Job (29/42)  

1. Zvino Jobho akapfuurazve namashoko ake, akati,
2. "Haiwa, dai ndaiita hangu sapamwedzi yakare, Sapamazuva andairindwa naMwari;
3. Panguva iyo mwenje wake waivhenekera pamusoro wangu, Ndaifamba ndichivhenekerwa parima nechiedza chake;
4. Sezvandakanga ndakaita pamazuva okusimba kwangu, Panguva iyo hushamwari hwaMwari huchiri patende rangu;
5. Panguva iyo waMasimbaose achiri neni, Navana vangu vachakandipoteredza;
6. Panguva iyo pandaitsika paisukwa nomukaka wakafa, Uye dombo raindidururira nzizi dzamafuta!
7. Panguva yandaibuda kusuo reguta, Panguva yandaigadzira chigaro changu padare,
8. Majaya akati achindiona aivanda, Navatana vaisimuka vakaramba vamire;
9. Machinda ainyarara pakutaura kwawo, Aifumbira miromo yawo;
10. manzwi avakuru ainyarara, Ndimi dzavo dzainamatira mumikanwa yavo.
11. Nokuti nzeve yakati ichindinzwa, ndokundiropafadza; Ziso rakati richindiona, ndokundipupurira zvakanaka.
12. Nokuti ndairwira varombo vaichema, Nenhererawo, nowaishaiwa mubatsiri.
13. Aikarofa aindiropafadza; Ndaiimbisa moyo wechirikadzi nomufaro.
14. Ini ndaifuka kururama, naiko kwaindifukidza; Kururama kwangu kwaiva senguvo nekorona.
15. Ndaiva meso amapofu, Netsoka dzavanokamhina.
16. Ndaiva baba vavaishaiwa; Ndainzvera mhaka yowandakanga ndisingazivi.
17. Ndaivhuna meno avasina kururama, Nokubvuta chaakanga auraya mumeno ake.
18. Panguva iyo ndakati, `Ndichafira mudendere rangu, Ndichawanza mazuva angu aite sejecha,'
19. Mudzi wangu wakatandavarira kusvikira kumvura, Dova rinovata usiku hwose padavi rangu.
20. Kukudzwa kwangu kunoramba kuri kutsva, Uta hwangu hunoramba uchivandudzwa muruoko rwangu.
21. Vanhu vainditeerera nokundimirira, Vainyarara kana ndichivaraira.
22. Havazaitaurazve kana ini ndareva mashoko angu; Kutaura kwangu kwakadonhera pamusoro pavo.
23. Vaindimirira somunhu anomirira mvura; Vaishamisa miromo yavo sevanoshamira mvura yokupedzisira.
24. Ndaivasekerera kana vasingatsungi; Havana kudzima chiedza chechiso changu.
25. Ndaivasanangurira nzira yavo, ndikagara sashe wavo, Ndaigara samambo pahondo, Somunhu anonyaradza vanochema.

  Job (29/42)