Jeremiah (7/52)  

1. Shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
2. "Mira pasuo reimba yaJehovha, uparidzirepo shoko iri, uti, `Inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha mose munopinda napamusuo awa kuzonamata Jehovha.'
3. "Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Ruramisai nzira dzenyu nezvamunoita, ndigokugarisai panzvimbo ino.'
4. Musavimba namashoko enhema, `Izvezvi itemberi yaJehovha, temberi yaJehovha, temberi yaJehovha.'
5. "Nokuti kana mukaruramisa kwazvo nzira dzenyu nezvamunoita, kana muchiita zvakarurama munhu mumwe nomumwe kunowokwake.
6. "Kana musingamanikidzi mutorwa, nenherera, nechirikadzi, mukasateura ropa risina mhosva panzvimbo ino, nokusatevera vamwe vamwari, vanokuisai panjodzi;
7. ipapo ndichakugarisai panzvimbo ino, panyika yandakapa madzibaba enyu, kubvira panguva yakare kusvikira nokusingaperi.
8. "Tarirai, munovimba namashoko enhema, asingagoni kubatsira.
9. Mungaba, nokuuraya, nokuita hupombwe, nokupika nhema, nokupisira Bhaari zvinonhuwira, nokutevera vamwe vapirwa vamakanga musingazivi,
10. ndokuzouya momira pamberi pangu muimba ino, panodanwa zita rangu, muchiti, `Tasunungurwa;' kuti mugoita izvi zvose zvinonyangadza here?
11. Ko imba ino panodanwa zita rangu rava bako ramakororo pamberi penyu here? Tarirai, ini, ini ndimene ndaona izvozvo ndizvo zvinotaura Jehovha.
12. Asi zvino endai kunzvimbo yangu yaiva paShiro, pandakagarisa zita rangu pakutanga, muone zvandakaiitira nokuda kwezvakaipa zvavanhu vangu Isiraeri.
13. Zvino, zvamakaita mabasa awa ose ndizvo zvinotaura Jehovha ini ndikataura nemi, ndichifumira mangwanani ndichitaura, imi mukasanzwa, ndikakudanai, mukasapindura.
14. "Naizvozvo ndichaitira imba panodanwa zita rangu, yamunovimba nayo, nenzvimbo yandakakupai imi namadzibaba enyu, sezvandakaitira Shiro.
15. Ndichakurashirai kure neni, sezvandakarasha hama dzenyu dzose, irwo rudzi rwose rwaEfuremu."
16. "Naizvozvo iwe chirega kunyengeterera vanhu ava, usadanidzira nokunyengetera nokuda kwavo, kana kuvakumbira kwandiri; nokuti handingakunzwi.
17. Hauoni here zvavanoita mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu here?
18. Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, vakadzi vanokanya hupfu kuti vabikire vahosi vokudenga zvingwa, uye kuti vadirire vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa, kuti vanditsamwise.
19. Vanonditsamwisa here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; havazinozvinetsa havo, vachingozvinyadzisa havo?
20. Saka zvanzi naJehovha Mwari, `Tarirai, kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa panzvimbo ino, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiti yokubundo, napamusoro pezvibereko zvenyika; zvichapfuta, zvisingadzimwi.' "
21. Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, "Wedzerai zvipiriso zvenyu zvinopiswa pazvibayiro zvenyu, mudye nyama yazvo.
22. Nokuti handina kutaura namadzibaba enyu, kana kuvaraira panguva yandakavabudisa panyika yeIjipiti pamusoro pezvipiriso zvinopiswa kana zvibayiro;
23. asi ndakavaraira chinhu ichi, ndichiti, `teererai inzwi rangu, ndigova Mwari wenyu, nemi muchaba vanhu vangu; mufambe nenzira yose yandichakurairai, mugova nomufaro.'
24. Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakafamba nokurangarira kwavo nohukukutu hwemoyo yavo vakadzokera sure havana kupfuura mberi.
25. Kubvira pazuva rokubuda kwamadzibaba enyu munyika yeIjipiti, kusvikira pazuva ranhasi, ndakakutumirai varanda vangu vose vaporofita, ndichifumira mangwanani zuva rimwe nerimwe ndichivatuma;
26. kunyange zvakadaro, havana kunditeerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakaomesa mitsipa yavo; vakaita zvakaipa kukunda madzibaba avo.
27. "Zvino iwe unofanira kuvataurira mashoko awa ose; asi havangakuteereri; unofanira kudanawo kwavari, asi havangakupinduri.
28. Zvino iwe uti kwavari, `Urwu ndirwo rudzi rusinganzwi shoko raJehovha Mwari wavo, kana kutenda kurangwa; kutendeka kwapera, kwabva chose pamiromo yavo.'
29. "Vevura hukomba hwako, iwe Jerusaremu, uhurashire kure; undochema pazvikomo zvisina miti, nokuti Jehovha wakarasha nokusiya rudzi rwaakatsamwira.
30. "Nokuti vana vaJudha vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakaisa zvinonyangadza zvavo muimba pakadanwa zita rangu, kuti vaisvibise ndizvo zvinotaura Jehovha.
31. Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, dziri mumupata womwanakomana waHinomi, kuti vapise vanakomana navanasikana vavo mumoto, zviri zvinhu zvandisina kuvaraira, kana kufunga mumoyo mangu.
32. Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarirai, mazuva anouya, avasingazopaidzi Tofeti, kana mupata womwanakomana waHinomi, asi Mupata wokuuraya; nokuti vachaviga vakafa paTofeti, nokuti kuchashaikwa imwe nzvimbo.'
33. Mitumbu yavanhu ava zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvezvikara zvenyika; hakuna uchazvidzinga.
34. Ipapo ndichagumisa pamaguta aJudha napanzira dzomuJerusaremu inzwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romwenga; nokuti nyika ichava dongo.

  Jeremiah (7/52)