| ← Jeremiah (6/52) → |
| 1. | Tizai, imi vana vaBhenjamini, ibvai pakati peJerusaremu, muridze hwamanda paTekoa, mumutse chiratidzo paBheterehemu; nokuti zvakaipa zvinovavarira zviri kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru. |
| 2. | Ndichabvisa mukunda weZiyoni, iye wakanaka, unovunengwe. |
| 3. | Vafudzi vachaenda kwariri vana mapoka avo; vacharidzikira matende avo kumativi ose, mumwe nomumwe uchafura panzvimbo yake. |
| 4. | "Zvigadzirei kundorwa naro; simukai, tiende masikati. Tine nhamo, nokuti zuva rovira, nokuti mimvuri yamadekwana yareba. |
| 5. | "Simukai, tiende vusiku, tindoparadza dzimba dzamadzimambo aro." |
| 6. | Nokuti zvakanzi naJehovha wehondo, "Temai miti, mututire Jerusaremu murwi wokurwa nawo; ndiro guta rinofanira kurohwa, mukati maro munongova nokumanikidza bedzi. |
| 7. | Tsime sezvarinobudisa mvura yaro, saizvozvo rinobudisa zvakaipa zvaro; kuita nesimba nokuparadza ndizvo zvinonzwikwa mukati maro, pamberi pangu panongova nokurwara namavanga nguva dzose. |
| 8. | Tenda kurangwa, iwe Jerusaremu, kuti mweya wangu urege kuparadzana newe, ndirege kukuita dongo, nyika isingagari vanhu." |
| 9. | Zvanzi naJehovha wehondo, "Vachatanha chose zvakasara zvaIsiraeri, somuzambiringa; dzoseraizve ruoko rwenyu mumatengu, sezvinoita mutanhi wemizambiringa." |
| 10. | Ndichataura nani nokuvapupurira vanzwe? Tarirai, nzeve dzavo hadzina kudzingiswa, havagoni kunzwa; tarirai, shoko raJehovha rava kwavari chinhu chinodadirwa, havarifariri. |
| 11. | Naizvozvo ndizere nokutsamwa kwaJehovha, ndaneta kuzvidzora; "Chikudururai pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro peungano yamajaya; nokuti murume nomukadzi vachabatwa pamwe chete nowava namazuva mazhinji. |
| 12. | Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, minda yavo pamwechete navakadzi vavo; nokuti ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 13. | Nokuti kubva kuvaduku pakati pavo kusvikira kuvakuru pakati pavo mumwe nomumwe unokarira fuma; uye kubva kuvaporofita kusvikira kuvapirisiti mumwe nomumwe unoita nokunyengera. |
| 14. | Vakangopodza vanga ravanhu vangu zvishoma vachiti, "Rugare, rugare!" Izvo hakuna rugare. |
| 15. | Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete havana kutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa, panguva yandinovarova vachagumburwa, ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 16. | Zvanzi naJehovha, "Mirai panzira, muwone; bvunzai nzira dzakare, kuti nzira yakanaka ndeipi; mufambe mairi, mugowanira mweya yenyu zoro;" asi vakati, "Hatidi kufamba mairi." |
| 17. | Ndakagadza nharirire kukurindirai, ndikati, "teererai inzwi rehwamanda;" asi ivo vakati, "Hatidi kuteerera." |
| 18. | Naizvozvo inzwai, imi marudzi, newe ungano, muzive zviri pakati pavo. |
| 19. | Inzwa, "Iwe nyika, tarira, ndini ndinouyisira vanhu ava zvakaipa, izvo zvibereko zvemifungo yavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu; kana uri murayiro wangu, vakauramba. |
| 20. | Ko zvinonhuwira zvinouyirei kwandiri zvichibva Shebha, nekaramusi inobva kunyika iri kure? Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi, nezvibayiro zvenyu hazvindifadzi. |
| 21. | Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndichaisira vanhu ava zvigumbuso, madzibaba navanakomana vavo vachagumbuswa nazvo pamwechete; munhu neshamwari yake vachaparara pamwechete.' " |
| 22. | Zvanzi naJehovha, "Tarirai, vanhu vachabva kunyika yokumusoro, rudzi rukuru ruchamutswa, ruchibva kumigumo yenyika. |
| 23. | Vakabata uta nepfumo, vane hasha havane nyasha; inzwi ravo rinotinhira segungwa; vanotasva mabhiza, mumwe nomumwe wakazvigadzira, somunhu unoenda kuhondo, kuzorwa newe, iwe mukunda weZiyoni." |
| 24. | Takanzwa guhu razvo, maoko edu oshaiwa simba, tabatwa nokutambudzika, nokurwadziwa sokwomukadzi unosurumuka, |
| 25. | Regai kubudira kubundo, kana kufamba nenzira; nokuti munondo womuvengi nezvinotyisa zviri kumativi ose. |
| 26. | Haiwa, mukunda wavanhu vangu, "Zvisunge chiuno namakudza, uumbu ruke mumadota; chema, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, nokuchema kukuru kwazvo; nokuti muparadzi uchatiwira pakarepo. " |
| 27. | Ndakakuita mushori nenhare pakati pavanhu vangu, kuti uzive nokuidza nzira yavo. |
| 28. | Vose vavo vamukiri vakaisvoipa, vanongofamba-famba vachiita makuhwa; indarira nedare, vanoita zvakashata vose. |
| 29. | Mvuto inovhutira kwazvo, mutobvu wapera nomoto, vanoramba vachinatsa pasina, nokuti vakaipa havabviswi. |
| 30. | Vachanzi sirivha yakarashwa, nokuti Jehovha wakavaramba. |
| ← Jeremiah (6/52) → |