Job (25/42)  

1. Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura, akati,
2. "Umambo nokutyisa zvinaye; Iye unoyananisa pamatunhu ake akakwirira.
3. Hondo dzake dzingaverengwa here? Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake?
4. Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari? Nomunhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei?
5. Tarira, nomwedziwo unoshaiwa kubhinya, Nenyeredzi hadzizakachena kwazvo pamberi pake.
6. Ndoda munhu, iro gonye! noMwanakomana womunhu, iro gonye!"

  Job (25/42)