| ← Jeremiah (46/52) → |
| 1. | Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro pamarudzi. |
| 2. | Pamusoro peIjipiti; pamusoro pehondo yaFaraoneko mambo weIjipiti, yakanga iri parwizi Yufuratesi paKarikemishi, yakakundwa naNebhukadhirezari mambo weBhabhironi negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha. |
| 3. | "Gadzirai nhovo duku nenhovo huru, muswedere kunorwiwa. |
| 4. | Sungai mabhiza, kwirai imwi vatasvi mumire makadzika ngowani dzenyu; rodzai mapfumo, pfekai nguvo dzamatare. |
| 5. | "Ndakazviwonereiko? Vakanganiswa, vadzokera shure; mhare dzavo dzakundwa, dzatiza, hadzicheukiri shure, kutya kuri pamativi ose, ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 6. | Vanomhanyisa ngavarege kutiza, mhare ngadzirege kupukunyuka; kurutivi rwokumusoro, parwizi rwaYufuratesi, vakagumburwa vakawira pasi. |
| 7. | "Ndianiko uyo unokwira sorwizi rwaNairi, mvura yarwo inotamba senzizi? |
| 8. | "Ijipiti rinokwira saNairi, mvura yarwo inotamba senzizi; rinoti, `Ndichakwira, ndichafukidza nyika, ndichaparadza maguta navageremo.' |
| 9. | Kwirai, imi mabhiza, fambisai imi ngoro, mhare ngadzibude, vanoti, Kushi naPuti vanoshonga nhovo, navaRudhi vanobata nokuwembura huta. |
| 10. | Nokuti zuva iro izuva raShe, Jehovha wehondo, zuva rokutsiva kuti azvitsivire vadzivisi vake; munondo uchadya nokuguta, uchanwa ropa ravo ukaguta, nokuti Ishe, Jehovha wehondo, unechibayiro chake kunyika yokumusoro parwizi rwaYufuratesi. |
| 11. | Kwira uende Giriyadhi, undotorako muti webharisami, iwe mhandara, mukunda weIjipiti; wawanza mishonga mizhinji isina maturo, hauporeswi. |
| 12. | Marudzi akanzwa zvokunyadziswa kwako, nyika izere nokuchema kwako; nokuti mhare dzakabonderana nemhare, vose vaviri vakawira pasi." |
| 13. | Shoko, rakaudzwa muporofita Jeremiya naJehovha, richireva muuyire waNebhukadhirezari mambo weBhabhironi nomukundire wake nyika yeIjipiti. |
| 14. | "Paridzirai paIjipiti, zivisai paMigidhori, zivisai paNofi napaTapanesi, muti, `Simukai muzvigadzire, nokuti munondo wakadya zviri kumativi ako ose. |
| 15. | Mhare dzako dzakabviswa neiko? Havana kumira, nokuti Jehovha wakavadzinga.' |
| 16. | Wakagumbusa vazhinji, zvirokwazvo mumwe wakawira pamusoro pomumwe; vakati, `Simukai, tiendezve kuvanhu vedu, nokunyika kwatakaberekerwa, titize munondo unomanikidza.' |
| 17. | Vakadanidzirako, vachiti, `Farao mambo weIjipiti iguhu zvaro, wakarega nguva yakatarwa ichipfuura.' |
| 18. | "Nohupenyu hwangu," ndizvo zvinotaura mambo une zita rinonzi Jehovha wehondo, "Zvirokwazvo uchauya akaita seTabhori pakati pamakomo, uye seKarimeri pagungwa. |
| 19. | Iwe mukunda unogara Ijipiti, zvigadzirire kutapwa, nokuti Nofi richaitwa dongo, richapiswa, risina unogaramo. |
| 20. | Ijipiti imhorombe yakaisvonaka, asi vuvu rinobva kurutivi rwokumusoro rasvika, rasvika. |
| 21. | "Navanhu varo vanoripirwa, vari mukati maro, vakafanana nemhuru dzomudanga, nokuti naivo vakadzoka, vakatiza pamwechete, havana kumira; nokuti zuva renjodzi yavo rakauya pamusoro pavo, iyo nguva yokurohwa kwavo. |
| 22. | Mubvumo waro uchava sowenyoka, nokuti vachafamba nehondo, vachandorwa navo namatemo, savatemi vemiti. |
| 23. | Vachatema dondo raro, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti havanganzverwi, nokuti vakawanda kupfuura mhashu, havangaverengwi. |
| 24. | Mukunda weIjipiti uchanyadziswa, uchaiswa mumaoko avanhu vanobva kurutivi rwokumusoro." |
| 25. | Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, unoti, "Tarirai, ndicharova Amoni neNo, naFarao, neIjipiti navamwari varo, namadzimambo aro, iye Farao navose vanovimba naye. |
| 26. | Ndichavaisa mumaoko avanotsvaka kuvauraya, nomumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nomumaoko avaranda vake; zvino pashure richagarwa, sapamazuva akare ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 27. | Asi usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, usavhunduswa, iwe Isiraeri; nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, navana vako vari panyika kwavakatapirwa; Jakobho uchadzoka, uchanyarara nokuzorora, hakuna ungamutyisa. |
| 28. | Usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti ndinewe; nokuti ndichapedza kwazvo marudzi ose kwandakakudzingira; asi iwe handingakupedzi, asi ndichakuranga ndichiita nokururama, handingakuregi usina kurohwa." |
| ← Jeremiah (46/52) → |