Jeremiah (45/52)  

1. Shoko, rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuna Bharuki mwanakomana waNeria, panguva yaakanyora mashoko awa mubhuku, zvichibva mumuromo waJeremiya, negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, richiti,
2. "Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, kwauri, iwe Bharuki,
3. iwe wakati, `Ndine nhamo zvino, nokuti Jehovha wakawedzera kuchema pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera kwangu, ndinoshaiwa zororo.'
4. "Zvino chiti, kwaari, `Zvanzi naJehovha, tarira, chandakavaka ndichachikoromorazve, chandakasima ndichachidzurazve; ndizvo zvandichaitira nyika yose.'
5. Iwe unozvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka; nokuti tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penyama yose ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndichakupa hupenyu hwako chive chinhu chakapambwa panzvimbo dzose kwaunoenda."

  Jeremiah (45/52)