Job (14/42)  

1. Munhu akazvarwa nomukadzi anamazuva mashoma, azere nokutambudzika.
2. Anobuda seruva, ndokusvava; Anotizawo somumvuri, haagari.
3. Ko munotarira munhu akadai nameso enyu, Muchinditonga here?
4. Ndianiko angabudisa chinhu chakanaka pane chakaipa? Hakuna.
5. Mazuva ake zvaakatarwa, mwedzi yake yakaverengwa nemi, Makamutarira miganho yaasingatenderwi kudarika;
6. Regai kumucherekedza, azorore, Kusvikira apedza zuva rake somubatiri.
7. Nokuti kana muti uchinge watemwa, kune tariro kuti uchabudazve, Uye kuti davi rawo nyoro haringaperi.
8. Kunyange mudzi wawo ukakwegurira muvhu, Nehunde yawo ikafa pasi;
9. Kunyange zvakadaro uchabukira kana wanzwa kunhuwira kwemvura, Ndokubudisa matavi somuti muduku.
10. Asi munhu anofa, akaparara hake; Zvirokwazvo munhu anorega kufema, zvino aripiko?
11. Mvura inopera pagungwa, Uye rwizi runopera nokupwa;
12. Saizvozvo munhu anovata pasi, akasamukazve; Havazomukizve kusvikira denga rapera, Havangamutswi pahope dzavo.
13. Dai muchindivanza henyu paSheori, Muchindichengeta pakavanda, kusvikira hasha dzenyu dzapfuura, Munditemere nguva yakatarwa, yamungandirangarira nayo.
14. Kana munhu achinge afa, angararamazve here? Ndaimira hangu mazuva ose okutambudzika kwangu, Kusvikira kusunungurwa kwangu kuchisvika.
15. Maizodana, ini ndikakupindurai; Maishuva basa ramaoko enyu.
16. Asi zvino munoverenga nhambwe dzangu;
17. Kudarika kwangu kwakasungirwa muhombodo, Munosunga zvakaipa zvangu.
18. Gomo kana richiwa zvirokwazvo rinopfupfunyuka, Uye dombo rinobviswa panzvimbo yaro;
19. Mvura inochera mabwe; Kuyerera kwayo kunokukura guruva renyika;. Imi munoparadza tariro yomunhu.
20. Munomukunda nokusingaperi, iye akapfuura hake; Munoshandura chiso chake, ndokumudzinga.
21. Vana vake vanokudzwa iye asingazvizivi; Vanoderedzwa, asi iye haaoni vachiitirwa izvozvo.
22. Asi kana ari iye, nyama yake inorwadziwa, Mweya wake unochema mukati make.

  Job (14/42)