Job (23/42)  

1. Ipapo Jobho akapindura, akati,
2. "Kunyange nanhasi ndinonyunyuta ndine shungu; Kurohwa kwangu kwakanyanya kukunda kugomera kwangu.
3. Haiwa! Dai ndaiziva kwandingamuwana, Kuti ndisvike ipo pachigaro chake.
4. Ndairondedzera mhaka yangu pamberi pake, Ndaizadza muromo wangu nenharo.
5. Ndaiziva mashoko aanopindura nawo, Ndainzwisisa zvaanondiudza.
6. Angaita nharo neni nesimba rake guru here? Kwete; asi anganditeerera hake.
7. Apo akarurama angataurirana naye; Kuti ndisunungurwe nokusingaperi pamutongi wangu.
8. Tarira, ndinopfuura mberi, asi haapo; Uuye shure, asi handimuoni;
9. Nokuruoko rworuboshwe, kana achibata, asi handigoni kumuona; Anozvivanza paruoko rworudyi, kuti ndirege kumuona.
10. Nokuti iye anoziva nzira yandinofamba nayo; Kana akandiidza, ndichabuda ndakaita sendarama.
11. Rutsoka rwangu rwakaramba ruchitsika paakatsika iye; Ndakarambira panzira yake, handina kutsauka.
12. Handina kudzoka pamurairo wemiromo yake; Ndakachengeta sefuma mashoko omuromo wake kupfuura mugove wezvokudya zvangu.
13. Asi iye anorangarira chinhu chimwe, ndianiko angamudzora? Zvinoda moyo wake, ndizvo zvaanoita.
14. Nokuti anoita zvandakatemerwa; Nezvinhu zvizhinji zvakadai zviri kwaari.
15. Saka ndinotambudzika pamberi pake; Kana ndichimufunga ndinomutya.
16. Nokuti Mwari akatorera moyo wangu simba, waMasimbaose akandivhundusa.
17. Nokuti handina kuparadzwa nokuda kwerima, Kana nokuda kwerima guru rakafukidza chiso changu."

  Job (23/42)