Jeremiah (9/52)  

1. Haiwa, dai musoro wangu waiva nemvura zhinji, nameso angu riri tsime remisodzi, ndingadai ndaichema masikati novusiku nokuda kwavakaurawa vomukunda wavanhu vangu!
2. Haiwa, dai ndaiva nedumba rinosigarwa navafambi murenje, ndingadai ndaisiya vanhu vangu, ndikabva kwavari! Nokuti vose imhombwe, iungano yavanhu vanonyengera.
3. "Vanokunga marimi avo, sezvavanoita huta hwavo, kuzoreva nhema; vasimba panyika, asi havaiti nezvokwadi; nokuti vanoramba vachingoita zvakaipa, havandizivi," ndizvo zvinotaura Jehovha.
4. Mumwe nomumwe ngaachenjerere wokwake, murege kutenda hama ipi neipi; nokuti hama imwe neimwe ichanyengera, nowokwake mumwe nomumwe uchapota-pota ana makuhwa.
5. Mumwe nomumwe uchanyengera wokwake, haangarevi zvokwadi; vakadzidzisa marimi avo kureva nhema, vanozvinetsa nokuita zvakaipa.
6. "Hugaro hwenyu huri pakati pokunyengera; vanoramba kundiziva nokunyengera kwavo," ndizvo zvinotaura Jehovha.
7. Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, "Tarirai, ndichanyausa nokuvaidza; nokuti ndingaita seiko pamusoro pomukunda wavanhu vangu?
8. Marimi avo miseve inouraya, anoreva zvinonyengera; munhu unoreva zvorugare kuno wokwake nomuromo wake, asi mumoyo make unovandira.
9. Ko handingavarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko mweya wangu haungatsihwi parudzi rwakadai here?"
10. "Ndichachema nokuwungudza pamusoro pamakomo, ndichachema pamusoro pamafuro amarenje, nokuti zvatsva, hakuna unopfuura napo; vanhu havagoni kunzwa inzwi rezvipfuwo; shiri dzokudenga nemhuka dzose zvatiza, zvaenda hazvo.
11. Ndichaita Jerusaremu mirwi yamabwe, panogara makava; namaguta aJudha ndichaaita matongo, asina unogaramo."
12. Munhu wakachenjera, unonzwisisa izvozvi, ndianiko? Muromo waJehovha wakataura naniko, kuti aparidze izvozvi? Nyika yakapedzwa nokupiswa serenje neiko, pasina unopfuura napo?
13. Jehovha wakati, "Zvavakarasha murayiro wangu wandakaisa pamberi pavo, vakasateerera inzwi rangu, nokufamba nazvo,
14. asi vakatevera hukukutu hwemoyo yavo navaBhaari, izvo zvavakadzidziswa namadzibaba avo;
15. naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Tarirai, ndichadyisa vanhu ava gavakava, nokuvanwisa mvura yenduru.
16. Ndichavaparadzirawo pakati pamarudzi, avakanga vasingazivi ivo kunyange namadzibaba avo; ndichatuma munondo uvatevere, kusvikira ndavapedza.' "
17. Zvanzi naJehovha wehondo, "Rangarirai imi, mudane vakadzi vangachema, vauye; tumai mudane vakadzi mhizha, vauye;
18. ngavakurumidze vacheme pamusoro pedu, kuti meso edu ayerere misodzi, namafungiro edu adurure mvura."
19. Nokuti inzwi rokuchema rinonzwika richibva Ziyoni, richiti, "Haiwa, takaparadzwa seiko! Takanyadziswa kwazvo, nokuti tabva panyika yedu nokuti vakakoromora dzimba dzedu dzataigara."
20. Asi inzwai shoko raJehovha, "Imi vakadzi nzeve dzenyu ngadzinzwe shoko romuromo wake; dzidzisai vakunda venyu kuchema, mumwe nomumwe adzidzise wokwake kuwungudza.
21. "Nokuti rufu rwakakwira pamahhwindo edu, rwakapinda mudzimba dzamadzimambo edu, kuti rupedze vana vari kunze, namajaya ari panzira dzomuguta."
22. Taura, uti, "Zvanzi naJehovha, `Zvitunha zvavanhu zvichawira pasi somupfudze kubundo, setsama yehura dzinosiyiwa nomucheki, dzisina unodziunganidza.' "
23. Zvanzi naJehovha, "Munhu wakachenjera ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pohuchenjeri hwake, nomunhu wesimba ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pesimba rake, nomunhu wakafuma ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pefuma yake;
24. asi unozvirumbidza, ngaazvirumbidze pamusoro pechinhu ichi, kuti unondinzwisisa nokundiziva ini, kuti ndini Jehovha, unoita hunyoro nokururamisira, nokururama panyika; nokuti ndinofarira zvinhu izvi" ndizvo zvinotaura Jehovha.
25. "Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha mazuva anouya, andicharova vose vakadzingiswa pakati pokusadzingiswa kwavo;
26. vanoti, Ijipiti, naJudha, naEdhomu, navana vaAmoni, naMoabhu, navose vakaveurwa vhudzi ravo kumativi, vanogara kurenje; nokuti marudzi ose haana kudzingiswa, uye vose veimba yaIsiraeri havana kudzingiswa pamoyo yavo."

  Jeremiah (9/52)