| ← Job (19/42) → |
| 1. | Ipapo Jobho akapindura, akati, |
| 2. | "Muchatambudza mweya wangu kusvikira rinhiko, Nokundipwanya namashoko enyu here? |
| 3. | Makandituka zvino kagumi; Hamunyari zvamakanditsungirira. |
| 4. | Kana ndichinge ndatadza hangu, Kutadza kwangu kuchagara neni. |
| 5. | Kana imi muchida kwazvo kuzvikudza pamusoro pangu, Nokundipa mhosva muchiti ndakatukwa; |
| 6. | Zivai zvino kuti ndiye Mwari asina kundiruramisa, Akandikomberedza nomumbure wake; |
| 7. | Tarirai ndinochema ndichiti, `Ndakaitirwa zvakaipa!' Asi handinzwiki; Ndinochema kuti ndibatsirwe, asi handiruramisirwi. |
| 8. | Akadzivira nzira yangu, kuti ndirege kupfuura; Akaisa rima panzira dzangu. |
| 9. | Wakandibvisira kurumbidzwa kwangu, Nokunditorera korona yangu pamusoro wangu. |
| 10. | Akandiputsa kumativi ose, ndakaparadzwa; Akadzura tariro yangu somuti. |
| 11. | Akandimutsirawo kutsamwa kwake, Akati ndiri mumwe wavadzivisi vake. |
| 12. | Hondo dzake dzinondiunganira, dzinozvigadzirira nzira kurwa neni. Dzinokomberedza tende rangu nemisasa yadzo. |
| 13. | Akaisa hama dzangu kure neni, Vazikanwi vangu vava savatorwa chose kwandiri. |
| 14. | Hama dzangu dzandinyengera, Shamwari dzangu, dzaindiziva, dzakandikanganwa. |
| 15. | Vanogara mumba mangu, navarandakadzi vangu vanoti ndiri mubvakure; Vanondiona vachiti ndiri mweni. |
| 16. | Ndinodana muranda wangu, asi haandipinduri, Kunyange ndichimunyengetera nomuromo wangu. |
| 17. | Kufema kwangu kunosemesa mukadzi wangu, Ndinonyangadza vana vamai vangu. |
| 18. | Kunyange navana vaduku vanondishorawo; Kana ndichisimuka, vanondipopotera. |
| 19. | Shamwari dzangu dzose dzaindiziva, dzinondinzvenga, Vose vandaida vandifuratira. |
| 20. | Pfupa rangu rinonamatira ganda rangu nenyama yangu, Ndasiyirwa ganda rameno angu. |
| 21. | Ndinzwirei tsitsi, ndinzwirei tsitsi, imi shamwari dzangu; Nokuti ruoko rwaMwari rwandibata. |
| 22. | Munonditambudzireiko saMwari, Musingaguti nenyama yangu? |
| 23. | Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa zvino, Haiwa, dai ainyorwa pabhuku. |
| 24. | Dai aitemwa nepeni yedare nomutobvu Aitemwa padombo nokusingaperi. |
| 25. | Asi ndinoziva kuti Mudzikunuri wangu mupenyu, Uye kuti pakupedzisira uchasimuka panyika; |
| 26. | Kunyange ganda rangu richinge raparadzwa saizvozvo, Kunyange zvakadaro ndichaona Mwari ndine nyama yangu. |
| 27. | Ndichamuona ari kurutivi rwangu; Meso angu achaona, asati ari omutorwa; Itsvo dzangu dzapera mukati mangu. |
| 28. | Kana muchiti, `Tichamutambudza sei!' Mudzi wemhosva zvauri mukati make! |
| 29. | Ityai munondo; Nokuti kutsamwa kucharohwa nomunondo, Kuti muzive kuti kutonga kuripo." |
| ← Job (19/42) → |