| ← Job (11/42) → |
| 1. | Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati, |
| 2. | "Ko mashoko mazhinji akadai haangapindurwi here? Munhu anoshoshoma angaruramisirwa here?" |
| 3. | Manyawi ako angafanira kunyaradza vanhu here? Kana uchidadira, hakuna ungakunyadza here? |
| 4. | Nokuti iwe unoti, "Zvandinoparidza ndezvazvokwadi, Ndakachena pamberi penyu." |
| 5. | Asi, haiwa! Dai Mwari hake achitaura, Ashamise miromo yake pamusoro pako; |
| 6. | Akuratidze zvakavanzwa zvokungwara, Kuti kuna mativi mazhinji. Uzive naizvozvo kuti Mwari anokanganwira zvimwe zvakaipa zvako. |
| 7. | Unganzwisisa zvakadzika zvaMwari here? Ungakwanisa kunzwisisa iye waMasimbaose here? |
| 8. | Zvakakwirira sokudenga; iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura hwiro; iwe ungaziveiko? |
| 9. | Kureba kwazvo kunopfuura nyika, Uye upamhi hwazvo hunopfuura gungwa. |
| 10. | Kana iye akapfuura, akapfigira mitomgo, Akakokera vanhu kukutongwa, ndiani angamudzivisa? |
| 11. | Nokuti iye anoziva vanhu venhema; Anoonawo zvakaipa, kunyange asingazvifungi. |
| 12. | Asi munhu asakachenjera anoshaiwa kunzwisisa, Zvirokwazvo, munhu anozvarwa semhuru yembizi. |
| 13. | Kana iwe ukaruramisa moyo wako, Ukatambanudzira maoko ako kwaari; |
| 14. | Kana zvakaipa zviri muruoko rwako, uzviise kure, Kusarurama ngakurege kugara mumatende ako; |
| 15. | Zvirokwazvo ipapo ungasimudza chiso chako, usine gwapa, Zvirokwazvo, uchasimba, usingatyi, chinhu. |
| 16. | Nokuti uchakanganwa njodzi yako, Uchairangarira semvura yapfuura; |
| 17. | Upenyu hwako huchavara kupfuura masikati makuru; Kunyange kune rima, kuchava samangwanani. |
| 18. | Iwe uchasimba pamoyo, nokuti tariro ichavapo; Zvirokwazvo, ucharingaringa ndokuzorora hako wakachengetwa. |
| 19. | Uchavata hako pasi, hakuna angakutyisa; Zvirokwazvo, vazhinji vachatsvaka kukufadza. |
| 20. | Asi meso avakaipa achapera nokutarira, Vachashaiwa pokutizirapo, Tariro yavo ichava yokufa. |
| ← Job (11/42) → |