| ← Job (20/42) → |
| 1. | Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati, |
| 2. | "Naizvozvo ndangariro dzangu dzinondipindura, Nokuda kwokukurumidza kuri mandiri. |
| 3. | Ndakanzwa kutuka kunondinyadza, Mweya wokunzwisisa kwangu anondipindura. |
| 4. | Hauzivi here kuti kubva kare-kare, Kubva pakuiswa kwomunhu panyika, |
| 5. | Kuti kufara kwavakaipa hakune nguva huru, Nomufaro wavasingadi Mwari kuti ndowechinguva? |
| 6. | Kunyange kukura kwake kukakwirira kusvikira kudenga, Musoro wake ukasvikira kumakore; |
| 7. | Kunyange zvakadaro uchaparara nokusingaperi sendove yake; Vaimuona vachati, `Aripiko?' |
| 8. | Achabhururuka akaenda sokurota, akasawanikwa; Zvirokwazvo, achadzingwa sechinhu chinoonekwa usiku. |
| 9. | Ziso raimuona haringazomuonizve; Nyangwe nenzvimbo yake haingazomuonizve. |
| 10. | Vana vake vachatsvaka tsitsi kuvarombo, Maoko avo achadzosera fuma yake. |
| 11. | Mapfupa ake azere nesimba roujaya hwake, Asi achavata pasi naye paguruva. |
| 12. | Kunyange kutadza kuchitapira mumuromo make, Kunyange akazvivanza pasi porurimi rwake; |
| 13. | Kunyange akazvichengeta, akaramba kuzvirega, Akaramba akazvichengeta mumuromo make; |
| 14. | Kunyange zvakadaro zvokudya zvake zvinoshandurwa muura hwake, Zvava nduru yemvumbi mukati make. |
| 15. | Wamedza fuma, asi achairutsazve, Mwari achaibudisa mudumbu rake. |
| 16. | Achasveta uturu hwemvumbi; Rurimi rwenyoka ruchamuuraya. |
| 17. | Haangatariri nzizi, Nehova dzizere nouchi namafuta. |
| 18. | Zvaakabatira achazvidzosazve, haangazvimedzi; Haangavi nomufaro wakaenzana nefuma yake yaakawana. |
| 19. | Nokuti akamanikidza nokurasha varombo; Akatora imba nesimba, asi haangaivaki. |
| 20. | Zvaakanga asingazivi kudzikama mukati make, Haangachengeti chinhu chimwe chaakanga achifarira. |
| 21. | Hakune chinhu chakasara chaasina kuparadza; Saka kuguma kwake, hakungarambi kuripo. |
| 22. | Pakati pezvakawanda zvefuma yake achamanikidzwa; Ruoko rwomumwe nomumwe ari panjodzi rucharwa naye. |
| 23. | Kana achida kugutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kukuru pamusoro pake, Achakunisa pamusoro pake, zvive zvokudya zvake. |
| 24. | Achatiza nhumbi yokurwa yamatare, Uta hwendarira huchamuboora. |
| 25. | Unoivhomora, ikabuda pamuviri wake; Muromo wayo unobwinya, unobuda panduru yake; Anotya kwazvo. |
| 26. | Akachengetererwa rima guru ive fuma yake, Moto usina kupfutidzwa nomunhu uchamuparadza; Uchapedza zvakasara patende rake. |
| 27. | Kudenga-denga kucharatidza zvakaipa zvake, Nyika ichamumukira. |
| 28. | Zvakaunganidzwa mumba make zvichibva, Nhumbi dzake dzichayerera pazuva rokutsamwa kwake. |
| 29. | Ndiwo mugove womunhu akaipa waanopiwa naMwari, Nenhaka yaakatemerwa naMwari." |
| ← Job (20/42) → |