana kuvakuru, `Muri vakaipa here?'
19. Ndoda kumunhu asingakudzi machinda, Asingatsauri vafumi kupfuura varombo. Nokuti ivo vose ndiro basa ramaoko ake.
20. Vanofa kamwe-kamwe pakati pousiku; Vanhu vanozozununguswa ndokuparara havo, Vane simba vanobviswa zvingaitwa noruoko.
21. Nokuti meso ake anotarira nzira dzomunhu, Unoona kufamba kwake kwose.
22. Hapana rima kana mumvuri worufu, Pangavanda vanoita zvakaipa.
23. Nokuti haachafaniri kurangarira munhu, Kuti atongwe pamberi paMwari.
24. Anoparadza vanhu vane simba asinganzveri, Ndokugadza vamwe panzvimbo yavo.
25. Saka anocherekedza mabasa avo; Unovaparadza usiku, vakapwanyiwa.
26. Anovarova sezvinorohwa vanhu vakaipa Vamwe vose vachizviona pachena;
27. Nokuti vakatsauka pakumutevera, Vakasava nehanya nenzira dzake dzose;
28. Naizvozvo vakasvitsa kuchema kwavarombo kwaari, Akanzwa kuchema kwavakatambudzwa.
29. Kana iye akazorodza, ndianiko ungapa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angazomuona? Kana zvichitarirwa rudzi kana munhu mumwe, zvakafanana hazvo;
30. Kuti munhu asakarurama arege kubata ushe, Kuti kurege kuva nomunhu achateya vanhu.
31. Nokuti kunomunhu here akati kuna Mwari, `Ndarangwa hangu, kunyange ndisina kutadza?
32. Ndidzidzisei zvandisingaoni; Kana ndichinge ndaita zvakaipa, handingazviitizve?'
33. Ko iye achatsiva sezvaunoda iwe, zvaunozviramba here? Nokuti ndiwe unofanira kutsanangura, handizini; Saka chitaura zvaunoziva.
34. Vanhu vane njere vachati kwandiri, Uye vose vakachenjera, vanondinzwa, vachati,
35. â€˜Jobho anotaura zvaasingazivi, Mashoko ake haano uchenjeri.
36. Dai Jobho aiidzwa kusvikira pakupedzisira, Zvaakapindura savanhu vakaipa.
37. Nokuti anowedzera kumukira Mwari pazvivi zvake, Anorova namaoko ake pakati pedu, Achiwanza mashoko ake anorwa naMwari.' "

  Job (34/42)