Job (3/42)  

1. Shure kwaizvozvo Jobho wakashamisa muromo wake, akatuka zuva rake.
2. Jobho akapindura akati,
3. "Zuva randakaberekwa naro ngarirove, Nousiku uhwo hwavakati, Mwana womukomana agamuchirwa.' "
4. Zuva iro ngarive rima; Mwari ari kumusoro ngaarege kurirangarira, Nechiedza ngachirege kurivhenekera.
5. Rima nomumvuri worufu ngazviritore rive razvo; Gore ngarigare pamusoro paro; Zvose zvinosvibisa zuva ngazvirivhunduse.
6. Kana huri vusiku uhwo, ngahubatwe nerima guru; Ngahurege kufara pakati pamazuva egore; Ngahurege kurahwa pakati pemwedzi.
7. Usiku uhwo ngahurege kubereka; inzwi romufaro ngarirege kupinda mahuri.
8. Vanotuka zuva iro ngavavutukewo, Ivo vanogona kumutsa shato huru.
9. Nyeredzi dzamambakwedza ahwo ngadzisvibe; Ngahumirire chiedza, asi huchishaiwe; Ngaurege kuona fungiro dzameso amangwanani;
10. Zvahusina kupfiga mikova yemimba yamai vangu, Kana kuvanza kutambudzika pameso angu.
11. Ndakaregereiko kufa ndichiri mumimba? Ndakaregerei kuparara ndichibuda mudumbu,
12. Mabvi akandigamuchirireiko? Kana mazamu, kuti ndimwe?
13. Nokuti ndingadai zvino ndakatandavara, ndinyerere; Ndingadai ndivete; ipapo ndingadai ndazorora;
14. Pamwechete namadzimambo namakurukota enyika Vakazvivakira matongo;
15. Kana namachinda, aiva nendarama, Akazadza dzimba dzawo nesirivha;
16. Kana ndingadai ndisina kuvapo somwana akaponiwa nguva isina kusvika; Savacheche vasina kutongoona chiedza.
17. Vakaipa vanorega kutambudza kwavo ipapo; Vakaneta vanozorora ipapo.
18. Vasungwa vanorugare pamwechete ipapo; Havanzwi inzwi romutariri.
19. Vaduku navakuru varipo; Uye muranda akasununguka panatenzi wake.
20. Munhu ari panjodzi anopiyirweiko chiedza, Noupenyu kuno ane shungu pamoyo;
21. Avo vanoshuva rufu, asi haruuyi; Vanoruchera kupfuura fuma yakavanzwa pasi;
22. Vanopembera kwazvo, Nokufara, kana vachiwana hwiro?
23. Munhu, akadzimira nzira yake, anopiyirweiko upenyu, Iye akadzivirirwa norumhanda naMwari?
24. Nokuti ndinogomera ndisati ndadya, Kuvuvura kwangu kunodururwa semvura.
25. Nokuti chinhu chandaitya chandiwira, Nechandinozeza chandivinga.
26. Handina mufaro, kana kunyarara, kana kuzorora; Asi njodzi inongosiuya.

  Job (3/42)