Job (31/42)  

1. "Ndakaita sungano nameso angu, Zvino ndingatarira musikana seiko?
2. Nokuti mugove waMwari unobva kumusoro ndoweiko, Nemhaka yowaMasimbaose inobva kudenga ndeyeiko?
3. Ko haizi njodzi kuna vasina kururama here, Nokuparadzwa kuna vaiti vezvakaipa here?
4. Ko iye haaoni nzira dzangu, Nokuverenga nhambwe dzangu dzose here?
5. Kana ndichinge ndafamba nenzira isina maturo, Norutsoka rwangu rwamhanyira zvinonyengera;
6. (Ngandiidzwe pachiyero chakarurama, Kuti Mwari azive kusanyengera kwangu;)
7. Kana kutsika kwangu kuchinge kwatsauka panzira, Nomoyo wangu ukatevera meso angu, Kana gwapa richinge ranamatira pamaoko angu;
8. Ipapo ini ndidzvare hangu, asi mumwe ngaadye; Zvibereko zvomunda wangu ngazvidzurwe.
9. Kana moyo wangu uchinge wanyengerwa nomukadzi, kana ndavandira pamukova wowandaigara naye;
10. Ipapo mukadzi wangu ngaakuyire mumwe, Navamwe ngavakotamire pamusoro pake.
11. Nokuti chinhu icho chivi chakashata, Zvirokwazvo, chinhu chakaipa chinofanira kurohwa navatongi.
12. Nokuti ndiwo moto unopedza kusvikira pakuparadza, Ungadzura zvibereko zvangu zvose.
13. Kana ndichinge ndazvidza mhaka yomuranda wangu kana murandakadzi wangu, Panguva yavakaita nharo neni;
14. Ndichaiteiko kana Mwari akasimuka? Kana akandivinga, ndingapindurei kwaari?
15. Akandiita mudumbu ramai haazi iye akamuitawo here? Ko haazi mumwe akatiumba isu tose mudumbu ramai here?
16. Kana ndichinge ndanyima varombo zvavakakumbira, Kana kushaisa meso echirikadzi;
17. Kana ndichinge ndadya chimedu changu ndiri ndoga, Nherera ikasadyawo;
18. (Kwete, kubva paujaya hwangu yakakurira kwandiri ndikaita sababa vayo, Ndaiva muperekedzi wayo kubva padumbu ramai vangu;)
19. Kana ndichinge ndaona munhu achiparara nokushaiwa nguvo, Kana anoshaiwa asina chokufuka;
20. Kana chiuno chake chisina kundivonga, Kana asina kudziyirwa nemvere dzamakwai angu;
21. Kana ndichinge ndasimudzira nherera ruoko rwangu, Nokuti ndakaona kuti ndichabatsirwa pasuo;
22. Ipapo fudzi rangu ngaribve pabendekete, Ruoko rwangu ngaruvhunike papfupa.
23. Nokuti njodzi inobva kuna Mwari yakandityisa, Ndakakoniwa kuita chinhu nokuda kwoumambo hwake.
24. Kana ndichinge ndavimba nendarama ikava tariro yangu Ndikati kundarama yakaisvonaka, `Ndinovimba newe.'
25. Kana ndichinge ndakafara nokuti fuma yangu yakanga yawanda, Uye nokuti ruoko rwangu rwakanga rwawana zvizhinji;
26. Kana ndichinge ndaona kubwinya kwezuva, Kana mwedzi uchifamba wakachena;
27. moyo wangu ukanyengerwa pakavanda, Muromo wangu ukatsvoda ruoko rwangu;
28. Nechinhu ichowo chaiva chaipa chinofanira kurohwa navatongi; Nokuti ndinenge ndaramba Mwari ari kumusoro.
29. Kana ndichinge ndafarira kuparadzwa kwomuvengi wangu, Kana kuzvikudza panguva yaakavingwa nezvakaipa;
30. (Zvirokwazvo handina kutendera muromo wangu kutadza, Ndichikumbira nokupanjira kuti afe;)
31. Kana vanhu vetende rangu vasina kutaura, vachiti, `Ndianiko angawana munhu usina kugutiswa nenyama yake?'
32. Mweni haana kuvata vusiku panzira dzomumusha; Asi ndaizarurira mufambi mikova yangu;
33. dai ndaifukidza kudarika kwangu saAdhama, Ndichivanza zvakaipa zvangu pachipfuva changu;
34. Zvandaitya vanhu vazhinji, Ndikavhunduswa nokushorwa namapoka avanhu, Ndikanyarara, ndikasabuda pamukova,
35. Haiwa, dai ndaiva nomunhu anondinzwa! (Tarirai, ndirwo runyoro rwangu, waMasimbaose ngaandipindure;) dai ndaiva norugwaro rwakanyorwa nomudzivisi wangu!
36. Zvirokwazvo, ndairutakura pafudzi rangu; Ndairudzika pamusoro wangu sekorona.
37. Ndaimududzira kuwanda kwenhambwe dzangu; Ndaiswedera kwaari somuchinda.
38. Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri, uchindipa mhosva, Nemihoronga yawo ikachema yose;
39. Kana ndichinge ndadya zvibereko zvawo ndisina kutenga, Kana ndichinge ndarashisa varidzi vawo upenyu hwavo;
40. Ipapo hutumbambeva ngahumerepo panzvimbo yezviyo, Nesora panzvimbo yebhari." Mashoko aJobho apera.

  Job (31/42)