Job (2/42)  

1. Zvino rimwe zuvazve vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha, Satani akasvikawo pakati pavo, akamira pamberi paJehovha.
2. Jehovha akati kuna Satani, "Wabvepiko?" Satani akapindura Jehovha, akati, "Ndabva pakupota-pota nenyika, napakufamba-famba pairi."
3. Jehovha akati kuna Satani, "Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa; nazvino anorambira pakururama kwake, kunyange iwe wakandikurudzira kuti ndimuparadze asine mhaka."
4. Satani akapindura Jehovha, akati, "Ganda rinotsihwa neganda, zvose zvaanazvo munhu angazviisira upenyu hwake.
5. Asi tambanudzai ruoko rwenyu zvino, murove mapfupa ake nenyama yake, ipapo achakushorai pachena."
6. Jehovha akati kuna Satani, "Tarira, iye ari paruoko rwako; asi kwoga urege upenyu hwake."
7. Naizvozvo Satani akabva pamberi paJehovha, akarova Jobho namaronda akaipa, kubva patsoka dzake kusvikira pamusoro wake.
8. Jobho akatora chaenga akazvikwenya nacho; akagara pasi pakati pamadota.
9. Ipapo mukadzi wake akati kwaari, "Ucharambira nazvino pakururama kwako here? Shora Mwari, ufe hako."
10. Asi iye akati kwaari, "Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi mapenzi. Tingagamuchira zvakanaka bedzi paruoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here?" Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake.
11. Zvino shamwari nhatu dzaJobho dzakati dzichinzwa zvakaipa zvose zvakanga zvamuwira, dzikauya mumwe nomumwe achibva kwake, dzaiti Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNamati; vakatenderana kundomunzwira tsitsi nokumunyaradza.
12. Zvino vakati vachitarira vachiri kure, vakasamuziva, vakachema kwazvo, mumwe nomumwe akabvarura nguvo yake, vakakushira guruva kudenga pamisoro yavo.
13. Ipapo vakagara pasi naye mazuva manomwe nousiku hunomwe; asi hakuna nomumwe akataura naye kunyange shoko rimwe; nokuti vakaona kuti njodzi yake yakanga iri huru kwazvo.

  Job (2/42)