Job (16/42)  

1. Ipapo Jobho akapindura, akati,
2. Ndatonzwa hangu mashoko mazhinji akadai; Imi mose muri vanyaradzi pasina.
3. Ko mashoko asina maturo achapera here? Chinyiko chinokugombedzera kupindura?
4. Neniwo ndaigona kutaura semi; Kana mweya yenyu yaiva panzvimbo yomweya wangu, Ndaigonawo kubatanidza mashoko pamusoro penyu, Ndaikudzungudzirai musoro wangu.
5. Asi ndingadai ndaikusimbisai nomuromo wangu, Nokuvaraidza kwemiromo yangu kwaikuremudzai.
6. Kunyange ndichitaura hangu, kuchema kwangu hakuremudzwi; Kunyange ndikarega hangu, ndinotapudzirwa neiko?
7. Asi zvino iye andinetsa, Imi maparadza mhuri yangu yose.
8. Imi makandibata nesimba, ndizvo zvinondipupurira; Kuonda kwangu kunondimukira, Kunondipupurira zvakaipa pachena.
9. Iye akandibvarura pakutsamwa kwake, akandivenga; Akarumanya meno ake pamusoro pangu; Mudzivisi wangu anondiwetsera meso ake.
10. Vakandishamisira miromo yavo Vakandirova padama, vachindituka, Vanoungana kuzorwa neni.
11. Mwari anondiisa kuna vasakarurama; Anondikanda pamaoko avakaipa.
12. Ndakanga ndichizorora hangu, iye akandivhuna; Zvirokwazvo akandibata nomumutsipa, akandiputsanya; Akandiita chiposherwa chake.
13. Miseve yake inondikomba kumativi ose; Anopamura itsvo dzangu, asinganzwiri nyasha; Anodururira nduru yangu pasi.
14. Anondikoromora nokukoromora-koromora; Anomhanyira kwandiri semhare.
15. Ndakasonera masaga paganda rangu, Ndakaradzika runyanga rwangu muguruva.
16. Chiso changu chatsvuka nokuchema. Mumvuri worufu uri pamafungiro ameso angu.
17. Kunyange maoko angu asingadi hawo kuparadza, Nokunyengetera kwangu kwakanaka hako.
18. Iwe nyika, rega hako kufukidza ropa rangu; Kuchema kwangu ngakushaiwe nzvimbo yokuzorora.
19. Nazvino, tarirai, chapupu changu chiri kudenga, Iye, anondipupurira zvakanaka, ari kumusoro.
20. Shamwari dzangu dzinondishora, Asi ziso rangu rinodurura misodzi yangu pamberi paMwari.
21. Kuti aruramisire munhu pamberi paMwari, NoMwanakomana womunhu pamberi powokwake.
22. Nokuti kana makore mashoma apfuura, Ndichafamba nenzira yandisingazodzokizve nayo."

  Job (16/42)