Job (13/42)  

1. Tarirai, ziso rangu rakaona izvi zvose, Nzeve yangu yakazvinzwa nokuzvinzwisisa.
2. Zvamunoziva imi, ndinozvizivawo; Handizi muduku kwamuri.
3. Zvirokwazvo, ndinoda kutaura nowaMasimbaose, Ndinoda kuzvidavira kuna Mwari.
4. Asi imi munofukidza zvose nenhema dzenyu, Imi mose muri n’anga dzisina maturo.
5. Haiwa! Dai muchinyarara mose! Ndiko kwaiva kungwara kwenyu!
6. Zvino chinzwai kuzvidavira kwangu, Teererai munzwe ndichizvirevera nemiromo yangu.
7. Munoda kurwira Mwari muchitaura zvisakarurama here? Nokureva zvinonyengera nokuda kwake here?
8. Munoda kuva nehanya naye here? Munoda kurwira Mwari kanhi?
9. Ko zvakanaka kana iye achikunzverai here? Imi mungamunyengera, sezvamunganyengera munhu here?
10. Zvirokwazvo iye achakutukai, Kana mukava nehanya pakavanda.
11. Ukuru hwake haungakutyisiyi here? Haangakutyisiyi zvikuru here?
12. Mashoko enyu enjere ishumo dzamadota, Nhare dzenyu inhare dzevhu.
13. Nyararai, ndiregei nditaure, Ndiwirwe hangu nezvandingawirwa nazvo.
14. Ndicharumireiko nyama yangu nameno angu, Nokubata upenyu hwangu muruoko rwangu?
15. Kunyange akandiuraya hake, ndichamumirira hangu; Kunyange zvakadaro ndichazvidavirira hangu pamberi pake pamusoro pomufambiro wangu.
16. Ndirwowo ruchava ruponeso rwangu, Kuti munhu asingatendi Mwari haangasviki pamberi pake.
17. Inzwai zvakanaka kutaura kwangu, Kuparidza kwangu kupinde nzeve dzenyu.
18. Tarirai zvino, ndarongedza mhaka yangu; Ndinoziva kuti ndicharuramisirwa.
19. Ndianiko achaita nharo neni? Nokuti zvino ndinganyarara hangu, ndikafa.
20. Asi regai henyu kundiitira zvinhu zviviri, Ipapo handingavandi pamberi penyu;
21. Bvisai ruoko rwenyu kure neni; Kutyisa kwenyu kurege kundivhundusa.
22. Ipapo mudane imi, ini ndichapindura; Kana ini nditaure hangu, imi mundipindure.
23. Zvakaipa zvangu nezvivi zvangu zvinganiko? Ndizivisei kudarika kwangu nechivi changu.
24. Munovanzireiko chiso chenyu, Muchiti ndiri muvengi wenyu?
25. Munoda kuvhundusa shizha rinopepereswa here? Munoda kudzingana namakoto akaoma here?
26. Munotonga zvinhu zvinovava pamusoro pangu, Munondidyisa nhaka yezvakaipa Zvujaya hwangu;
27. Munomana makumbo angu mumatanda, nokucherekedza nzira dzangu dzose; Munotarira tsoka dzamakumbo angu muganhu;
28. Kunyange ndakafanana nechinhu chakaora chinopera, Senguvo yapedzwa nezvivhundudzi.

  Job (13/42)