Job (17/42)  

1. Mweya wangu wapera, mazuva angu adzima, Hwiro hunondimirira.
2. Zvirokwazvo, vanondiseka vaneni; Ziso rangu rinoramba richiona kutsamwa kwavo.
3. Zvino ndipikirei, muve rubatso rwangu kwamuri; Ndianiko achabatana maoko neni?
4. Nokuti makavanzira moyo yavo kunzwisisa; Naizvozvo hamungavakudzi.
5. Iye, anokwirira shamwari dzake kuti dzitapwe, Meso avana vake achapera.
6. Iye akandiita shumo pakati pavanhu; Ndinosemwa pachena.
7. Ziso rangu harichaoni nemhaka yokuchema, Mitezo yangu yose yafanana nomumvuri.
8. Vanhu vakarurama vachakanuka nazvo, Asine mhaka achamukira vasingadi Mwari.
9. Kunyange zvakadaro wakarurama acharambira panzira yake, Uye ana maoko akanaka acharamba achisimba.
10. Asi imi mose dzokai, muuye zvino; Nokuti handingawani munhu akangwara pakati penyu.
11. Mazuva angu apfuura, zvandaivavarira zvakona, Iyo mifungo yomoyo wangu.
12. Vanoshandura usiku ave masikati; Vanoti, "Chiedza chiri pedo nerima."
13. Kana ndine tariro, Sheori ndiyo imba yangu; Ndakawadza nhovo yangu murima;
14. Ndakati kuhwiro, "Ndiwe baba vangu;" Nokuhonye, "Ndiwe mai vangu nehanzvadzi yangu;"
15. Zvino tariro yangu iripiko? Kana iri tariro yangu, ndianiko angaiona?
16. Ichaburukira kumazariro eSheori, Kana zororo yavapo paguruva.

  Job (17/42)