| ← Jeremiah (7/52) → |
| 1. | Shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti, |
| 2. | "Mira pasuo reimba yaJehovha, uparidzirepo shoko iri, uti, `Inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha mose munopinda napamusuo awa kuzonamata Jehovha.' |
| 3. | "Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Ruramisai nzira dzenyu nezvamunoita, ndigokugarisai panzvimbo ino.' |
| 4. | Musavimba namashoko enhema, `Izvezvi itemberi yaJehovha, temberi yaJehovha, temberi yaJehovha.' |
| 5. | "Nokuti kana mukaruramisa kwazvo nzira dzenyu nezvamunoita, kana muchiita zvakarurama munhu mumwe nomumwe kunowokwake. |
| 6. | "Kana musingamanikidzi mutorwa, nenherera, nechirikadzi, mukasateura ropa risina mhosva panzvimbo ino, nokusatevera vamwe vamwari, vanokuisai panjodzi; |
| 7. | ipapo ndichakugarisai panzvimbo ino, panyika yandakapa madzibaba enyu, kubvira panguva yakare kusvikira nokusingaperi. |
| 8. | "Tarirai, munovimba namashoko enhema, asingagoni kubatsira. |
| 9. | Mungaba, nokuuraya, nokuita hupombwe, nokupika nhema, nokupisira Bhaari zvinonhuwira, nokutevera vamwe vapirwa vamakanga musingazivi, |
| 10. | ndokuzouya momira pamberi pangu muimba ino, panodanwa zita rangu, muchiti, `Tasunungurwa;' kuti mugoita izvi zvose zvinonyangadza here? |
| 11. | Ko imba ino panodanwa zita rangu rava bako ramakororo pamberi penyu here? Tarirai, ini, ini ndimene ndaona izvozvo ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 12. | Asi zvino endai kunzvimbo yangu yaiva paShiro, pandakagarisa zita rangu pakutanga, muone zvandakaiitira nokuda kwezvakaipa zvavanhu vangu Isiraeri. |
| 13. | Zvino, zvamakaita mabasa awa ose ndizvo zvinotaura Jehovha ini ndikataura nemi, ndichifumira mangwanani ndichitaura, imi mukasanzwa, ndikakudanai, mukasapindura. |
| 14. | "Naizvozvo ndichaitira imba panodanwa zita rangu, yamunovimba nayo, nenzvimbo yandakakupai imi namadzibaba enyu, sezvandakaitira Shiro. |
| 15. | Ndichakurashirai kure neni, sezvandakarasha hama dzenyu dzose, irwo rudzi rwose rwaEfuremu." |
| 16. | "Naizvozvo iwe chirega kunyengeterera vanhu ava, usadanidzira nokunyengetera nokuda kwavo, kana kuvakumbira kwandiri; nokuti handingakunzwi. |
| 17. | Hauoni here zvavanoita mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu here? |
| 18. | Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, vakadzi vanokanya hupfu kuti vabikire vahosi vokudenga zvingwa, uye kuti vadirire vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa, kuti vanditsamwise. |
| 19. | Vanonditsamwisa here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; havazinozvinetsa havo, vachingozvinyadzisa havo? |
| 20. | Saka zvanzi naJehovha Mwari, `Tarirai, kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa panzvimbo ino, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiti yokubundo, napamusoro pezvibereko zvenyika; zvichapfuta, zvisingadzimwi.' " |
| 21. | Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, "Wedzerai zvipiriso zvenyu zvinopiswa pazvibayiro zvenyu, mudye nyama yazvo. |
| 22. | Nokuti handina kutaura namadzibaba enyu, kana kuvaraira panguva yandakavabudisa panyika yeIjipiti pamusoro pezvipiriso zvinopiswa kana zvibayiro; |
| 23. | asi ndakavaraira chinhu ichi, ndichiti, `teererai inzwi rangu, ndigova Mwari wenyu, nemi muchaba vanhu vangu; mufambe nenzira yose yandichakurairai, mugova nomufaro.' |
| 24. | Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakafamba nokurangarira kwavo nohukukutu hwemoyo yavo vakadzokera sure havana kupfuura mberi. |
| 25. | Kubvira pazuva rokubuda kwamadzibaba enyu munyika yeIjipiti, kusvikira pazuva ranhasi, ndakakutumirai varanda vangu vose vaporofita, ndichifumira mangwanani zuva rimwe nerimwe ndichivatuma; |
| 26. | kunyange zvakadaro, havana kunditeerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakaomesa mitsipa yavo; vakaita zvakaipa kukunda madzibaba avo. |
| 27. | "Zvino iwe unofanira kuvataurira mashoko awa ose; asi havangakuteereri; unofanira kudanawo kwavari, asi havangakupinduri. |
| 28. | Zvino iwe uti kwavari, `Urwu ndirwo rudzi rusinganzwi shoko raJehovha Mwari wavo, kana kutenda kurangwa; kutendeka kwapera, kwabva chose pamiromo yavo.' |
| 29. | "Vevura hukomba hwako, iwe Jerusaremu, uhurashire kure; undochema pazvikomo zvisina miti, nokuti Jehovha wakarasha nokusiya rudzi rwaakatsamwira. |
| 30. | "Nokuti vana vaJudha vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakaisa zvinonyangadza zvavo muimba pakadanwa zita rangu, kuti vaisvibise ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 31. | Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, dziri mumupata womwanakomana waHinomi, kuti vapise vanakomana navanasikana vavo mumoto, zviri zvinhu zvandisina kuvaraira, kana kufunga mumoyo mangu. |
| 32. | Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarirai, mazuva anouya, avasingazopaidzi Tofeti, kana mupata womwanakomana waHinomi, asi Mupata wokuuraya; nokuti vachaviga vakafa paTofeti, nokuti kuchashaikwa imwe nzvimbo.' |
| 33. | Mitumbu yavanhu ava zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvezvikara zvenyika; hakuna uchazvidzinga. |
| 34. | Ipapo ndichagumisa pamaguta aJudha napanzira dzomuJerusaremu inzwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romwenga; nokuti nyika ichava dongo. |
| ← Jeremiah (7/52) → |