Job (32/42)  

1. Zvino varume ava vatatu vakarega kupindura Jobho, nokuti akati ndakarurama hangu.
2. Ipapo Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, weimba yaRami, akatsamwa kwazvo; akatsamwira Jobho kwazvo, nokuti akanga azviruramisa kupfuura Mwari.
3. Akatsamwirawo kwazvo shamwari dzake nhatu, nokuti vakanga vashaiwa mhinduro, kunyange zvakadaro vakanga vapa havo Jobho mhosva.
4. Zvino Erihu akanga amirira kutaura naJobho, nokuti ivo vaiva vakuru kwaari pazero.
5. Zvino Erihu akati achiona kuti hapene mhinduro pamiromo yavanhu ava vatatu, iye akatsamwa kwazvo.
6. Zvino Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi wakapindura, akati, "Ini ndiri muduku, asi imi mava vakuru kwazvo; Saka ndakazvidzora hangu, ndikatya kukuzivisai kufunga kwangu.
7. Ndakati, `Vana mazuva mazhinji ngavataure havo, Vana makore mazhinji ngavadzidzise vamwe uchenjeri.'
8. Asi mweya uripo pamunhu, Kufuridzira kwowaMasimbaose kunovapa kunzwisisa.
9. Havazi vakuru vakachenjera, Kana vatana vanonzwisisa kururamisira.
10. Saka ndakati, `Chindinzwai; Neniwo ndichakuzivisai kufunga kwangu.'
11. Tarirai, ndakambomirira mashoko Ndakateerera kuti ndinzwe nharo dzenyu, Nguva yamakatsvaka zvamungataura.
12. Zvirokwazvo, ndakakucherekedzai, Asi tarirai, hakuna munhu akapwisa Jobho. Kana akapindura mashoko ake pakati penyu.
13. Chenjerai, murege kuti, `Takawana huchenjeri; Mwari ndiye angamukunda, asi munhu kwete;'
14. Nokuti haana kutaura mashoko ake kwandiri; Neni handingamupinduri iye nokutaura kwenyu.
15. Vashamiswa, havachapinduri; Havachine shoko ravangataura.
16. Ko ini ndingamirira, zvavasingatauri ivo, Zvavanoramba vamire, vasina chavangapindura here?
17. Neniwo ndichapindura padzoro rangu, Neniwo ndichazivisa kufunga kwangu.
18. Nokuti ndizere namashoko; Mweya, uri mukati mangu, unondimanikidza.
19. Tarirai, mukati mangu makafanana newaini isina pokubuda napo; Zvakafanana nehombodo itsva dzinokaroparuka.
20. Ndichataura, kuti ndiremudzwe, Ndichashamisa miromo yangu ndipindure.
21. Ndirege hangu kutsaura munhu upi noupi; Uye handingatumidzi ani nani mazita anobata kumeso.
22. Nokuti handizivi kutumidza mazita anobata kumeso; Zvimwe Muiti wangu angakurumidza kundibvisa."

  Job (32/42)