| ← Job (10/42) → |
| 1. | moyo wangu waneta noupenyu hwangu; Handingazvidzori pakunyunyuta kwangu; Ndichataura neshungu dzomoyo wangu. |
| 2. | Ndichati kuna Mwari, "Musandipa mhosva." Ndiratidzei kuti munorwa neni nemhaka yeiko? |
| 3. | Zvinokufadzai here kumanikidza, Nokuzvidza basa ramaoko enyu, Muchivhenekera kurangana kwavakaipa here? |
| 4. | Munameso enyama here, Kana munoona somunhu here? |
| 5. | Mazuva enyu akafanana namazuva omunhu here, Kana makore enyu namakore omunhu here? |
| 6. | Zvamunobvunza zvakaipa zvangu, Nokunzvera zvivi zvangu, |
| 7. | Kunyange muchiziva kuti handizi wakaipa; Uye kuti hakuna anogona kurwira paruoko rwenyu here? |
| 8. | Maoko enyu akandiita nokundiumba, Nhivi dzangu dzose; kunyange zvakadaro moda kundiparadza. |
| 9. | Rangarirai, ndizvo zvandinokumbira, kuti makandiumba sevhu; Zvino muchandidzosera kuguruva here? |
| 10. | Hamuna kundidurura somukaka here, Nokundikodza somukaka wakafa? |
| 11. | Makandifadza nenganda nenyama, Mukandisunganidza namapfupa namarunda. |
| 12. | Makandipa upenyu netsitsi, Hanya dzenyu dzakachengeta mweya wangu. |
| 13. | Asi makavanza zvinhu izvi mumoyo menyu; Ndinoziva kuti chinhu ichi chaiva nemi kare. |
| 14. | Kana ndikatadza munondicherekedza, Hamudi kundikanganwira kudarika kwangu. |
| 15. | Kana ndiri wakaipa, ndine nhamo; Kana ndiri wakarurama, kunyange zvakadaro handingasimudzi musoro wangu; Zvandizere nokunyadzwa Ndichangotarira kutambudzika kwangu. |
| 16. | Kana ndikazvikudza, munondironda seshumba; Munopamhazve kundishamisa nesimba renyu. |
| 17. | Munowedzera zvapupu zvenyu kuzorwa neni, Nokuwanza kutsamwa kwenyu pamusoro pangu; Kushanduka nehondo zvineni. |
| 18. | Makandibudisireiko pachizvaro chamai? Ndingadai ndaifira hangumo, ndisati ndaonekwa neziso romunhu. |
| 19. | Ndaiita hangu sendisina kuvapo; Ndaitakurirwa kuhwiro ndichibva pachizvaro chamai. |
| 20. | Ko mazuva angu haazi mashoma here? Zvino gumai, Ndiregei henyu, kuti ndizorore zvishoma, |
| 21. | Ndisati ndaenda kwandisingazodzoki, Kunyika yerima nomumvuri worufu; |
| 22. | Iyo nyika yerima guru, rima chairo; Nyika yomumvuri worufu, panokukanganiswa, Ipapo chiedza chakafanana nerima. |
| ← Job (10/42) → |