Job (12/42)  

1. Ipapo Jobho akapindura, akati,
2. "Zvirokwazvo, imi muri vanhu vakangwara, Kungwara kuchafa pamwechete nemi."
3. Asi ini ndine njerewo semi; Handizi muduku kwamuri, Zvirokwazvo, ndianiko asingazivi zvinhu zvakadai?
4. Ndakafanana nomunhu anosekwa nowaanogara naye, Munhu akadana kuna Mwari, iye akamupindura; Munhu wakarurama, akakwana, ndiye wosekwa.
5. Munhu anogara akafara hake anoshora pamifungo yake munhu uri panjodzi. Kushorwa kunogarira vanhu vanotedzemuka norutsoka rwavo.
6. Matende amakororo anofara hawo, Avo vanotsamwisa Mwari vanogara havo zvakanaka; Ivo vanozadzirwa ruoko rwavo naMwari.
7. Asi bvunzai henyu zvino mhuka, dzichakudzidzisai Neshiri dzokudenga, dzichakuudzai;
8. Kana taurai henyu nenyika, ichakudzidzisai; Nehove dzegungwa dzichakuparidzirai.
9. Ndianiko asingazivi pazvinhu izvi zvose, Kuti ndirwo ruoko rwaJehovha rwakaita izvi zvose?
10. Mweya wezvipenyu zvose uri muruoko rwake, Nokufema kwavanhu vose.
11. Ko nzeve haiidzi mashoko, Somukanwa unoravira zvokudya here?
12. Vatana ndivo vakangwara, Vana mazuva mazhinji ndivo vanonzwisisa.
13. Iye ndiye anokungwara nesimba, Ndiye anamano nokunzwisisa.
14. Tarirai, iye anokoromora, hazvingavakwizve; Iye anopfigira munhu, haangazozarurirwi.
15. Tarirai, iye anodzivisa mvura, ndokupwa kwayo; Uye anoitumazve, ndokushandura kwayo nyika.
16. Iye ane simba nokungwara kukuru; Akanyengerwa nounonyengera ndavake vose.
17. Unokanganisa mano amanevanje, Vatongi anovaita mapenzi.
18. Anosunungura simba ramadzimambo, Ndokusunga zviuno zvavo negwarada.
19. Anotorera vapirisiti ukuru hwavo, Nokukunda vane simba.
20. Anotorera vakatenda mashoko avo, Nokubvisira vakuru kunzwisisa
21. Anodurura kushoora kwake pamusoro pamachinda, Nokusunungura bhanhire ravane simba.
22. Anofukura zvinhu zvakadzika parima, Anobudisira kuchiedza mumvuri worufu.
23. Anowanza ndudzi, ndokudziparadza, Anoparadzira ndudzi kwose, ndokudzitapa.
24. Anobvisa kunzwisisa kwavakuru vavanhu venyika, Anovadzungairisa murenje musine nzira.
25. Vanotsvangadzira murima vasina chiedza, Anovadzengedzekesa somunhu akabatwa.

  Job (12/42)