Job (24/42)  

1. WaMasimbaose anoregereiko kutara nguva dzokutonga? Vanomuziva vanoregereiko kuona mazuva ake?
2. Vanoshandura miganho varipo; Vanopamba mapoka amakwai, vachiafudza.
3. Vanotinha mbongoro yenherera, Vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso.
4. Vanodzinga varombo panzira; Varombo venyika vanovanda vose.
5. Tarira, sembizi murenje Vanobudira kumabasa avo, vachishingairira zvokwadi; Renje rinovapa zvokudya zvavana vavo.
6. Vanocheka zvavanodya kusango; Vanounganidza mazambiringa avakaipa.
7. Vanovata usiku hwose vasina zvavakafuka, Pachando havana chavangazvifukidza nacho.
8. Vakanyorova nokupfunha kwemvura yamakomo, Vanombundikira dombo nokushaiwa pokutizira.
9. Varipo vanobvuta nherera pazamu ramai, Nokutora rubatso rwavarombo;
10. Naizvozvo vanofamba vasina zvavakafuka, Vanotakura zvisote vane nzara;
11. Vanosvina mafuta mukati mamasvingo avanhu ava; Vanotsika zvisviniro zvamazambiringa avo, vachifa nenyota.
12. Vanhu vanogomera mukati meguta rina vanhu vazhinji, Uye mweya yavakakuvadzwa inochema; Kunyange zvakadaro Mwari haane hanya nezvisina kururama.
13. Ndivo vanovenga chiedza; Havazivi nzira dzacho, Havarambi vachifamba pamakwara acho.
14. Muurayi anomuka kana kwoedza, anouraya murombo neanoshaiwa; Usiku wakafanana nomubi.
15. Ziso remhombwewo rinomirira rubvunzavaeni, Achiti, "Hakune ziso richandiona;" Ndokufukidza chiso chake.
16. Usiku vanopaza dzimba; Masikati vanozvipfigira; Havazivi chiedza.
17. Nokuti mangwanani akaita serima guru kwavari vose; Nokuti vanoziva kutyisa kwerima guru.
18. Iye anofambisa pamusoro pemvura; Mugove wavo wakatukwa panyika; Haachafambi nenzira yeminda yemizambiringa.
19. Kuoma nokupisa kunopedza mvura yechando; Ndizvo zvinoita Sheori navakatadza.
20. Chizvaro chichamukanganwa; honye dzichatapirirwa Uye kusarurama kuchavhunwa somuti.
21. Iye unoparadza han’a isingabereki; Haaitiri chirikadzi zvakanaka.
22. Anobvisa vane simba nesimba rake; Kana iye achisimuka, hakuna munhu anoziva kana achararama.
23. Mwari anovagarisa vakachengetwa, vachivimba nazvo; Asi meso ake anotarira nzira dzavo.
24. Vanokudzwa; gare-gare vaenda; Vanodukupiswa, vanobviswa panzira savamwe vose, Vanochekwa semisoro yehura dzezviyo.
25. Kana zvisina kudaro zvino, ndiani angati ndine nhema, Nokushaisa mashoko angu simba here?

  Job (24/42)