Job (11/42)  

1. Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati,
2. "Ko mashoko mazhinji akadai haangapindurwi here? Munhu anoshoshoma angaruramisirwa here?"
3. Manyawi ako angafanira kunyaradza vanhu here? Kana uchidadira, hakuna ungakunyadza here?
4. Nokuti iwe unoti, "Zvandinoparidza ndezvazvokwadi, Ndakachena pamberi penyu."
5. Asi, haiwa! Dai Mwari hake achitaura, Ashamise miromo yake pamusoro pako;
6. Akuratidze zvakavanzwa zvokungwara, Kuti kuna mativi mazhinji. Uzive naizvozvo kuti Mwari anokanganwira zvimwe zvakaipa zvako.
7. Unganzwisisa zvakadzika zvaMwari here? Ungakwanisa kunzwisisa iye waMasimbaose here?
8. Zvakakwirira sokudenga; iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura hwiro; iwe ungaziveiko?
9. Kureba kwazvo kunopfuura nyika, Uye upamhi hwazvo hunopfuura gungwa.
10. Kana iye akapfuura, akapfigira mitomgo, Akakokera vanhu kukutongwa, ndiani angamudzivisa?
11. Nokuti iye anoziva vanhu venhema; Anoonawo zvakaipa, kunyange asingazvifungi.
12. Asi munhu asakachenjera anoshaiwa kunzwisisa, Zvirokwazvo, munhu anozvarwa semhuru yembizi.
13. Kana iwe ukaruramisa moyo wako, Ukatambanudzira maoko ako kwaari;
14. Kana zvakaipa zviri muruoko rwako, uzviise kure, Kusarurama ngakurege kugara mumatende ako;
15. Zvirokwazvo ipapo ungasimudza chiso chako, usine gwapa, Zvirokwazvo, uchasimba, usingatyi, chinhu.
16. Nokuti uchakanganwa njodzi yako, Uchairangarira semvura yapfuura;
17. Upenyu hwako huchavara kupfuura masikati makuru; Kunyange kune rima, kuchava samangwanani.
18. Iwe uchasimba pamoyo, nokuti tariro ichavapo; Zvirokwazvo, ucharingaringa ndokuzorora hako wakachengetwa.
19. Uchavata hako pasi, hakuna angakutyisa; Zvirokwazvo, vazhinji vachatsvaka kukufadza.
20. Asi meso avakaipa achapera nokutarira, Vachashaiwa pokutizirapo, Tariro yavo ichava yokufa.

  Job (11/42)