Jeremiah (5/52)  

1. Mhanyai kwose-kwose panzira dzomuguta reJerusaremu, muone zvino, muzive, mutsvake pamigwagwa mikuru yaro, kana mungawana munhu, kana aripo, unoita zvakarurama, unotsvaka zvokwadi; ipapo ndicharikanganwira.
2. Kunyange vachiti havo, "NaJehovha mupenyu," zvirokwazvo vanopika nhema.
3. Haiwa Jehovha, meso enyu haazinotsvaka zvokwadi here? Makavarova, asi havana kunzwa kurwadziwa; makavapedza, asi vakaramba kurairwa; vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo, vakaramba kudzoka.
4. Ipapo ndikati, "Zvirokwazvo, ava varombo, mapenzi, nokuti havazivi nzira yaJehovha, kana murayiro waMwari wavo.
5. Ndichaenda kuvakuru, ndichataura navo; nokuti ivo vanoziva nzira yaJehovha, nomurayiro waMwari wavo. Asi ava vose pamwechete vakaputsa joko, vakadambura zvisungo."
6. Saka shumba inobva kudondo, ichavauraya, bere rokumarenje richavaparadza, ingwe ichavandira maguta avo, mumwe nomumwe, unobudamo, uchabvamburwa; nokuti kudarika kwavo kuzhinji, nokudzokera kwavo kwawedzerwa.
7. "Ndingakukanganwira seiko? Vana vako vakandirasha, vakapika navasati vari vamwari. Nguva yandakavagutsa kwazvo, vakapombora, vakaunganira padzimba dzezvifeve vachiita mapoka.
8. Vakanga vakaita samabhiza akagutswa, anongozvifambira; mumwe nomumwe wakadana mukadzi wowokwake.
9. Ko handingarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; ko mweya wangu haungazvitsiviri parudzi rwakadai here?
10. "Kwirai pamasvingo aro, muparadze; asi musapedza chose; bvisai matavi aro, nokuti haazi Jehovha.
11. Nokuti imba yaIsiraeri neimba yaJudha vakaita nokunyengera kukuru kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha."
12. Vakaramba Jehovha, vakati, "Haazi iye; hakuna chakaipa chingatiwira, hatingaoni munondo kana nzara;
13. vaporofita vachashanduka mhepo, shoko raJehovha harizi mavari; ngavaitirwe saizvozvo."
14. Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, "Zvamunotaura shoko iri, tarirai, ndichaita mashoko angu ave moto mumiromo yenyu, navanhu ava vave huni, vapedzwe nawo."
15. Tarirai ndizvo zvinotaura Jehovha ndichauyisa pamusoro penyu rudzi runobva kure, imi imba yaIsiraeri, rudzi rwamusingazivi rurimi rwarwo, kana kunzwisisa zvavanotaura.
16. Gobha ravo hwiro hwakashama, vose vanhu vane simba.
17. Vachadya zvamakohwa nezvokudya zvenyu zvaifanira kudyiwa navanakomana venyu navanasikana venyu; vachadya makwai enyu nemombe dzenyu; vachadya mizambiringa yenyu nemionde yenyu; vachaputsira pasi neminondo maguta enyu akakomberedzwa, amaivimba nawo.
18. Asi zvanzi naJehovha, "Kunyange napamazuva iwayo handingakupedziyi chose.
19. Zvino kana muchinge munoti, `Ko Jehovha Mwari wedu wakatiitirei izvezvi zvose?' Ipapo uti kwavari, `Sezvamakandirasha ini, mukashumira vamwe vamwari panyika yenyu, saizvozvo muchashumira vatorwa panyika isati iri yenyu.' "
20. Taurirai izvozvi paimba yaJakobho, muzviparidzire paJudha, muchiti,
21. "Zvino chinzwai izvozvi, imi vanhu mapenzi, musina njere; muna meso, asi hamuoni, mune nzeve, asi hamunzwi.
22. Zvanzi naJehovha, `Hamundityi here?' Hamudederi pamberi pangu here, ini ndakaisa jecha rive muganho wegungwa, ndikatema chirevo chisingaperi kuti rirege kuudarika? Zvino kunyange mafungu aro achipenga, haangakundi.
23. Asi vanhu ava vanomoyo wakasindimara unoramba kunzwa; vakatsauka, ndokuenda.
24. "Havati mumoyo yavo, `Zvino ngatitye Jehovha Mwari wedu, unotipa panguva yazvo mvura yokutanga neyokupedzisira, iye unotichengetera mavhiki akatarwa okukohwa.'
25. Zvakaipa zvenyu zvakatsausa izvozvi, kutadza kwenyu kwakadzivisa kuti zvinhu zvakanaka zvirege kuuya kwamuri.
26. "Nokuti vanhu vakaipa varipo pakati pavanhu vangu; vanorindira, savanogarira shiri; vanoteya misungo, vanobata vanhu.
27. Sedendere, rizere neshiri, saizvozvo dzimba dzavo dzizere nokunyengera; nemhaka iyo vakura, vafuma.
28. Vakora, vanobwinya; zvirokwazvo vanokurira vamwe namabasa akaipa; havatambi mhaka, iyo mhaka yenherera, kuti vagare zvakanaka; havaruramisiri vanoshaiwa.
29. "Ko handingarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; ko mweya wangu haungazvitsiviri parudzi rwakadai here?"
30. Chinhu chinoshamisa chinosemesa chakaitwa panyika ino;
31. vaporofita va noporofita nhema, navapirisiti vanobata ushe vachirairwa navo; asi vanhu vangu vanofarira izvozvo; zvino pakupedzisira kwazvo muchaiteiko?

  Jeremiah (5/52)