| ← Job (23/42) → |
| 1. | Ipapo Jobho akapindura, akati, |
| 2. | "Kunyange nanhasi ndinonyunyuta ndine shungu; Kurohwa kwangu kwakanyanya kukunda kugomera kwangu. |
| 3. | Haiwa! Dai ndaiziva kwandingamuwana, Kuti ndisvike ipo pachigaro chake. |
| 4. | Ndairondedzera mhaka yangu pamberi pake, Ndaizadza muromo wangu nenharo. |
| 5. | Ndaiziva mashoko aanopindura nawo, Ndainzwisisa zvaanondiudza. |
| 6. | Angaita nharo neni nesimba rake guru here? Kwete; asi anganditeerera hake. |
| 7. | Apo akarurama angataurirana naye; Kuti ndisunungurwe nokusingaperi pamutongi wangu. |
| 8. | Tarira, ndinopfuura mberi, asi haapo; Uuye shure, asi handimuoni; |
| 9. | Nokuruoko rworuboshwe, kana achibata, asi handigoni kumuona; Anozvivanza paruoko rworudyi, kuti ndirege kumuona. |
| 10. | Nokuti iye anoziva nzira yandinofamba nayo; Kana akandiidza, ndichabuda ndakaita sendarama. |
| 11. | Rutsoka rwangu rwakaramba ruchitsika paakatsika iye; Ndakarambira panzira yake, handina kutsauka. |
| 12. | Handina kudzoka pamurairo wemiromo yake; Ndakachengeta sefuma mashoko omuromo wake kupfuura mugove wezvokudya zvangu. |
| 13. | Asi iye anorangarira chinhu chimwe, ndianiko angamudzora? Zvinoda moyo wake, ndizvo zvaanoita. |
| 14. | Nokuti anoita zvandakatemerwa; Nezvinhu zvizhinji zvakadai zviri kwaari. |
| 15. | Saka ndinotambudzika pamberi pake; Kana ndichimufunga ndinomutya. |
| 16. | Nokuti Mwari akatorera moyo wangu simba, waMasimbaose akandivhundusa. |
| 17. | Nokuti handina kuparadzwa nokuda kwerima, Kana nokuda kwerima guru rakafukidza chiso changu." |
| ← Job (23/42) → |