| ← Job (29/42) → |
| 1. | Zvino Jobho akapfuurazve namashoko ake, akati, |
| 2. | "Haiwa, dai ndaiita hangu sapamwedzi yakare, Sapamazuva andairindwa naMwari; |
| 3. | Panguva iyo mwenje wake waivhenekera pamusoro wangu, Ndaifamba ndichivhenekerwa parima nechiedza chake; |
| 4. | Sezvandakanga ndakaita pamazuva okusimba kwangu, Panguva iyo hushamwari hwaMwari huchiri patende rangu; |
| 5. | Panguva iyo waMasimbaose achiri neni, Navana vangu vachakandipoteredza; |
| 6. | Panguva iyo pandaitsika paisukwa nomukaka wakafa, Uye dombo raindidururira nzizi dzamafuta! |
| 7. | Panguva yandaibuda kusuo reguta, Panguva yandaigadzira chigaro changu padare, |
| 8. | Majaya akati achindiona aivanda, Navatana vaisimuka vakaramba vamire; |
| 9. | Machinda ainyarara pakutaura kwawo, Aifumbira miromo yawo; |
| 10. | manzwi avakuru ainyarara, Ndimi dzavo dzainamatira mumikanwa yavo. |
| 11. | Nokuti nzeve yakati ichindinzwa, ndokundiropafadza; Ziso rakati richindiona, ndokundipupurira zvakanaka. |
| 12. | Nokuti ndairwira varombo vaichema, Nenhererawo, nowaishaiwa mubatsiri. |
| 13. | Aikarofa aindiropafadza; Ndaiimbisa moyo wechirikadzi nomufaro. |
| 14. | Ini ndaifuka kururama, naiko kwaindifukidza; Kururama kwangu kwaiva senguvo nekorona. |
| 15. | Ndaiva meso amapofu, Netsoka dzavanokamhina. |
| 16. | Ndaiva baba vavaishaiwa; Ndainzvera mhaka yowandakanga ndisingazivi. |
| 17. | Ndaivhuna meno avasina kururama, Nokubvuta chaakanga auraya mumeno ake. |
| 18. | Panguva iyo ndakati, `Ndichafira mudendere rangu, Ndichawanza mazuva angu aite sejecha,' |
| 19. | Mudzi wangu wakatandavarira kusvikira kumvura, Dova rinovata usiku hwose padavi rangu. |
| 20. | Kukudzwa kwangu kunoramba kuri kutsva, Uta hwangu hunoramba uchivandudzwa muruoko rwangu. |
| 21. | Vanhu vainditeerera nokundimirira, Vainyarara kana ndichivaraira. |
| 22. | Havazaitaurazve kana ini ndareva mashoko angu; Kutaura kwangu kwakadonhera pamusoro pavo. |
| 23. | Vaindimirira somunhu anomirira mvura; Vaishamisa miromo yavo sevanoshamira mvura yokupedzisira. |
| 24. | Ndaivasekerera kana vasingatsungi; Havana kudzima chiedza chechiso changu. |
| 25. | Ndaivasanangurira nzira yavo, ndikagara sashe wavo, Ndaigara samambo pahondo, Somunhu anonyaradza vanochema. |
| ← Job (29/42) → |