Jeremiah (6/52)  

1. Tizai, imi vana vaBhenjamini, ibvai pakati peJerusaremu, muridze hwamanda paTekoa, mumutse chiratidzo paBheterehemu; nokuti zvakaipa zvinovavarira zviri kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru.
2. Ndichabvisa mukunda weZiyoni, iye wakanaka, unovunengwe.
3. Vafudzi vachaenda kwariri vana mapoka avo; vacharidzikira matende avo kumativi ose, mumwe nomumwe uchafura panzvimbo yake.
4. "Zvigadzirei kundorwa naro; simukai, tiende masikati. Tine nhamo, nokuti zuva rovira, nokuti mimvuri yamadekwana yareba.
5. "Simukai, tiende vusiku, tindoparadza dzimba dzamadzimambo aro."
6. Nokuti zvakanzi naJehovha wehondo, "Temai miti, mututire Jerusaremu murwi wokurwa nawo; ndiro guta rinofanira kurohwa, mukati maro munongova nokumanikidza bedzi.
7. Tsime sezvarinobudisa mvura yaro, saizvozvo rinobudisa zvakaipa zvaro; kuita nesimba nokuparadza ndizvo zvinonzwikwa mukati maro, pamberi pangu panongova nokurwara namavanga nguva dzose.
8. Tenda kurangwa, iwe Jerusaremu, kuti mweya wangu urege kuparadzana newe, ndirege kukuita dongo, nyika isingagari vanhu."
9. Zvanzi naJehovha wehondo, "Vachatanha chose zvakasara zvaIsiraeri, somuzambiringa; dzoseraizve ruoko rwenyu mumatengu, sezvinoita mutanhi wemizambiringa."
10. Ndichataura nani nokuvapupurira vanzwe? Tarirai, nzeve dzavo hadzina kudzingiswa, havagoni kunzwa; tarirai, shoko raJehovha rava kwavari chinhu chinodadirwa, havarifariri.
11. Naizvozvo ndizere nokutsamwa kwaJehovha, ndaneta kuzvidzora; "Chikudururai pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro peungano yamajaya; nokuti murume nomukadzi vachabatwa pamwe chete nowava namazuva mazhinji.
12. Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, minda yavo pamwechete navakadzi vavo; nokuti ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika," ndizvo zvinotaura Jehovha.
13. Nokuti kubva kuvaduku pakati pavo kusvikira kuvakuru pakati pavo mumwe nomumwe unokarira fuma; uye kubva kuvaporofita kusvikira kuvapirisiti mumwe nomumwe unoita nokunyengera.
14. Vakangopodza vanga ravanhu vangu zvishoma vachiti, "Rugare, rugare!" Izvo hakuna rugare.
15. Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete havana kutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa, panguva yandinovarova vachagumburwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
16. Zvanzi naJehovha, "Mirai panzira, muwone; bvunzai nzira dzakare, kuti nzira yakanaka ndeipi; mufambe mairi, mugowanira mweya yenyu zoro;" asi vakati, "Hatidi kufamba mairi."
17. Ndakagadza nharirire kukurindirai, ndikati, "teererai inzwi rehwamanda;" asi ivo vakati, "Hatidi kuteerera."
18. Naizvozvo inzwai, imi marudzi, newe ungano, muzive zviri pakati pavo.
19. Inzwa, "Iwe nyika, tarira, ndini ndinouyisira vanhu ava zvakaipa, izvo zvibereko zvemifungo yavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu; kana uri murayiro wangu, vakauramba.
20. Ko zvinonhuwira zvinouyirei kwandiri zvichibva Shebha, nekaramusi inobva kunyika iri kure? Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi, nezvibayiro zvenyu hazvindifadzi.
21. Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndichaisira vanhu ava zvigumbuso, madzibaba navanakomana vavo vachagumbuswa nazvo pamwechete; munhu neshamwari yake vachaparara pamwechete.' "
22. Zvanzi naJehovha, "Tarirai, vanhu vachabva kunyika yokumusoro, rudzi rukuru ruchamutswa, ruchibva kumigumo yenyika.
23. Vakabata uta nepfumo, vane hasha havane nyasha; inzwi ravo rinotinhira segungwa; vanotasva mabhiza, mumwe nomumwe wakazvigadzira, somunhu unoenda kuhondo, kuzorwa newe, iwe mukunda weZiyoni."
24. Takanzwa guhu razvo, maoko edu oshaiwa simba, tabatwa nokutambudzika, nokurwadziwa sokwomukadzi unosurumuka,
25. Regai kubudira kubundo, kana kufamba nenzira; nokuti munondo womuvengi nezvinotyisa zviri kumativi ose.
26. Haiwa, mukunda wavanhu vangu, "Zvisunge chiuno namakudza, uumbu ruke mumadota; chema, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, nokuchema kukuru kwazvo; nokuti muparadzi uchatiwira pakarepo. "
27. Ndakakuita mushori nenhare pakati pavanhu vangu, kuti uzive nokuidza nzira yavo.
28. Vose vavo vamukiri vakaisvoipa, vanongofamba-famba vachiita makuhwa; indarira nedare, vanoita zvakashata vose.
29. Mvuto inovhutira kwazvo, mutobvu wapera nomoto, vanoramba vachinatsa pasina, nokuti vakaipa havabviswi.
30. Vachanzi sirivha yakarashwa, nokuti Jehovha wakavaramba.

  Jeremiah (6/52)