| ← Job (28/42) → |
| 1. | Nokuti mugodhi uripo panobva sirivha, Nzvimbo iripo pavanonatsa ndarama. |
| 2. | Mhangura inocherwa pasi, Nendarira inonyauswa pabwe. |
| 3. | Munhu anokunda rima, Anotsvakisisa kusvikira kumativi ose-ose. Mabwe ari murima guru nomumumvuri worufu. |
| 4. | Anochera mugodhi kure napanogara vanhu; Vanokanganikwa norutsoka rwavanopfuura; Vanorembera kure navanhu, vachizeya uku nokuku. |
| 5. | Kana iri nyika, zvokudya zvinobva mairi; Pasi pazvo pakashandurwa zvinenge nomoto. |
| 6. | Pamabwe ayo ndipo panogara zvibwe zesafiro, Ano upfu hwéndarama. |
| 7. | Nzira iyo haizikanwi negondo, Ziso rorukodzi harina kuiona; |
| 8. | Zvikara, zvinozvikudza, hazvina kupfuura napo. Shumba, ine hasha, haina kupfuura napo. |
| 9. | Iye anotema dombo romusarasara noruoko rwake; Anoshandukura makomo nemidzi yawo. |
| 10. | Anochera mugero pamatombo; Ziso rake rinoona zvinokosha. |
| 11. | Anodzivira nzizi dzemvura dzirege kudonha; Chinhu chakavanzika anochibudisa pachena. |
| 12. | Asi uchenjeri huchawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepi? |
| 13. | Munhu haazivi mutengo wahwo; Hauwanikwi panyika yavapenyu. |
| 14. | Pakadzika panoti, "Hauzi mandiri;" Negungwa rinoti, "Hauzi mandiri." |
| 15. | Haungatengwi nendarama, Nyangwe nesirivha haingaidzirwi mutengo wawo. |
| 16. | Haungaenzaniswi nendarama yeOfiri, Kana nezvibwe zveonikisi inokosha kana zvesafiro. |
| 17. | Ndarama negirazi hazvingaenzani nahwo; Zvishongo zvendarama yakaisvonaka hazvingatsinhaniswi nahwo. |
| 18. | Korari nemapere hazvingatongorebwi; Zvirokwazvo mutengo wouchenjeri unopfuura matombo akatsvuka. |
| 19. | Topazi yeItiopia haingaenzani nahwo, Haungaenzaniswi nendarama yakaisvonaka. |
| 20. | Zvino huchenjeri unobvepiko? Kunzwisisa kunogarepi? |
| 21. | Zvahwakavanzirwa meso avapenyu vose, Nokudzitirirwa shiri dzokudenga. |
| 22. | Kuparadza noRufu zvinoti, "Takanzwa guhu rahwo panzeve dzedu." |
| 23. | Mwari anonzwisisa nzira yahwo, Ndiye anoziva kwahunobva. |
| 24. | Nokuti anotarira kumigumo yenyika, anoona, zvose pasi pokudenga pose; |
| 25. | Panguva yaanotarira mhepo kurema kwayo; Zvirokwazvo, anoyera mvura nechiyero |
| 26. | Panguva yaakatemera mvura chirevo, Nemheni yomutinhiro nzira yayo. |
| 27. | Panguva iyo akahuona, akahududzira; Akahusimbisa, nokuhunzvera. |
| 28. | Akaudza munhu achiti, "Tarira, kutya Ishe, ndihwo uchenjeri. Kurega zvakaipa ndiko kunzwisisa." |
| ← Job (28/42) → |