| ← Job (30/42) → |
| 1. | "Asi zvino vaduku kwandiri vanondiseka, Ivo vandaishovora kuisa madzibaba avo pambwa dzamapoka angu. |
| 2. | Simba ramaoko avo ringandibatsireiko? Ivo vakapererwa nesimba kwazvo. |
| 3. | Vaonda nokushaiwa nenzara; Vanotetena ivhu rakaoma murima ramatangwaza nokuparadzwa. |
| 4. | Vanotanha zvinovava pamakwenzi; Midzi yomurara ndizvo zvokudya zvavo. |
| 5. | Vanodzingwa pakati pavanhu; Vanovashoverera sembavha. |
| 6. | Vanofanira kugara pamipata yakasviba, Pamakomba enyika namatombo. |
| 7. | Vanorira pakati pamakwenzi; Vanounganira pasi porukato. |
| 8. | Ndivo vana vamapenzi, zvirokwazvo vana vavanhu vakaipa; Vakadzingwa panyika vachirohwa. |
| 9. | Zvino ndava chiimbo chavo, Ndava shumo yavo. |
| 10. | Vanondisema, vanomira kure neni, Havaregi kupfira mate pachiso changu. |
| 11. | Nokuti iye akasunungura rukungiso rwake akanditambudza; Vakarasha tomu pamberi pangu. |
| 12. | Vasina maturo vanosimuka kurudyi rwangu; Vanosundira makumbo angu, Vanozvigadzirira nzira dzavo kundiparadza. |
| 13. | Vanoparadza nzira yangu, Vanowedzera njodzi yangu, Ivo vanhu vasina mubatsiri. |
| 14. | Vanouya vakafanana navanopinda pakakoromoka pakuru; Vanomhanyira kwandiri pakati pamasvingo akakoromoka. |
| 15. | Zvinotyisa zvandivinga, Vanodzinga kukudzwa kwangu semhepo; Kufara kwangu kwapfuura segore. |
| 16. | Zvino mweya wangu wadururwa mukati mangu; Mazuva enjodzi andibata. |
| 17. | Panguva yousiku mapfupa angu anoururwa mukati mangu, Uye zvinondibaya hazvizorori. |
| 18. | Nesimba rake guru nguvo yangu yachinyikara; Rinondisunga sehuro dzejasi rangu. |
| 19. | Iye akandiwisira mumatope, Ndava seguruva nedota. |
| 20. | Ndinochema kwamuri, asi hamundidaviri; Ndimire, asi munongonditarira. |
| 21. | Mashanduka hamune tsitsi neni; Munonditambudza nesimba roruoko rwenyu. |
| 22. | Munondisimudza nemhepo, munonditasvisa pamusoro payo; Munondinyangarisa mudutu remhepo. |
| 23. | Nokuti ndinoziva kuti muchandiisa kurufu, Nokuimba yakatarirwa vapenyu vose. |
| 24. | Ko munhu, anonyura, haangatambanudzi ruoko here; Pakutambudzika kwake haangaridzi mhere here? |
| 25. | Ko handina kuchema akanga ari panjodzi here? Mweya wangu wakanga usine shungu pamusoro powaishaiwa here? |
| 26. | Ndakati ndichitarira zvakanaka zvakaipa zvikasvika, Ndakati ndichimirira chiedza, rima ndokusvika. |
| 27. | Ura hwangu hunovira, hauzorori; Mazuva okutambudzika andivinga. |
| 28. | Ndinochema ndisina mushana; Ndinosimuka pakati peungano, ndichichema kubatsirwa. |
| 29. | Ndava hama yamakava, Neshamwari yemhou shiri. |
| 30. | Ganda rangu rasviba, rinokwatuka kwandiri; Mapfupa angu atsva nokupisa. |
| 31. | Naizvozvo mbira dzangu dzashanduka kuchema, Uye nyere yangu rava inzwi ravanochema misodzi." |
| ← Job (30/42) → |