Jeremiah (52/52)    

1. Zedhekia wakatanga kubata ushe ava namakore ana makumi maviri nerimwe, akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi nerimwe; zita ramai vake rakanga riri Hamutari mukunda waJeremiya weRibhina.
2. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha netsika dzose dzaJehoiakimu.
3. Nokuti izvozvo zvakaitirwa Jerusaremu naJudha nokuda kwokutsamwa kwaJehovha, kusvikira avarashira kure kwaari; Zedhikia akamukira mambo weBhabhironi.
4. Zvino negore repfumbamwe rokubata kwake ushe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi akasvika, iye nehondo yake yose, kuzorwa neJerusaremu, vakadzika matende avopo, vakarikomba nenhare.
5. Naizvozvo guta rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.
6. Zvino nomwedzi wechina, nezuva repfumbamwe romwedzi, nzara ikanyanya kwazvo paguta, vanhu venyika vakashaiwa zvokudya.
7. Vakaputsa rusvingo rweguta, vanhu vose vehondo vakatiza, vakabuda muguta vusiku nenzira yesuo, pakati pamadziro maviri aiva pamunda wamambo; (zvino vaKaradhea vakanga vakakomba guta); vakaenda nenzira yokurenje.
8. Asi hondo yavaKaradhea yakatevera mambo, vakabata Zedhekia pamapani eJeriko, hondo yake yose ikapararira ikabva kwaari.
9. Zvino vakabata mambo, vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutongerapo.
10. Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia iye achizviona, akaurayawo machinda ose aJudha paRibhira.
11. Akatumbura meso aZedhekia, mambo weBhabhironi akamusunga namatare, akamuisa Bhabhironi, akamusunga mutorongo kusvikira pazuva rokufa kwake.
12. Zvino nomwedzi wechishanu, nezuva regumi romwedzi, negore regumi namapfumbamwe ramambo Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, waimira pamberi pamambo weBhabhironi, wakasvika Jerusaremu.
13. Akapisa imba yaJehovha, neimba yamambo; akapisawo dzimba dzose dzeJerusaremu, dzimba dzose huru, nomoto.
14. Hondo yose yavaKaradhea, yakanga inomukuru wavarindi, ikaputsa masvingo ose eJerusaremu kunhivi dzose.
15. Ipapo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatapa vamwe varombo chaivo vavanhu, navamwe vanhu vakanga vasara muguta, navakanga vanyengera vakaenda kuna mambo weBhabhironi, navakanga vasara kuvazhinji.
16. Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akasiya vamwe varombo chaivo venyika, kuti vave varimi veminda yemizambiringa nemimwe minda.
17. VaKaradhea vakaputsanya mbiru dzendarira dzakanga dziri mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvakanga zviri mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo yose Bhabhironi.
18. Vakatorawo hari nefoshoro nembato dzemwenje, nembiya, nezvirongo, nenhumbi dzose dzendarira dzavaibata nadzo.
19. Nemikombe, nezvaenga zvomoto, nembiya, nehari, nezvitimiko zvemwenje, nezvirongo, nemidziyo, zvose zvakanga zviri zvendarama nezvose zvakanga zviri zvesirivha, mukuru wavarindi akazvitora.
20. Mbiru mbiri, nedziva rimwe, nehando gumi nembiri dzendarira dzaiva pasi pezvingoro, zvakanga zvaitirwa imba yaJehovha naSoromoni, kurema kwendarira yenhumbi idzi dzose kwakanga kusingagoni kuyerwa.
21. Zvino kana dziri mbiru, kureba kwembiru imwe kwakasvika makubhiti ane gumi namasere; pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti ane gumi namaviri rwakarupoteredza; pakukora yakasvika minwe mina; mukati makanga munemhango.
22. Yakanga inomusoro wendarira pamusoro payo, kureba kwomusoro mumwe kwakasvika makubhiti mashanu, uye kwakanga kune zvakarukwa namatamba zvaipoteredza musoro, zvose zviri zvendarira; nembiru yechipiri yakanga yakafanana neyiyi, namatambawo
23. Pamativi pakanga pana matamba makumi mapfumbamwe namatanhatu, matamba ose akasvika zana pane zvakarukwa pamativi ose.
24. Mukuru wavarindi akatora Seraia mupirisiti mukuru, naZefaniya mupirisiti wechipiri, navarindi vatatu vomukova;
25. napaguta akatora mukuru waitarira varume vehondo, navarume vanomwe vaisionana namambo, vaakawana muguta, nomunyori womukuru wehondo, waiunganidza vanhu venyika, navarume vana makumi matanhatu vavanhu venyika, vaakawana mukati meguta.
26. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora, akavaisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.
27. Mambo weBhabhironi akavabaya, akavauraya paRibhira, panyika yeHamati. Naizvozvo vaJudha vakatapwa panyika yavo.
28. Ndivo vanhu vakatapwa naNebhukadhirezari; negore rechinomwe vaJudha vane zviuru zvitatu namakumi maviri navatatu;
29. negore regumi namasere raNebhukadhirezari wakatapa paJerusaremu vanhu vana mazana masere namakumi matatu navaviri, akaenda navo;
30. negore ramakumi maviri namatatu raNebhukadhirezari, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakatapa kuvaJudha vanhu vana mazana manomwe namakumi mana navashanu; vanhu vose vaiva zviuru zvina namazana matatu.
31. Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoiakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi negore rokutanga rokubata kwake ushe, akakudza musoro waJehoiakini mambo wavaJudha, akamubvisa mutorongo;
32. akataura naye nomoyo munyoro, akakudza chigaro chake choushe kukunda zvigaro zvoushe zvamadzimambo akanga anaye paBhabhironi,
33. akashandura nguvo dzake dzokusungwa. Jehoiakini akaramba achidya zvokudya pamberi pake mazuva ose ohupenyu hwake.
34. Kana zviri zvokurarama nazvo, waisipiwa zvokurarama nazvo namambo weBhabhironi nguva dzose, zuva rimwe nerimwe mugove waro, kusvikira zuva rokufa kwake, namazuva ose oupenyu hwake

  Jeremiah (52/52)