Job (33/42)  

1. Asi Jobho, chidonzwai henyu kutaura kwangu, Teererai mashoko angu ose.
2. Tarirai zvino, ndashamisa muromo wangu, Rurimi rwangu rwataura mumuromo wangu,
3. Mashoko angu achadudzira kururama kwomoyo wangu; Miromo yangu ichataura izvo zvainoziva nezvokwadi.
4. Mweya waMwari wakandiita, Kufuridzira kwowaMasimbaose kunondipa upenyu.
5. Kana mukagona, chindipindurai henyu; Gadzirai mashoko enyu pamberi pangu, simukai henyu.
6. Rairai, ini ndakafanana nemi pamberi paMwari; Neniwo ndakaumbwa nevhu.
7. Tarirai, kutyisa kwangu hakungakutyisiyi imi, Uye handingakuremedziyi.
8. Zvirokwazvo, makataura ini ndichizvinzwa, Ndakanzwa inzwi ramashoko enyu, richiti,
9. "Ndakanaka, handina kudarika; Handine mhosva, hapana zvakaipa mukati mangu;
10. Tarirai, iye unowana mhosva kuti arwe neni, Anonditi muvengi wake.
11. Anomana makumbo angu mumatanda, Anocherekedza nzira dzangu dzose."
12. Tarirai, ndichakupindurai, pachinhu ichi hamuna kururama, Nokuti Mwari mukuru kupfuura munhu.
13. Munorwireiko naye? Nokuti haazvidaviriri pamashoko ake ose.
14. Nokuti Mwari anotaura kamwechete, Kana kaviri, asi munhu haane hanya nazvo.
15. Pakurota, kana pane zvinoonekwa usiku, Kana munhu abatwa nehope kwazvo, Kana avete panhovo;
16. Ipapo unodziura nzeve dzavanhu, Nokusimbisa kurairwa kwavo,
17. Kuti adzore munhu pakuvavarira zvakaipa, Nokuvanzira munhu kuzvikudza;
18. Kuti adzore mweya wake pagomba. Upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.
19. Unorangwawo achirwadziwa panhovo yake, Nokutambudzika nguva dzose mumapfupa ake;
20. Naizvozvo hupenyu hwake hunosema zvokudya, Nomoyo wake zvokudya zvinonaka.
21. Nyama yake inopedzwa, haichaonekwi, Mapfupa ake, akanga asingaonekwi, anobudira kunze.
22. Zvirokwazvo mweya wake unoswedera kugomba, Nohupenyu hwake kuvaparadzi.
23. Kana mutumwa akasvika kwaari, Ari mushanduri, mumwe pakati pavane zviuru zvamazana, Kuti aratidze munhu nzira yakarurama;
24. Mwari akamunzwira tsitsi, akati, "Murwirei arege kuburukira kugomba, Ndawana dzikunuro."
25. Nyama yake ichava itsva kupfuura yomwana; Achadzokera kumazuva ouduku hwake.
26. Anonyengetera kuna Mwari, iye achimufarira; Naizvozvo anotarira chiso chake nomufaro; Akadzosera munhu kururama kwake.
27. Uchaimba pamberi pavanhu, achiti, "Ndatadza, ndakanganisa zvakarurama, Asi hazvina kundibatsira;
28. Iye akarwira mweya wangu urege kuburukira kugomba, Hupenyu hwangu huchaona chiedza."
29. Tarirai, Mwari unoita zvinhu izvi zvose, Kaviri kana katatu nomunhu,
30. Kuti adzose mweya wake pagomba, Kuti avhenekerwe nechiedza chavapenyu.
31. Cherekedzai zvakanaka, Jobho, mundinzwei; Nyararai, ini nditaure.
32. Kana mune shoko rokureva, ndipindur ei, Taurai, nokuti ndinoda kukururamisirai.
33. Kana musingadi, nditeererei; Nyararai, ini ndikudzidzisei huchenjeri.

  Job (33/42)