Job (19/42)  

1. Ipapo Jobho akapindura, akati,
2. "Muchatambudza mweya wangu kusvikira rinhiko, Nokundipwanya namashoko enyu here?
3. Makandituka zvino kagumi; Hamunyari zvamakanditsungirira.
4. Kana ndichinge ndatadza hangu, Kutadza kwangu kuchagara neni.
5. Kana imi muchida kwazvo kuzvikudza pamusoro pangu, Nokundipa mhosva muchiti ndakatukwa;
6. Zivai zvino kuti ndiye Mwari asina kundiruramisa, Akandikomberedza nomumbure wake;
7. Tarirai ndinochema ndichiti, `Ndakaitirwa zvakaipa!' Asi handinzwiki; Ndinochema kuti ndibatsirwe, asi handiruramisirwi.
8. Akadzivira nzira yangu, kuti ndirege kupfuura; Akaisa rima panzira dzangu.
9. Wakandibvisira kurumbidzwa kwangu, Nokunditorera korona yangu pamusoro wangu.
10. Akandiputsa kumativi ose, ndakaparadzwa; Akadzura tariro yangu somuti.
11. Akandimutsirawo kutsamwa kwake, Akati ndiri mumwe wavadzivisi vake.
12. Hondo dzake dzinondiunganira, dzinozvigadzirira nzira kurwa neni. Dzinokomberedza tende rangu nemisasa yadzo.
13. Akaisa hama dzangu kure neni, Vazikanwi vangu vava savatorwa chose kwandiri.
14. Hama dzangu dzandinyengera, Shamwari dzangu, dzaindiziva, dzakandikanganwa.
15. Vanogara mumba mangu, navarandakadzi vangu vanoti ndiri mubvakure; Vanondiona vachiti ndiri mweni.
16. Ndinodana muranda wangu, asi haandipinduri, Kunyange ndichimunyengetera nomuromo wangu.
17. Kufema kwangu kunosemesa mukadzi wangu, Ndinonyangadza vana vamai vangu.
18. Kunyange navana vaduku vanondishorawo; Kana ndichisimuka, vanondipopotera.
19. Shamwari dzangu dzose dzaindiziva, dzinondinzvenga, Vose vandaida vandifuratira.
20. Pfupa rangu rinonamatira ganda rangu nenyama yangu, Ndasiyirwa ganda rameno angu.
21. Ndinzwirei tsitsi, ndinzwirei tsitsi, imi shamwari dzangu; Nokuti ruoko rwaMwari rwandibata.
22. Munonditambudzireiko saMwari, Musingaguti nenyama yangu?
23. Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa zvino, Haiwa, dai ainyorwa pabhuku.
24. Dai aitemwa nepeni yedare nomutobvu Aitemwa padombo nokusingaperi.
25. Asi ndinoziva kuti Mudzikunuri wangu mupenyu, Uye kuti pakupedzisira uchasimuka panyika;
26. Kunyange ganda rangu richinge raparadzwa saizvozvo, Kunyange zvakadaro ndichaona Mwari ndine nyama yangu.
27. Ndichamuona ari kurutivi rwangu; Meso angu achaona, asati ari omutorwa; Itsvo dzangu dzapera mukati mangu.
28. Kana muchiti, `Tichamutambudza sei!' Mudzi wemhosva zvauri mukati make!
29. Ityai munondo; Nokuti kutsamwa kucharohwa nomunondo, Kuti muzive kuti kutonga kuripo."

  Job (19/42)