Job (10/42)  

1. moyo wangu waneta noupenyu hwangu; Handingazvidzori pakunyunyuta kwangu; Ndichataura neshungu dzomoyo wangu.
2. Ndichati kuna Mwari, "Musandipa mhosva." Ndiratidzei kuti munorwa neni nemhaka yeiko?
3. Zvinokufadzai here kumanikidza, Nokuzvidza basa ramaoko enyu, Muchivhenekera kurangana kwavakaipa here?
4. Munameso enyama here, Kana munoona somunhu here?
5. Mazuva enyu akafanana namazuva omunhu here, Kana makore enyu namakore omunhu here?
6. Zvamunobvunza zvakaipa zvangu, Nokunzvera zvivi zvangu,
7. Kunyange muchiziva kuti handizi wakaipa; Uye kuti hakuna anogona kurwira paruoko rwenyu here?
8. Maoko enyu akandiita nokundiumba, Nhivi dzangu dzose; kunyange zvakadaro moda kundiparadza.
9. Rangarirai, ndizvo zvandinokumbira, kuti makandiumba sevhu; Zvino muchandidzosera kuguruva here?
10. Hamuna kundidurura somukaka here, Nokundikodza somukaka wakafa?
11. Makandifadza nenganda nenyama, Mukandisunganidza namapfupa namarunda.
12. Makandipa upenyu netsitsi, Hanya dzenyu dzakachengeta mweya wangu.
13. Asi makavanza zvinhu izvi mumoyo menyu; Ndinoziva kuti chinhu ichi chaiva nemi kare.
14. Kana ndikatadza munondicherekedza, Hamudi kundikanganwira kudarika kwangu.
15. Kana ndiri wakaipa, ndine nhamo; Kana ndiri wakarurama, kunyange zvakadaro handingasimudzi musoro wangu; Zvandizere nokunyadzwa Ndichangotarira kutambudzika kwangu.
16. Kana ndikazvikudza, munondironda seshumba; Munopamhazve kundishamisa nesimba renyu.
17. Munowedzera zvapupu zvenyu kuzorwa neni, Nokuwanza kutsamwa kwenyu pamusoro pangu; Kushanduka nehondo zvineni.
18. Makandibudisireiko pachizvaro chamai? Ndingadai ndaifira hangumo, ndisati ndaonekwa neziso romunhu.
19. Ndaiita hangu sendisina kuvapo; Ndaitakurirwa kuhwiro ndichibva pachizvaro chamai.
20. Ko mazuva angu haazi mashoma here? Zvino gumai, Ndiregei henyu, kuti ndizorore zvishoma,
21. Ndisati ndaenda kwandisingazodzoki, Kunyika yerima nomumvuri worufu;
22. Iyo nyika yerima guru, rima chairo; Nyika yomumvuri worufu, panokukanganiswa, Ipapo chiedza chakafanana nerima.

  Job (10/42)