| ← Job (18/42) → |
| 1. | Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura, akati, |
| 2. | "Muchateyana namashoko kusvikira rinhiko? Chimbofungai henyu, tigotaurirana pashure. |
| 3. | Tinonzi mhuka neiko, Navanhu vasina kunaka pamberi penyu? |
| 4. | Iwe unozvibvarura nokutsamwa kwako, Nyika ingarashwa nokuda kwako kanhi? Kana dombo ringabviswa panzvimbo yaro here? |
| 5. | Zvirokwazvo, chiedza chavakaipa chichadzima, Murazvo womoto wake haungavhenekeri: |
| 6. | Chiedza chichasviba patende rake, Mwenje wake pamusoro pake uchadzima. |
| 7. | Nhambwe dzesimba rake dzichadzorwa, Namano ake achamuwisira pasi. |
| 8. | Nokuti anowisirwa mumumbure namakumbo ake amene, Anofamba pamusoro pezvakarukwa. |
| 9. | Rugombe ruchamubata chitsitsinho, Musungo uchamubatisa. |
| 10. | Anovanzirwa chishwe muvhu, Nomurau panzira. |
| 11. | Uchavhunduswa nezvinotyisa pamativi ose, Zvichamuteverera pedo-pedo. |
| 12. | Simba rake richarumwa nenzara. Njodzi ichamugarira parutivi rwake. |
| 13. | Ichapedza mitezo yomuviri wake, Dangwe rorufu richapedza mitezo yake. |
| 14. | Uchadzurwa patende rake raaivimba naro; Uchaiswa kuna mambo anotyisa. |
| 15. | Mutende rake munogara zvisati zviri zvake; Suriferi ichasaswa pamusoro peimba yake. |
| 16. | Midzi yake ichaoma pasi, Davi rake richatemwa kumusoro. |
| 17. | Haangazorangarirwi panyika; Zita rake haringazozikanwi panzira dzomumusha. |
| 18. | Achadzingwa pachiedza aende kurima; Achadzingwa abve panyika. |
| 19. | Haangavi nomwanakomana kana muzukuru pakati pavanhu vake, Kana mumwe akasara, paakanga agere ari mutorwa. |
| 20. | Vanogara kumavirazuva vachakanuka vachiona zuva rake, Vagere kumabvazuva vachabatwa nokubvunda. |
| 21. | Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita panogara vasina kururama, Ndiyo nzvimbo yousingazivi Mwari." |
| ← Job (18/42) → |