| ← Job (26/42) → |
| 1. | Ipapo Jobho akapindura, akati, kwaari |
| 2. | "Iwe wakabatsira sei asine simba! Wakaponesa sei ruoko rusine simba! |
| 3. | Wakapa mano sei asina kungwara, Nokududzira kwazvo zivo yazvokwadi! |
| 4. | Wakataurira aniko mashoko awa? Mweya wakabuda kwauri ndowaaniko? |
| 5. | Vakafa vanodedera Pasi pemvura navagere mukati mayo. |
| 6. | Sheori rakashama pamberi pake, Kuparadza hakune chifukidzo. |
| 7. | Anotatamura rutivi rwokumusoro pasine chiro, Anoturikira nyika pasine chinhu. |
| 8. | Anosungira mvura mumakore ake makobvu; Asi gore haribvaruki nokurema kwayo. |
| 9. | Anofukidza chigaro chake choushe, chirege kuonekwa, |
| 10. | Akatara muganho pamusoro pemvura, Kusvikira pakuparadzana kwechiedza nerima. |
| 11. | Mbiru dzedenga dzinodedera, Nokuvhunduka nokutuka kwake. |
| 12. | Anomutsa gungwa nesimba rake, Nenjere dzake anoparadza Rahabhi. |
| 13. | Denga rinoshongedzwa nomweya wake; Ruoko rwake rwakabaya nyoka inokurumidza. |
| 14. | Tarira, izvi ndiwo mudzivo woga wenzira dzake; Haiwa, tinongonzwa zeve-zeve roga renzwi rake! Asi kutinhira kwesimba rake ndianiko angakunzwisisa?" |
| ← Job (26/42) → |