Job (15/42)  

1. Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati,
2. "Ko munhu, ane njere, angapindura nenjere dzisina maturo Nokuzadza dumbu rake nemhepo inobva mabvazuva here?
3. Angaita nharo nokutaura zvisingabatsire, Kana mashoko aasingagoni kubata basa rakanaka nawo here?
4. Zvirokwazvo iwe unorasha kutya Mwari, Nokukanganisa vanoda kufunga Mwari.
5. Nokuti zvakaipa zvako zvinodzidzisa muromo wako, Unotsaura rurimi rwavanyengeri.
6. Muromo wako ndiwo unokupa mhosva, handizini. Zvirokwazvo miromo yako inokupupurira zvakaipa.
7. Ko ndiwe wakatanga kuzvarwa kanhi? Kana wakaberekwa makomo asati avapo here?
8. Iwe wakanzwa mano akavanzika aMwari kanhi? Ndiwe woga wakazviwanira njere kanhi?
9. Unozivei iwe zvatisingaziviwo isu? Unonzwisisei iwe zvisati zviri matiriwo?
10. Vakachena vhudzi navatana vakwegura kwazvo vanesu, Vakapfuura baba vako kwazvo pazero.
11. Ko kunyaradza kwaMwari hakukuringani here, Neshoko rinotaurwa nounyoro kwauri here,
12. moyo wako unokurashirei? Meso ako anobwaireiko?
13. Zvaunorwa naMwari nomweya wako, Uchitendera mashoko akadai kubuda pamuromo wako.
14. Munhu chinyiko? Angava akanaka sei? Naiye akazvarwa nomukadzi, angava akarurama sei?
15. Tarira, haatendi vatsvene vake; Zvirokwazvo, kudenga hakuna kunaka pamberi pake.
16. Ndoda munhu anosemesa, akaora, Munhu anonwa zvakaipa semvura.
17. Ndichakuratidza, chiteerera; Ndichakududzira zvandakaona.
18. (Zvakarehwa navanhu vakangwara Zvavakanzwa kumadzibaba avo, vasina kuzvivanza;
19. Ivo vakanga vapiwa nyika voga, Hakuna mutorwa akapinda pakati pavo;)
20. Munhu akaipa anotambudzika achirwadziwa mazuva ake ose, Iwo makore akatarirwa mumanikidzi.
21. inzwi rezvinotyisa riri munzeve dzake; Muparadzi achamusvikira akafara.
22. Haatendi kuti achadzokazve achibva parima, Anovandirwa nomunondo.
23. Unofamba-famba achitsvaka zvokudya, achiti, `Zviripiko?' Anoziva kuti zuva rerima riri pedo naye,
24. Njodzi nokutambudzika zvinomutyisa; Zvinomukunda, samambo akazvigadzirira kurwa.
25. Nokuti akatambanudzira ruoko rwake kuzorwa naMwari, Akazvikudza pamberi powaMasimbaose;
26. Anomhanyira kwaari anomutsipa mukukutu, Namakwande makobvu enhovo dzake.
27. Nokuti akafukidza chiso chake namafuta, Akaunganidza mafuta mazhinji pachiuno chake.
28. Akagara pamaguta akanga ava matongo, Padzimba dzisina kufanira kugarwa nomunhu, Dzaikarokushanduka matongo.
29. Iye haangavi mufumi, fuma yake haingagari, Nezvibereko zvazvo hazvingaremberi pasi.
30. Haangabvi parima; Murazvo womoto uchawomesa matavi ake, Uchabviswa nomweya womuromo waMwari.
31. Ngaarege kuvimba nezvisina maturo, achizvinyengera; Nokuti mubairo wake uchava zvisina maturo.
32. Zvichaitwa nguva yake isinokusvika, davi rake haringavi nyoro.
33. Achazuka mazambiringa ake agere kuibva somuzambiringa, Uchazuka maruva ake somuorivhi.
34. Nokuti ungano yavasingadi Mwari haingabereki, Moto uchapedza matende avafufuri.
35. Vane mimba yezvakashata, vanobereka zvakaipa, Dumbu ravo rinogadzira kunyengera."

  Job (15/42)