| ← Job (33/42) → |
| 1. | Asi Jobho, chidonzwai henyu kutaura kwangu, Teererai mashoko angu ose. |
| 2. | Tarirai zvino, ndashamisa muromo wangu, Rurimi rwangu rwataura mumuromo wangu, |
| 3. | Mashoko angu achadudzira kururama kwomoyo wangu; Miromo yangu ichataura izvo zvainoziva nezvokwadi. |
| 4. | Mweya waMwari wakandiita, Kufuridzira kwowaMasimbaose kunondipa upenyu. |
| 5. | Kana mukagona, chindipindurai henyu; Gadzirai mashoko enyu pamberi pangu, simukai henyu. |
| 6. | Rairai, ini ndakafanana nemi pamberi paMwari; Neniwo ndakaumbwa nevhu. |
| 7. | Tarirai, kutyisa kwangu hakungakutyisiyi imi, Uye handingakuremedziyi. |
| 8. | Zvirokwazvo, makataura ini ndichizvinzwa, Ndakanzwa inzwi ramashoko enyu, richiti, |
| 9. | "Ndakanaka, handina kudarika; Handine mhosva, hapana zvakaipa mukati mangu; |
| 10. | Tarirai, iye unowana mhosva kuti arwe neni, Anonditi muvengi wake. |
| 11. | Anomana makumbo angu mumatanda, Anocherekedza nzira dzangu dzose." |
| 12. | Tarirai, ndichakupindurai, pachinhu ichi hamuna kururama, Nokuti Mwari mukuru kupfuura munhu. |
| 13. | Munorwireiko naye? Nokuti haazvidaviriri pamashoko ake ose. |
| 14. | Nokuti Mwari anotaura kamwechete, Kana kaviri, asi munhu haane hanya nazvo. |
| 15. | Pakurota, kana pane zvinoonekwa usiku, Kana munhu abatwa nehope kwazvo, Kana avete panhovo; |
| 16. | Ipapo unodziura nzeve dzavanhu, Nokusimbisa kurairwa kwavo, |
| 17. | Kuti adzore munhu pakuvavarira zvakaipa, Nokuvanzira munhu kuzvikudza; |
| 18. | Kuti adzore mweya wake pagomba. Upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo. |
| 19. | Unorangwawo achirwadziwa panhovo yake, Nokutambudzika nguva dzose mumapfupa ake; |
| 20. | Naizvozvo hupenyu hwake hunosema zvokudya, Nomoyo wake zvokudya zvinonaka. |
| 21. | Nyama yake inopedzwa, haichaonekwi, Mapfupa ake, akanga asingaonekwi, anobudira kunze. |
| 22. | Zvirokwazvo mweya wake unoswedera kugomba, Nohupenyu hwake kuvaparadzi. |
| 23. | Kana mutumwa akasvika kwaari, Ari mushanduri, mumwe pakati pavane zviuru zvamazana, Kuti aratidze munhu nzira yakarurama; |
| 24. | Mwari akamunzwira tsitsi, akati, "Murwirei arege kuburukira kugomba, Ndawana dzikunuro." |
| 25. | Nyama yake ichava itsva kupfuura yomwana; Achadzokera kumazuva ouduku hwake. |
| 26. | Anonyengetera kuna Mwari, iye achimufarira; Naizvozvo anotarira chiso chake nomufaro; Akadzosera munhu kururama kwake. |
| 27. | Uchaimba pamberi pavanhu, achiti, "Ndatadza, ndakanganisa zvakarurama, Asi hazvina kundibatsira; |
| 28. | Iye akarwira mweya wangu urege kuburukira kugomba, Hupenyu hwangu huchaona chiedza." |
| 29. | Tarirai, Mwari unoita zvinhu izvi zvose, Kaviri kana katatu nomunhu, |
| 30. | Kuti adzose mweya wake pagomba, Kuti avhenekerwe nechiedza chavapenyu. |
| 31. | Cherekedzai zvakanaka, Jobho, mundinzwei; Nyararai, ini nditaure. |
| 32. | Kana mune shoko rokureva, ndipindur ei, Taurai, nokuti ndinoda kukururamisirai. |
| 33. | Kana musingadi, nditeererei; Nyararai, ini ndikudzidzisei huchenjeri. |
| ← Job (33/42) → |