Job (20/42)  

1. Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati,
2. "Naizvozvo ndangariro dzangu dzinondipindura, Nokuda kwokukurumidza kuri mandiri.
3. Ndakanzwa kutuka kunondinyadza, Mweya wokunzwisisa kwangu anondipindura.
4. Hauzivi here kuti kubva kare-kare, Kubva pakuiswa kwomunhu panyika,
5. Kuti kufara kwavakaipa hakune nguva huru, Nomufaro wavasingadi Mwari kuti ndowechinguva?
6. Kunyange kukura kwake kukakwirira kusvikira kudenga, Musoro wake ukasvikira kumakore;
7. Kunyange zvakadaro uchaparara nokusingaperi sendove yake; Vaimuona vachati, `Aripiko?'
8. Achabhururuka akaenda sokurota, akasawanikwa; Zvirokwazvo, achadzingwa sechinhu chinoonekwa usiku.
9. Ziso raimuona haringazomuonizve; Nyangwe nenzvimbo yake haingazomuonizve.
10. Vana vake vachatsvaka tsitsi kuvarombo, Maoko avo achadzosera fuma yake.
11. Mapfupa ake azere nesimba roujaya hwake, Asi achavata pasi naye paguruva.
12. Kunyange kutadza kuchitapira mumuromo make, Kunyange akazvivanza pasi porurimi rwake;
13. Kunyange akazvichengeta, akaramba kuzvirega, Akaramba akazvichengeta mumuromo make;
14. Kunyange zvakadaro zvokudya zvake zvinoshandurwa muura hwake, Zvava nduru yemvumbi mukati make.
15. Wamedza fuma, asi achairutsazve, Mwari achaibudisa mudumbu rake.
16. Achasveta uturu hwemvumbi; Rurimi rwenyoka ruchamuuraya.
17. Haangatariri nzizi, Nehova dzizere nouchi namafuta.
18. Zvaakabatira achazvidzosazve, haangazvimedzi; Haangavi nomufaro wakaenzana nefuma yake yaakawana.
19. Nokuti akamanikidza nokurasha varombo; Akatora imba nesimba, asi haangaivaki.
20. Zvaakanga asingazivi kudzikama mukati make, Haangachengeti chinhu chimwe chaakanga achifarira.
21. Hakune chinhu chakasara chaasina kuparadza; Saka kuguma kwake, hakungarambi kuripo.
22. Pakati pezvakawanda zvefuma yake achamanikidzwa; Ruoko rwomumwe nomumwe ari panjodzi rucharwa naye.
23. Kana achida kugutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kukuru pamusoro pake, Achakunisa pamusoro pake, zvive zvokudya zvake.
24. Achatiza nhumbi yokurwa yamatare, Uta hwendarira huchamuboora.
25. Unoivhomora, ikabuda pamuviri wake; Muromo wayo unobwinya, unobuda panduru yake; Anotya kwazvo.
26. Akachengetererwa rima guru ive fuma yake, Moto usina kupfutidzwa nomunhu uchamuparadza; Uchapedza zvakasara patende rake.
27. Kudenga-denga kucharatidza zvakaipa zvake, Nyika ichamumukira.
28. Zvakaunganidzwa mumba make zvichibva, Nhumbi dzake dzichayerera pazuva rokutsamwa kwake.
29. Ndiwo mugove womunhu akaipa waanopiwa naMwari, Nenhaka yaakatemerwa naMwari."

  Job (20/42)