| ← Job (27/42) → |
| 1. | Ipapo Jobho akapfuura nokutaura kwake, akati, |
| 2. | "NaMwari mupenyu, iye akanditorera kururama kwangu; NowaMasimbaose akatambudza mweya wangu; |
| 3. | (Nokuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose, Nomweya waMwari uchiri mumhino dzangu;) |
| 4. | Zvirokwazvo miromo yangu haingatauri zvisakarurama, Uye rurimi rwangu harungarevi zvinonyengera. |
| 5. | Mwari ngaandidzivise ndirege kukururamisirai; Kusvikira parufu rwangu handingarashi kusanyengera kwangu. |
| 6. | Ndinobatisa kururama kwangu, handingakuregi; moyo wangu haungandipi mhaka ndichiri mupenyu. |
| 7. | Muvengi wangu ngaaite sewakaipa. Uye anondimukira ngaaite seasina kururama. |
| 8. | Nokuti asingadi Mwari ane tariro yeiko, kunyange azviwanira fuma, Kana atorerwa mweya wake naMwari here? |
| 9. | Ko Mwari achanzwa kuchema kwake, Kana achiwirwa nenjodzi here? |
| 10. | Ko iye achafarira waMasimbaose, Nokudana kuna Mwari nguva dzose here? |
| 11. | Ini ndichakudzidzisai zvoruoko rwaMwari; Izvo zvina waMasimbaose handingazvivanzi. |
| 12. | Tarirai imi mose makazviona henyu; Zvino makagova vanhu vasina maturo chose neiko? |
| 13. | Ndiwo mugove unopiwa munhu akaipa naMwari, Nemhaka yavamanikidzi, yavanopiwa nowaMasimbaose. |
| 14. | Kana vana vake vachiwanda, vourawa nomunondo; Vana vake havangaguti zvokudya. |
| 15. | Vana vake, vakasara, vachavigwa vafa, Chirikadzi dzake hadzingachemi. |
| 16. | Kunyange akaunganidza sirivha ikaita seguruva, Nokugadzira zvokufuka zvikaita sevhu; |
| 17. | Angazvigadzira hake iye, asi akarurama ndiye achazvifuka; Asine mhosva ndiye achagovera sirivha. |
| 18. | Anovaka imba yake sechivhundudzi, Sechirindo chinoitwa nomurindi. |
| 19. | Anovata pasi akafuma, asi haapamhidzizve; Anosvinudza meso ake, asi haachipo. |
| 20. | Zvinotyisa zvinomubata semvura zhinji; dutu remhepo rinomubvuta usiku. |
| 21. | Mhepo inobva mabvazuva inomutora ndokuenda hake; Inomutsvaira panzvimbo yake. |
| 22. | Mwari achamuposha, asingamunzwiri tsitsi, Unoidza kutiza paruoko rwake. |
| 23. | Vanhu vacharovana maoko pamusoro pake, Vachamuridzira muridzo abve panzvimbo yake." |
| ← Job (27/42) → |