Job (28/42)  

1. Nokuti mugodhi uripo panobva sirivha, Nzvimbo iripo pavanonatsa ndarama.
2. Mhangura inocherwa pasi, Nendarira inonyauswa pabwe.
3. Munhu anokunda rima, Anotsvakisisa kusvikira kumativi ose-ose. Mabwe ari murima guru nomumumvuri worufu.
4. Anochera mugodhi kure napanogara vanhu; Vanokanganikwa norutsoka rwavanopfuura; Vanorembera kure navanhu, vachizeya uku nokuku.
5. Kana iri nyika, zvokudya zvinobva mairi; Pasi pazvo pakashandurwa zvinenge nomoto.
6. Pamabwe ayo ndipo panogara zvibwe zesafiro, Ano upfu hwéndarama.
7. Nzira iyo haizikanwi negondo, Ziso rorukodzi harina kuiona;
8. Zvikara, zvinozvikudza, hazvina kupfuura napo. Shumba, ine hasha, haina kupfuura napo.
9. Iye anotema dombo romusarasara noruoko rwake; Anoshandukura makomo nemidzi yawo.
10. Anochera mugero pamatombo; Ziso rake rinoona zvinokosha.
11. Anodzivira nzizi dzemvura dzirege kudonha; Chinhu chakavanzika anochibudisa pachena.
12. Asi uchenjeri huchawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepi?
13. Munhu haazivi mutengo wahwo; Hauwanikwi panyika yavapenyu.
14. Pakadzika panoti, "Hauzi mandiri;" Negungwa rinoti, "Hauzi mandiri."
15. Haungatengwi nendarama, Nyangwe nesirivha haingaidzirwi mutengo wawo.
16. Haungaenzaniswi nendarama yeOfiri, Kana nezvibwe zveonikisi inokosha kana zvesafiro.
17. Ndarama negirazi hazvingaenzani nahwo; Zvishongo zvendarama yakaisvonaka hazvingatsinhaniswi nahwo.
18. Korari nemapere hazvingatongorebwi; Zvirokwazvo mutengo wouchenjeri unopfuura matombo akatsvuka.
19. Topazi yeItiopia haingaenzani nahwo, Haungaenzaniswi nendarama yakaisvonaka.
20. Zvino huchenjeri unobvepiko? Kunzwisisa kunogarepi?
21. Zvahwakavanzirwa meso avapenyu vose, Nokudzitirirwa shiri dzokudenga.
22. Kuparadza noRufu zvinoti, "Takanzwa guhu rahwo panzeve dzedu."
23. Mwari anonzwisisa nzira yahwo, Ndiye anoziva kwahunobva.
24. Nokuti anotarira kumigumo yenyika, anoona, zvose pasi pokudenga pose;
25. Panguva yaanotarira mhepo kurema kwayo; Zvirokwazvo, anoyera mvura nechiyero
26. Panguva yaakatemera mvura chirevo, Nemheni yomutinhiro nzira yayo.
27. Panguva iyo akahuona, akahududzira; Akahusimbisa, nokuhunzvera.
28. Akaudza munhu achiti, "Tarira, kutya Ishe, ndihwo uchenjeri. Kurega zvakaipa ndiko kunzwisisa."

  Job (28/42)